Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA

Zvaunofanira Kuziva Nezvechirwere Chepfungwa

Zvaunofanira Kuziva Nezvechirwere Chepfungwa

Claudia paakaudzwa kuti aiva nechirwere chepfungwa chinonzi “bipolar disorder” uye “post-traumatic stress disorder” akati, “Ndakanzwa kuzarirwa. Pandaiedza kufungidzira vanhu vachinditi ndinorwara nepfungwa ndaibva ndawedzera kunyanya kunetseka.”

Mark, murume wake akati, “Zvakatora nguva yakareba kuti tizvigamuchire. Asi ndakazoona kuti ndaifanira kunyanya kufunga nezvokunyaradza mudzimai wangu.”

UNOITA sei kana iwe kana kuti mumwe munhu waunoda akabatwa nechirwere chepfungwa? Zvinofadza ndezvokuti chirwere ichi chinogona kurapika. Ngationgororei zvinhu zvishomanana zvaunofanira kuziva zvichaita kuti unzwisise zviri nani chirwere chepfungwa. *

Uwandu Hwevanhu Vanorwara Nepfungwa

“Mamiriyoni akawanda evanhu pasi rose anorwara nepfungwa uye izvi zvinovhiringidza hama dzavo. Pavanhu 4 voga voga 1 acharwara nepfungwa. Kunyanya kusuwa (depression) ndiko kunonyanya kukonzera dambudziko iri. Zvirwere zvinoti schizophrenia uye bipolar disorder ndezvimwe zvezvirwere zvepfungwa zvakaipisisa. . . . Kunyange zvazvo vakawanda vachirwara nechirwere ichi, vamwe vanonyara kubuda pachena kuti vanacho kana kuti vane hama inacho, vamwe vanongosiyiwa vakadaro vasingarapiswe uye vanotarisirwa pasi.”—World Health Organization (WHO).

Ongororo yakaitwa neWHO inoratidza kuti vakawanda vane chirwere chepfungwa havadi kurapwa nokuti vanonyara.

Kunyange zvazvo zvirwere zvakawanda zvepfungwa zvichirapika, gore rakapera, muUnited States vanhu vakuru vanenge 60 muzana uye vechiduku vanoda kusvika 50 muzana vane makore 8 kusvika ku15 havana kurapwa, rinodaro sangano rinonzi National Alliance on Mental Illness.

Kunzwisisa Zvakaita Chirwere Chepfungwa

Nyanzvi dzinotsanangura chirwere ichi sokutadza kushanda zvakanaka kwepfungwa, zvoita kuti munhu aite zvisingaitwi nemunhu akati kwesere. Chirwere chacho chinowanzoita kuti munhu atadze kunyatsowirirana nevamwe uye atadze kuita zvaanotarisirwa kuita.

Chirwere chepfungwa hachikonzerwi nokuti munhu pane zvaari kutadza kana kukanganisa kuita

Marwariro anoita vanhu anosiyana-siyana zvichienderana nemunhu wacho uye kuti ndechipi chirwere chepfungwa chaari kurwara nacho. Chinogona kubata chero munhu, pasinei nezera, tsika, rudzi, chitendero, kana kuti dzidzo uye mari yaanayo. Chirwere chepfungwa hachikonzerwi nokuti munhu pane zvaari kutadza kana kukanganisa kuita. Kana akawana mishonga yakakodzera, anogona kupora orarama upenyu hwakanaka.

Kurapa Chirwere Chepfungwa

Zvirwere zvakawanda zvepfungwa zvinogona kurapwa navanamazvikokota vokurapa pfungwa. Saka danho rokutanga rinonyanya kukosha nderokuti murwere anyatsoongororwa nachiremba anorapa vanhu vane matambudziko aya.

Asi vanhu vane zvirwere izvi vanogona kubatsirwa chete kana vakabvuma marapirwo avari kunzi vaitwe. Izvi zvingada kuti vasazeza kutaura nevamwe nezvedambudziko ravo. Danho rokutanga nderokutaura navanamazvikokota vepfungwa vanogona kuvabatsira kuti vanzwisise chirwere chavo nokuvapa mazano okugadzirisa matambudziko angamuka, uye kuvakurudzira kuti vasasiyira kurapwa panzira. Pakuenda kunoona vanamazvikokota ava, mumwe wemumhuri kana kuti shamwari anogona kuvapo kuti asimbise uye atsigire murwere.

Vakawanda vakakwanisa kurarama nechirwere ichi pashure pokunge vanyatsonzwisisa nezvacho uye vatevedzera marapirwo avakaudzwa navanachiremba. Mark ambotaura kwokutanga kwenyaya ino, anoti, “Mudzimai wangu asati abatwa kuti ane chirwere ichi, taisaziva zvakawanda nezvacho. Asi takadzidza kuchinja mararamiro edu kuti aenderane nezviri kudiwa panguva yacho. Takabatsirwa nekutsigirwa kwatakaitwa navanachiremba uyewo nehama neshamwari.”

Danho rokutanga rinonyanya kukosha nderokuti murwere anyatsoongororwa nachiremba anorapa vanhu vane matambudziko aya

Claudia anoti, “Pakutanga zvaiita sokuti ndatongerwa kugara mujeri. Asi kunyange tose tiri vaviri tichitadziswa kuita zvimwe zvinhu nemhaka yechirwere ichi, ndakadzidza kuti matambudziko anoita seasingakundiki anogona kukurirwa. Saka ndiri kukwanisa kurarama neurwere hwangu nokuti ndinoita zvandinoudzwa navanachiremba, ndinoedza kuva noushamwari nevamwe uye handinyanyi kuzvinetsa nezvakawanda.”

Unofanira Kusimba Pakunamata

Bhaibheri haritauri kuti kuva mutendi kunorapa zvirwere. Kunyange zvakadaro, mhuri dzakawanda pasi rose dzakanyaradzwa uye dzakasimbiswa zvikuru nezvinodzidziswa neBhaibheri. Somuenzaniso, Bhaibheri rinotivimbisa kuti Musiki wedu ane rudo anoda chaizvo kunyaradza vaya “vakaora mwoyo” uye “vakadzvinyirirwa.”Pisarema 34:18.

Kunyange zvazvo Bhaibheri risiri bhuku rezvoutano, rine mazano anoshanda anogona kutibatsira kana tiine zvinhu zvinotishungurudza. Rinotipawo tariro yokuti mune ramangwana vanhu vanenge vasingacharwari kana kurwadziwa. Rinoti: “Panguva iyoyo maziso emapofu achasvinudzwa, uye nzeve dzematsi dzichavhurwa. Panguva iyoyo munhu akaremara achakwakuka sezvinoita nondo hono, rurimi rwembeveve ruchashevedzera ruchifara.”Isaya 35: 5, 6.

^ ndima 5 Munyaya ino mashoko okuti “chirwere chepfungwa” anenge achireva kurasika pfungwa, kutadza kuwirirana nevamwe, uye kupenga.

^ ndima 32 Mukai! haiti marapiro akati ndiwo akanaka kudarika akati. VaKristu vanofanira kuva nechokwadi chokuti chero marapirwo avanenge vasarudza haapesani nezvinotaurwa neBhaibheri.

^ ndima 40 Onawo nyaya inoti, “Mazano Okuderedza Kunyanya Kunetseka,” iri muMukai! yaJuly-August 2014.