Enda pane zvauri kuda

ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?

Kunamira Kunoita Hove Inonzi Remora

Kunamira Kunoita Hove Inonzi Remora

 Hove inonzi remora, inokwanisa kunamiririra pazvisikwa zvemugungwa yozvinamanura zviri nyore isingakuvadzi zvisikwa zvacho. Vanhu vakawanda vanoongorora nezvehove iyi vanoshamisika nezvainokwanisa kuita.

 Funga izvi: Hove iyi inonamirira pakamba dzemumvura, hove dzakaita semashaki, uye pane zvimwewo zvisikwa zvemugungwa pasinei nekuti ganda razvo kana kuti makwati azvo akaita sei. Inodya zvipukanana zvinenge zvakanamirira pazvinhu izvi uye inodyawo chikafu chinenge chasiyiwa nezvisikwa izvi. Kunamirira kwainenge yakaita kunoidzivirira kuti isadyiwa nezvimwe zvipuka, uye zvinoibatsira pakushambira nekuti inenge isingashandisi simba rakawanda. Vanoongorora vari kutsvakurudza kuti hove iyi inokwanisa sei kunyatsonamirira pazvinhu zvakasiyana-siyana asi isingakuvadzi zvinhu zvacho.

 Hove dzinonzi remora dzakanamirira pashaki

 Chinhu chainoshandisa kunamirira chiri nechepamusoro wayo. Chinhu ichi chakapfavirira nechekunze izvo zvinochibatsira kuti chikwanise kunyatsonamirira. Chinhu ichi chinewo zvakaita zvimariji, izvo zvinoita kuti chikwanise kunyatsonamirira zvakanaka pachisikwa pasinei nekuti chiri kumhanya zvakaita sei.

 Vanoongorora vakashamiswa chaizvo nechinhu ichi, zvekuti vakagadzirawo chinhu chinonamirira saizvozvo. Chinhu ichocho chavakagadzira chinogona kunamira pazvinhu zvakasiyana-siyana. Pavakaedza kuchinamanura, chinhu ichi chakaramba chakabatirira zvakasimba pasinei nekuti vakaedza zvakadini kuchibvisa!

 Pane zvinhu zvakawanda zvinogona kugadzirwa pachitevedzerwa kunamira kunoita hove iyi. Izvi zvinosanganisira zvinhu zvinonamirirwa pazvisikwa zvemumvura vachiitira kuti vazviongorore, zvinhu zvinoshandiswa pakuongorora zvakaita makungwa, uye kunamirira maraiti nechepasi pezvikepe kana mabhiriji anenge ari mumvura.

 Unofungei? Zvakangoitika zvega here kuti hove iyi inonzi remora ikwanise kunamirira pazvinhu zvakasiyana-siyana?