Enda pane zvauri kuda

Chii Chinodiwa Kuti Mhuri Ifare?

Chii Chinodiwa Kuti Mhuri Ifare?

Unofunga kuti . . .

  • rudo here?

  • imari here?

  • chimwewo chinhu here?

BHAIBHERI RINOMBOTII?

“Vanofara ndevaya vanonzwa shoko raMwari vorichengeta!”​—Ruka 11:28, Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva.

ZVARINOTAURA ZVINGAKUBATSIRA SEI?

Uchawana rudo rwechokwadi.​—VaEfeso 5:28, 29.

Uchanyatsoremekedzwa.​—VaEfeso 5:33.

Hauzotyi kuti mhuri yako ingaparara.​—Mako 10:6-9.

TINGANYATSOBVUMA ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI HERE?

Hongu. Tine zvikonzero zviviri zvinoita kuti tidaro:

  • Mwari ndiye akatanga mhuri. Bhaibheri rinoti “mhuri dzese . . . dzinowana mazita adzo” kuna Jehovha Mwari. (VaEfeso 3:14, 15) Izvi zvinoreva kuti Jehovha ndiye akaita kuti pave neurongwa hwemhuri. Nei izvi zvichikosha?

    Ngatitii uri kudya zvekudya zvinonaka. Kana uchida kuziva zvakashandiswa pakuzvibika unobvunza ani? Zvine musoro kuti ubvunze akazvibika wacho.

    Saka kana tichidawo kuziva zvinodiwa kuti mhuri ifare, tinobvunza Jehovha, uyo akatanga urongwa hwemhuri.​—Genesisi 2:18-24.

  • Mwari anokuda. Zvakanaka kuti mhuri dzitsvage mazano kuna Jehovha, uyo anopa mazano acho achishandisa Shoko rake. Sei achidaro? ‘Nekuti ane hanya newe.’ (1 Petro 5:6, 7) Jehovha anokuda nemwoyo wese, uye mazano ake anoshanda nguva dzese!​—Zvirevo 3:5, 6; Isaya 48:17, 18.

ZVEKUFUNGA NEZVAZVO

Ungava sei murume, mudzimai kana kuti mubereki akanaka?

Bhaibheri rinopindura mubvunzo iwoyo pana VAEFESO 5:1, 2 naVAKOROSE 3:18-21.