Enda pane zvauri kuda

Munhu Ane Zuva Rokufa Raakatarirwa Here?

Munhu Ane Zuva Rokufa Raakatarirwa Here?

Mhinduro yeBhaibheri

 Aiwa, munhu haana zuva raakatarirwa kunzi ndiro raachafa. Bhaibheri rinoti kazhinji rufu runokonzerwa “nenguva nezviitiko zvisingafanoonekwi.”​—Muparidzi 9:11.

Bhaibheri haritauri here kuti ‘pane nguva yokufa’?

 Ndizvozvo, Muparidzi 3:2 inoti pane “nguva yokuberekwa, nenguva yokufa; nguva yokusima, nenguva yokudzura chakasimwa.” (Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Asi kana tikatarisa kuri kubva nenyaya yacho uye kwairi kuenda, tinoona kuti zviri kutaurwa nezvazvo zvinhu zvatakajaira zvinoitika muupenyu. (Muparidzi 3:1-8) Mwari haasi iye anoudza murimi kuti ngaadyare mbeu musi wakati, kunyange kutara kuti nhingi achafa zuva rakati. Chiri kutaurwa ndechokuti tisabatikane nezvinhu zvisingakoshi zvokuti tinobva takanganwa Musiki wedu.​—Muparidzi 3:11; 12:1, 13.

Tinogona kuwedzera urefu hwoupenyu

 Kunyange zvazvo tisingazivi zvakaita ramangwana, kana tikaita zvisarudzo nokuchenjera tinogona kuwedzera mazuva okurarama. Bhaibheri rinoti: “Mutemo womunhu akachenjera itsime roupenyu, kuti ubvise munhu pamisungo yorufu.” (Zvirevo 13:14) Kunyange Mosesi, akaudza vaIsraeri kuti vaigona ‘kuita kuti mazuva avo ave mazhinji’ kana vaizoteerera mirayiro yaMwari. (Dheuteronomio 6:2) Asi kana tikaita zvinhu zvoupenzi kana kuti zvakaipa tinogona kupfupisa upenyu hwedu.​—Muparidzi 7:17

 Pasinei nokuti takachenjera zvakadini kana kuti tiri kuita zvinhu takangwarira, hatigoni kutiza rufu. (VaRoma 5:12) Asi izvi zvichachinja, nokuti Bhaibheri rinovimbisa kuti rufu ruchange rusisipo.​—Zvakazarurwa 21:4