Enda pane zvauri kuda

ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?

Ganda reSea-Cucumber

Ganda reSea-Cucumber

 Sea-cucumber chipuka chinogara pasi pegungwa. Mamwe masea-cucumber ane ganda rine mapundu mapundu uye mamwe ane ganda rinobaya. Anogona kuchinja-chinja miviri yawo kuti ipfave kana kuomarara mumaminitsi mashomanana kana kuti masekonzi chaiwo. Izvi zvinoita kuti akwanise kupinda nepakamanikana obva aomarara zvekuti zvimwe zvipuka zvemumvura zvinoda kuadya zvinotadza kuabvisa. Ganda rawo ndiro rinoita kuti akwanise kudaro.

 Funga izvi: Sea-cucumber inogona kuita kuti ganda rayo riome kuti ngii, riomarare zviri pakati nepakati kana kuti ripfave. Kuti ikwanise kuita izvi, pane mapuroteni ainobudisa anoita kuti ganda riomarare kana kuti ripfave.

 Mapuroteni acho anoita kuti mafaibha ari muganda abatane zvichibva zvaita kuti ganda riomarare. Mamwe mapuroteni anoita kuti mafaibha acho aparadzane zvoita kuti ganda ripfave. Ganda racho rinogona kupfava zvekuti unofunga kuti yava kunyunguduka.

 Nyanzvi dzesainzi dziri kugadzira zvinhu dzichitevedzera mashandiro anoita ganda resea-cucumber. Vari kuda kugadzira katambo kakaomarara kanokwanisa kupinzwa mupfungwa kuti kabatsire pakushanda kunoita magetsi emumuviri. Vanoti katambo kacho kanofanira kuzopfava kuti kanyatsoshanda zvakanaka mumuviri.

 Unofungei? Zvakangoitika zvega here kuti sea-cucumber ive neganda rinokwanisa kuomarara kana kupfava?