Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuparadzirwa zvinhu hakuna kuita kuti hama nehanzvadzi dzedu dzirege kushumira Jehovha

GEORGIA | 1998 kusvika 2006

Kutyisidzirwa Hakuna Kuvatadzisa Kushumira Jehovha

Kutyisidzirwa Hakuna Kuvatadzisa Kushumira Jehovha

Hama nehanzvadzi dzedu hadzina kubvuma kutyisidzirwa, asi dzakaramba dzichiungana pamwe chete. Vakuru vakashandisa uchenjeri pakutora matanho ekuti vadzivirire vaparidzi. Hama André Carbonneau, rimwe gweta rinobva kuCanada, avo vakamiririra hama dzedu mumakore iwayo, vanoti: “Paiwanzoita hama yaimira pedyo nepanenge pachiitirwa musangano iine foni. Hama yacho yaiti kana ikaona mhomho yevanhu ichiuya, yaibva yakurumidza kunyevera vakuru.”

Pane vanhu vakapisa musha wemhuri yekwaShamoyan (kuruboshwe) uye nzvimbo yekuchengetera mabhuku (kurudyi)

Pese pairwiswa hama nehanzvadzi dzedu, paizotumirwa hama mbiri kubva kuBheteri kuti dzinovasimbisa. André anoti, “Zvaishamisa chaizvo kuti hama dzekubazi dzaiwanzowana hama nehanzvadzi dzedu dzakawanda dzakavamirira, dzichitofara.”

Hama dzedu dzaitambudzwa dziri mumatare edzimhosva uye dzabuda

Vaya vakanga vasiri kurwiswa, kusanganisira vadzidzi veBhaibheri havanawo kudzokera shure. André anoyeuka achitaura nemumwe mukadzi uyo akanga ava kukwanisa kuva muparidzi asina kubhabhatidzwa. Mukadzi wacho akaudza André kuti, “Pandakaona kurwiswa kwaiitwa Zvapupu paTV, ndakabva ndatoona musiyano uri pakati pevaKristu vechokwadi nevenhema. Kana ndiri ini hangu, ndinoda kuva muKristu wechokwadi.”

Vakaratidza Ushingi

Mumakore iwayo ainge akaoma, vaparidzi vakaratidza kutenda kwakasimba uye ushingi nekuramba vakabatikana mubasa rekuparidza. Vaya vaimiririra zvimwe Zvapupu mumatare, vakaratidzawo kutenda kwakasimba.

Zvapupu zvaiwanzopomerwa mumapepanhau, muredhiyo kana paTV zvichinzi vanhu vanoputsa mhuri, vasingadi kurapwa, uye vanopikisana nehurumende. Vaya vaivamiririra semagweta vaigona kusvibisirwa mazita avo uye kuzopererwa nemabasa.

Hama dzaiva neushingi dzaibva kuDhipatimendi reMitemo kuUnited States dzakadzivirira vadzainamata navo mudare redzimhosva

John Burns, gweta raibva kubazi rekuCanada uyo akabatsira hama dzekuGeorgia mumakore iwayo, anoti: “Hama nehanzvadzi dzekuGeorgia idzo dzaishanda semagweta dzakazvipira kubatsira. Pasinei zvapo nekuti vaigona kuzopererwa nemabasa, havana kumbotya kuenda kumatare vachinozivikanwa seZvapupu zvaJehovha.” Zvapupu izvozvo zvaiva neushingi zvakabatsira “pakudzivirira nokusimbisa zviri pamutemo mashoko akanaka.”​—VaF. 1:7.

Vagari vemuGeorgia Vanotsutsumwa

Pasinei nezvakaedza kuitwa, Zvapupu zvakaramba zvichitambudzwa. Saka kutanga musi wa8 January, 2001, Zvapupu zvakaparadzira tsamba yaiva nechikumbiro chekuti vadzivirirwe pakurwiswa uye kuti vaya vakanga varwisa vanhu vasina mhosva vatongwe.

Hama Burns vanotsanangura chinangwa chechikumbiro chacho, vachiti: “Chinangwa chedu chainge chiri chekuratidza kuti vagari vemuGeorgia vakawanda vaishora kurwiswa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha uye kuti zvaikonzerwa nevanhu vashoma vechitendero.”

