Enda pane zvauri kuda

ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?

Kufembedza Kunoita Imbwa

Kufembedza Kunoita Imbwa

 Vanhu vanotsvakurudza vanoti imbwa inokwanisa kufembedza kuti izive zera reimwe imbwa, kuti ihadzi here kana kuti ihono uye kuti iri kufara here kana kuti yakatsamwa. Imbwa dzinokwanisa kudzidziswa kufembedza zvombo uye madhiragi. Vanhu vanonyanya kushandisa maziso kuti vazive zvakavapoteredza, asi imbwa dzinoshandisa mhino.

 Funga izvi: Imbwa dzinogona kufembedza kudarika zvatinoita. Sangano reU.S. National Institute of Standards and Technology rinoti, imbwa “inogona kufembedza tunhu tudiki-diki. Zvinokwanisa kuitwa neimbwa izvi, zvakangofanana nekukwanisa kunzwa kuti mudhamu mune shuga imo maiswa chipunu chimwe chete cheshuga.”

 Chii chinoita kuti imbwa ikwanise kufembedza zvakadaro?

  •   Mhino yembwa inogara yakanyorova saka inokwanisa kufembedza zvinhu zvakasiyana-siyana.

  •   Nechemukati memhino yembwa mune maburi maviri, rimwe nderekufema naro uye rimwe nderekufembedza. Painenge ichifembedza chinhu, mhepo inobva yaenda kuburi rinoibatsira kuziva munhuwi wezvinhu zvakasiyana-siyana.

  •   Mumhino meimbwa mune tunhu tunoibatsira kuziva munhuhwi hwezvinhu zvakasiyana-siyana. Nzvimbo ine tunhu utwu yakakura kupfuura zvakaita iri mumhino yemunhu.

  •   Imbwa inokwanisa kunzwa munhuhwi wezvinhu kupfuura munhu zvakapetwa ka50.

 Zvese izvi zvinobatsira imbwa kuti isiyanise munhuhwi wezvinhu zvinenge zvakasangana. Semuenzaniso, tinogona kunzwa munhuhwi wemuto asi vamwe vanoongorora zvinoita imbwa vanoti inogona kufembedza muto wacho yobva yasiyanisa zvinhu zvashandiswa pakuubika.

 Vatsvakurudzi vekuPine Street Foundation, uko kunoongororwa nezvekenza, vanoti mashandiro anoita pfungwa dzeimbwa nemhino pakufembedza anoshamisa chaizvo. Nyanzvi dzesainzi dziri kugadzira zvinhu zvinoshanda sezvinoita mhino yeimbwa pakutsvaga zvombo, kubata madhiragi uye kuongorora zvirwere zvakadai sekenza.

 Unofungei? Zvinoitwa nemhino yeimbwa pakufembedza zvakangoitika zvega here?