Enda pane zvauri kuda

ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?

Dzihwa Rinonama reHozhwa

Dzihwa Rinonama reHozhwa

 Vanachiremba vanoopareta vanhu vagara vachida namo inoshanda pabasa ravo uye pakuvhara maronda. Maguruu akawanda ari kushandiswa iye zvino haakwanisi kushandiswa mukati memuviri. Ane muchetura, anopedzisira aomarara uye haaname panenge pakanyorova. Nyanzvi dzesainzi padzakaongorora dzihwa rehozhwa, a dzakawana nzira yekugadzirisa matambudziko aya.

 Funga izvi: Kana hozhwa ikawana chinoivhundutsa, inobva yabudisa dzihwa rinonama zvekuti inobva yanamira kunyange pashizha rine mvura. Izvi zvinoichengetedza uye inenge ichitokwanisa kufamba zvishoma nezvishoma.

 Nyanzvi idzi dzakaona kuti dzihwa iri rine zvinhu zvakasiyana-siyana zvinoita kuti rikwanise kunyatsonama. Semuenzaniso, dzihwa rinobudiswa nehozhwa rine makemikari uye rinokwanisa kunamira pazvinhu sezvinoita magineti. Rikanamira pane chimwe chinhu rinobatirira zvakasimba zvekuti ukada kuribvisa rinoita kakutatamuka. Dzichitevedzera mashandiro anoita dzihwa rehozhwa, nyanzvi idzi dzakagadzira guruu rakasimba kudarika riri kushandiswa muzvipatara uye guruu racho rinokwanisa kunama nhengo dziri mukati dzemuviri wemunhu. Guruu iri rinobatirira “sezvinoita marunda pamabhonzo.”

 Nyanzvi dziri kuti guruu iri rinogona kuzoshandiswa pakuopareta, zvekuti vanachiremba vanenge vasingachasoni vanhu. Rinogona kuzoshandiswa pakunamira zvinhu zvinenge zvichida kuiswa mumuviri wemunhu. Rakamboshandiswa pakunama buri raiva pamwoyo wenguruve uye maburi aiva pazviropa zvemakonzo.

 Nyanzvi idzi dzinowanzowana nzira dzekugadzirisa nadzo matambudziko nekuongorora zvinhu zvakatipoteredza. Donald Ingber, uyo anotungamirira bazi rakagadzira guruu iri akati: “Nyaya inongova pakuziva kuti wotsvaga kupi zvauri kuda uye kuti zvawaona zvinoshandisika sei.”

 Unofungei? Zvakangoitika zvega here kuti dzihwa rinobudiswa nehozhwa rive guruu rakasimba zvakadaro?

a Dzihwa iri rinonzi Arion subfuscus.