Mumavhiki maviri chete, vanhu 133 375 vemunharaunda dzese dzeGeorgia​—vakawanda vavo vari veOrthodox—​vakasayina vachiratidza kubvumirana nechikumbiro chacho. Kunyange zvazvo chikumbiro chacho chakasvitswa kuna Purezidhendi Shevardnadze, Zvapupu zvakaramba zvichingorwiswa. Vanhu vezvitendero vakaramba vachingoti nanga nanga nekurwisa Zvapupu.

Zviuru zvevagari vemuGeorgia zvakasaina chikumbiro chaishora kurwiswa kweZvapupu

Izvi pazvaiitika, Jehovha akaramba achikomborera vanhu vake. Kunyange zvazvo vanhu vezvitendero vairamba vachitambudza vanhu vaMwari, Jehovha Mwari aibatsira vanhu vakawanda vainyatsomuda kuti vabude muchitendero chenhema.

Kubuda Muchitendero Chenhema

Kwemakore akawanda eupenyu hwake, Babilina Kharatishvili aiva nhengo yakazvipira yechechi yeGeorgian Orthodox. Paaiva nemakore ekuma30, aifamba taundi netaundi uye ruzevha neruzevha achidzidzisa vanhu nezveupenyu hwevasande.

Asi Babilina aida kuziva zvakawanda nezvaMwari. Saka akafunga kupinda zvidzidzo zvaiitwa pachikoro cheGeorgian Orthodox. Rimwe zuva, mumwe mufundisi akaratidza vaaidzidzisa bhuku rinonzi, Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, ndokuvakurudzira kuti vapiwewo bhuku iroro neZvapupu zvaJehovha. Akavaudza kuti, “Bhuku iri rinogona kukudzidzisai zvakawanda nezveBhaibheri.”

Babilina akapererwa. Akanga agara asingadi kutaura neZvapupu, asi iye zvino mufundisi ainge ava kuti vaverenge mabhuku eZvapupu! Akafunga kuti, ‘Kana ndichifanira kudzidza nezvaMwari kubva kuZvapupu zvaJehovha, saka ndiri kutsvagei pano?’ Akabva atotsvaga Zvapupu muguta rePoti ndokutanga kudzidza Bhaibheri.

Babilina paairamba achidzidza zvakawanda muBhaibheri, akatanga kunyatsochinja upenyu hwake. Akatombotaura kuti: “Pandakazvionera ndega kuti Bhaibheri rinoti hazvina kunaka kunamata mifananidzo, ndakabva ndasiyana nekunamata chinhu chese chakagadzirwa. Ndakanyatsoona kuti ndizvo zvandaifanira kuita.” Muna 2000 ava nemakore 75, Babilina akasarudza kuva Chapupu chaJehovha.

Babilina akaudza muzukuru wake, Izabela, chokwadi cheBhaibheri

Asi zvinosuwisa kuti muna 2001, Babilina akarwara ndokuzofa asati abhabhatidzwa. Kunyange zvakadaro, muzukuru wake Izabela, akazobhabhatidzwa uye iye zvino ari kushumira Jehovha akatendeka.

Aida Kuzova Sista

Eliso Dzidzishvili, aiva nemakore 28 paakafunga kupikira usista. Sezvo painge pasina chikoro chemasista pedyo netaundi raaigara reTkibuli, akabva atamira kuTbilisi muna 2001. Paaitsvaga nzvimbo pachikoro chinodzidzisa masista, akabva atsvaga basa rekumbofanodzidzisa pane chimwe chikoro. Mumwe wevana vaaidzidzisa ainge ari mwanasikana wahanzvadzi Nunu.

Eliso anoti: “Taigara tichitaura nezveBhaibheri. Ndaiita nharo dzaityisa ndichidzivirira chitendero chechiOrthodox, asi Nunu aingoramba achindiratidza zvinotaurwa neBhaibheri. Rimwe zuva akati aida kundiverengera bhurocha raMwari Anodei Kwatiri? Sezvataiverenga ndima tichivhura mavhesi eBhaibheri, ndaiona kuti kunamata mifananidzo kwaitova kuputsa mutemo waMwari.”

Pave paya, Eliso akaenda kuchechi yekwaaigara ndokubvunza mupristi mibvunzo. Zvaitaurwa nemupristi wacho zvairatidza kuti zvaidzidziswa muchechi iyoyo zvaisabva muBhaibheri. (Mako 7:7, 8) Paakanyatsoona kuti akanga awana chokwadi, Eliso akabva atotanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha uye pasina nguva akabva abhabhatidzwa.

