Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Handirambi Ndichingofunga Nezveurwere Hwangu”

“Handirambi Ndichingofunga Nezveurwere Hwangu”

“Ndaitoda mumwe munhu kuti andiradzike nekundimutsa pamubhedha. Kufamba chaiko kwairwadza. Pahuro pakanga pavhara saka ndaitadza kumedza mapiritsi. Ndakatanga kuita maronda asingapori uye mamwe acho akapedzisira ava kuora. Ndaivawo nemaronda mudumbu uye ndaitambura nechirungurira. Ndaisanzwisisa kuti chii chakanga chichiitika. Ndaingova nemakore 10.”—Elisa.

Elisa anofarira kuudza vamwe nezveBhaibheri pasinei nedambudziko rake

SCLERODERMA zvinoreva “kuomarara kweganda” uye ishoko rinoshandiswa kurondedzera zvirwere zvinotambudza vanhu vanenge 2,5 miriyoni pasi rose. Vana vanowanzobatwa nelocalized scleroderma inoita kuti ganda riomarare.

Elisa paakaonekwa kuti aiva nesystemic scleroderma akanga aine makore 10. Chirwere ichi hachingokanganisi ganda chete asi chinokanganisawo kushanda kunoita itsvo, mwoyo, mapapu nemudumbu. Vanachiremba vaifunga kuti kana Elisa akarapwa aigona kungorarama kwemakore 5 chete. Iye zvino patopfuura makore 14 asi Elisa achiri mupenyu. Kunyange zvazvo chirwere chake chisina kupera, anogara achifara. Vanyori veMukai! vakataura naElisa nezvechirwere chake uye kutsungirira kwaari kuita.

Wakatanga riini kuziva kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka?

Pandaiva nemakore 9, ndakakuvara pagokora uye paindirwadza chaizvo. Ronda racho rakatanga kukura uye rakanga risingapori. Ndakanoongororwa ropa ndikaonekwa kuti ndaiva nechirwere chinonzi systemic scleroderma. Sezvo utano hwangu hwairamba huchingoipa, taifanira kutsvaka chiremba aiziva kuti chirwere ichi chinorapwa sei.

Saka makamuwana here?

Takamuwana, uye akaudza vabereki vangu kuti kurapwa pachishandiswa nzira inorapwa nayo varwere vekenza inonzi chemotherapy, kwaigona kuwedzera upenyu hwangu nemakore 5 kana kuri kuti chirwere chacho chamboti mirei. Asi marapirwo aya aizoita kuti muviri wangu utadze kurwisa zvirwere, zvokuti kana furuu chaiyo yaizoita kuti ndirware zvokufa.

Zvainyanya kutyirwa hazvina kuzoitika handiti?

Ehe, ndinofara kuti ndichiri mupenyu! Asi pandakanga ndava nemakore 12, ndakatanga kurwadziwa muchipfuva zvisingaite. Izvi zvaiwanzoitika kwemaminitsi anenge 30, dzimwe nguva kaviri pazuva. Ndairwadziwa zvokuti ndairidza mhere.

Zvaikonzerwa nei?

Vanachiremba vakaona kuti muropa rangu maiva musina hemoglobin yakakwana iyo inofambisa okisijeni mumuviri. Izvi zvaibva zvaita kuti mwoyo wangu unyanye kushanda uchipomba ropa kuriendesa kuuropi. Pashure pemavhiki mashoma ndarapwa, dambudziko racho rakaderera. Asi panguva iyoyo, ndakanga ndava kungorarama ndichiti hameno ndikamuka ndiri mupenyu. Ndakapererwa zvandisati ndamboita.

Pava nemakore 14 kubva pawakabatwa chirwere ichi, saka iye zvino uri kunzwa sei?

Ndichiri kurwadziwa uye ndine zvimwe zvakawanda zvinonditambudza zvinokonzerwa nescleroderma. Zvimwe zvacho maronda emudumbu, chirwere chemapapu nechirungurira. Kunyange zvakadaro, handirambi ndichingofunga nezveurwere hwangu kana kuswera ndakasuruvara. Ndine zvimwe zvinhu zvokuita.

Sezvipi?

Ndinofarira kudhirowa, kusona, nekugadzira zvuma. Asi zvakatonyanya kukosha ndezvekuti seChapupu chaJehovha, ndinoita basa rokuudzawo vanhu nezveBhaibheri. Kunyange pandinenge ndisiri kukwanisa kufamba ndichienda kure, ndinobatsira zvimwe Zvapupu pazvinenge zvichidzidza Bhaibheri nevanhu vanogara pedyo nokumba kwedu. Ndakatombovawo nevamwe vandaidzidza navo Bhaibheri. Basa rokuparidza rinoita kuti upenyu hwangu huve nechinangwa.

Nei uchiita basa iri nepo iwe uine zvako zvinokutambudza?

Ndinoziva kuti zvandinoparidza kune vamwe zvakakosha uye zvinobatsira. Uyewo pandinoita izvi, ndinotowedzera kufara. Ndinobva ndanzwa zviri nani! Kwekanguva ikako, ndinombokanganwa kuti ndinorwara.

Bhaibheri rinokubatsira sei kuti urambe uchifara?

Rinondiyeuchidza kuti matambudziko angu neevamwewo haasi kuzoramba aripo. Zvakazarurwa 21:4 inotaura kuti panguva yake yakakodzera, Mwari “achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve.” Kufunga nezvemagwaro akaita seaya kunondibatsira kuti ndisimbise kutenda kwangu pazvinhu zvatinovimbiswa naMwari kuti achaita mune ramangwana.