Enda pane zvauri kuda

ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?

Kushandisa Maungira Kunoita Dolphin

Kushandisa Maungira Kunoita Dolphin

 Madolphin anorira nenzira dzakasiyana-siyana uye anoridza muridzo obva ateerera maungira acho kuti akwanise kuziva kwekuenda uye zvinhu zvinenge zviri pedyo. Nyanzvi dzesainzi dziri kuedza kuvandudza michina inoshanda pasi pemvura dzichitevedzera zvinoitwa nemabottlenose dolphin (Tursiop struncatus).

 Chimbofunga izvi: Madolphin anoshandisa maungira kuti abate hove dzinenge dzakahwanda mujecha pasi pemvura uye kuti asiyanise hove nedombo. Purofesa Keith Brown wepaHeriot-Watt University, kuEdinburgh, kuScotland anoti madolphin anokwanisawo “kusiyanisa magaba anenge aine mvura yakachena, mvura ine munyu, sirapu uye oiri achiri kure nemamita 10 kubva pane magaba acho.” Nyanzvi dzesainzi dziri kuda kugadzira michina inokwanisa kuitawo zvinoitwa nemadolphin aya.

Madolphin anogona kusiyanisa zvinhu zvinenge zviri mumagaba achiri kure nemamita 10 kubva pamagaba acho

 Vaongorori vakaongorora kurira kunoita madolphin uye kunzwa kwaanoita vachibva vaedza kuatevedzera. Vakabva vakwanisa kugadzira muchina wemhando yepamusoro unoshandisa maungira vachibva vauisa mupaipi isingapfuuri mita pakureba. Muchina wacho wakaiswa mugungwa kuti ukwanise kutsvaga zvinhu zvakachererwa pasi zvakadai setambo kana kuti mapaipi woongorora zvinhu izvozvo pasina kuzvigumha. Vakagadzira muchina uyu vanofunga kuti uchashandiswa nemakambani anoita zveoiri uye gasi. Michina iyi ichabatsira kuti mimwe michina inoiswa pasi pemvura inyatsoiswa panzvimbo dzakakodzera, uye ichaitawo kuti zvikurumidze kuonekwa kana paine mapaipi anenge atsemuka kana kuti anenge avhara.

 Unofungei? Zvakangoitikawo zvega here kuti bottlenose dolphin ikwanise kushandisa maungira zvakadai kana kuti pane akaisika?