Eliso Dzidzishvili (kuruboshwe), uyo aida kuva sista, naNunu Kopaliani (kurudyi)

Kuvaka Dzimba dzeUmambo Pasinei Nekupikiswa

Pakazosvika 2001, painge pava kudiwa nzvimbo dzekunamatira dzakakodzera kuitira ungano dzairamba dzichiwedzera. Zvinofungidzirwa kuti painge pava kudiwa Dzimba dzeUmambo dzinenge 70. Nokudaro, pakatangwa chirongwa chekuvaka Dzimba dzeUmambo pasinei nekupikiswa kwaiitwa Zvapupu munyika yacho.—Ezra 3:3.

Nekukurumidza, boka revanovaka rakatanga kugadzirisa chimwe chivako chaimboshandiswa neungano dzakati kuti muTbilisi. Pasina nguva, dzimwe Dzimba dzeUmambo mbiri dzakatangawo kuvakwa, imwe muTbilisi uye imwe yacho muChiatura, nechekumadokero kweGeorgia.

Imba yeUmambo muTbilisi (kuruboshwe) yakazotsiviwa neitsva (kurudyi)

Hama Tamazi Khutsishvili, avo vaiitawo basa rekuvaka muChiatura, vanoti: “Zuva nezuva taishanda tiri 15. Nekukurumidza munhu wese mutaundi racho ainge ava kuziva kuti taivaka Imba yeUmambo. Dzimwe nguva tainzwa kuti vanhu vaitipikisa vaitoda kuuyakuzoiputsa.”

Saka basa racho rekuvaka raizobudirira sei paine kupikiswa kwakadaro? Tamazi anoti: “Takaramba tichingoita basa racho rekuvaka Imba yeUmambo, ndokuripedza mumwedzi mitatu. Vanhu vaitipikisa vaingogumira pakutaura asi havana kumbobvira vauya.” *

Takazonzwa Kuzorodzwa

Members of the extremist Orthodox group and their leader, Vasili Mkalavishvili, under arrest

Muna October 2003, basa rekuvaka rakatangwa muguta reSamtredia. Vanhu vezvitendero vakatangazve kutyisidzira hama. Mudhuri wakanga uchangobva kuvakwa uye dhaka rakanga richiri nyoro, vaitipikisa pavakauya kuzowondomora chivako chacho.

Kunyange zvakadaro, muna November 2003, pane zvakaitika muGeorgia zvakaita kuti hama nehanzvadzi dzedu dzizorodzwe. Kuchinja kwehurumende kwakaita kuti vanhu vanamate vakati sunungukei. Izvi zvakaita kuti vanhu vakati kuti vechiOrthodox vakanga vamborwisa Zvapupu zvaJehovha vasungwe.

Kudururwa Kwemakomborero Pavanhu vaMwari

Kutambudzwa uku kuchangopera, vanhu vaJehovha vemuGeorgia vakawana makomborero akawanda pakunamata. Pagungano reruwa ra2004, Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki yakabudiswa muchiGeorgian.

Zvadaro, paGungano Reruwa ra2006 raiva nemusoro wekuti, “Kununurwa Kwava Pedyo!” pane chimwezve chinhu chisingakanganwiki chakaitika. Vanhu vakanga vari pagungano vakafara zvekufara zviya pavakanzwa kuti Hama Geoffrey Jackson, veDare Rinotungamirira, vaizokurukura pagungano iroro. Hama Jackson vakabudisa Bhaibheri rakazara reShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene muchiGeorgian, vanhu vasingatombotarisiri!

Kubudiswa kweShanduro yeNyika Itsva muchiGeorgian muna 2006

Vakawanda vevakanga vari pagungano racho vakayangarara misodzi nekufara. Imwe hanzvadzi yakati: “Ndinoshaya kuti ndingatsanangura sei mafariro andakaita patakagamuchira Bhaibheri racho. . . . Handifi ndakazvikanganwa.” Vanhu vanopfuura 17 000 vakanakidzwa nepurogiramu iyi yekunamata iyo inokosha chaizvo munhoroondo yeZvapupu zvaJehovha muGeorgia.

^ ndima 29 Kubva muna 2001 kusvika muna 2003, munyika yacho yese makavakwa Dzimba dzeUmambo 7.