Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 3

Kushingirira

Kushingirira

KUSHINGIRIRA KUITA SEI?

Munhu anoshingirira ndeuya anoti kana akasangana nedambudziko kana chipingamupinyi, haakurumidzi kukanda mapfumo pasi. Izvi hazvingoitiki nezuva rimwe. Sezvinongoita mwana ari kudzidzira kufamba uyo anombodonha kakawanda, kuti munhu abudirire muupenyu anombosangana nezvinomudonhedzera pasi.

NEI KUSHINGIRIRA KUCHIKOSHA?

Vamwe vana vanoora mwoyo pavanongokundikana, pavanosangana nedambudziko, kana kuti pavanotsiurwa. Vamwe vanobva vatokanda mapfumo pasi. Asi vanofanira kuziva zvinotevera:

Kushingirira kuchabatsira mwana wenyu kuti asatya kunangana nematambudziko.

MADZIDZISIRO AMUNGAITA MWANA WENYU

Mwana wenyu paanokundikana.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Munhu akarurama angawa kanomwe, asi achasimuka zvakare.”​—Zvirevo 24:16.

Batsirai mwana wenyu kuti azive musiyano wedambudziko hombe nediki. Ngatitii afoira kuchikoro, anobva atoona here sekuti hapana chakanaka chaanogona muupenyu?

Kuti mumudzidzise kushingirira, mubatsirei kuona zvaangaita kuti asazofoira zvakare. Izvi zvichaita kuti aedze kugadzirisa dambudziko racho pane kungorwadziwa naro.

Asi musagadzirisa dambudziko racho muri imi. Ingomubatsirai kuona nzira yekurigadzirisa nayo. Munogona kumubvunza kuti, “Ungaita sei kuti uwedzere kunzwisisa zvauri kudzidza kuchikoro?”

Panoitika dambudziko.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: ‘Hamuzivi zvichange zvakaita upenyu hwenyu mangwana.’​—Jakobho 4:14.

Zvinhu zvinogona kungochinja muupenyu. Munhu akapfuma anogona kungomuka ava murombo; munhu ane utano anogona kungomuka ava kurwara. “Vanomhanya kwazvo havasi ivo vanokunda panhangemutange, vane simba havasi ivo vanokunda muhondo,” rinodaro Bhaibheri, “nokuti vose vanowirwa nenguva nezviitiko zvisingafanoonekwi.”​—Muparidzi 9:11.

Sevabereki, munofanira kuita zvese zvamunogona kuti mudzivirire mwana wenyu kuti asapinda munjodzi. Asi chokwadi ndechekuti hamungakwanisi kudzivirira mwana wenyu pamatambudziko ese muupenyu.

Mwana wenyu haasati hake ava pazera rekuti angasangana nedambudziko rekupererwa nebasa kana kuti rekushaya mari. Kunyange zvakadaro, munogona kumubatsira kutsungirira kana shamwari dzake dzikaramba kutamba naye kana paanofirwa nemunhu waanoda. *

Mwana wenyu paanotsiurwa.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Teerera zano . . . kuti uve akachenjera mune ramangwana.”​—Zvirevo 19:20.

Mwana wenyu paanotsiurwa, hazvirevi kuti ari kumutsiura wacho ari kuda kumuomesera asi kuti anenge achida kumubatsira kuti agadzirise maitiro asina kunaka.

Pamunodzidzisa mwana wenyu kuti abvume kutsiurwa, zvinotobatsira mese. Mumwe murume anonzi John akati: “Vana havana chavanodzidza kana mubereki achigadzirisa zvinhu pese pavanenge vakanganisa. Vanobva vatoparamura dzimwe nyaya, uye munenge mava kufanira kuramba muchidzigadzirisa. Munenge matozviomesera, imimi nemwana wenyu.”

Mungaita sei kuti mwana wenyu abatsirwe nekutsiurwa kwaanenge aitwa? Mwana wenyu paanotsiurwa, kungava kuchikoro kana kumwewo, musati munhu amutsiura akanganisa. Pane kudaro, mubvunzei kuti:

  • “Unofunga kuti chii chaita kuti utsiurwe?”

  • “Ungaita sei kuti usazvidzokorodza?”

  • “Kana ukazotsiurwa futi, uchaita sei?”

Munofanira kuziva kuti mwana wenyu paanotsiurwa, zvinotomubatsira iye zvino uyewo paanenge akura.

^ ndima 21 Onai nyaya inoti “Batsira Mwana Wako Kuti Atsungirire Kusuruvara,” iri muNharireyomurindi yaJuly 1, 2008.