Enda pane zvauri kuda

Matattoo—Bhaibheri Rinoti Chii Nezvawo?

Matattoo—Bhaibheri Rinoti Chii Nezvawo?

Mhinduro yeBhaibheri

 Bhaibheri rinotaura nezvematattoo kamwe chete pana Revhitiko 19:28, richiti: “Musazvitema nyora [matattoo].” Mwari akapa murayiro uyu kurudzi rwevaIsraeri, uye izvi zvaizovasiyanisa nemamwe marudzi akanga akavapoteredza aizvinyora-nyora pamuviri yavo mazita kana kuti mifananidzo yevanamwari vavo. (Dheuteronomio 14:2) Kunyange zvazvo vaKristu vasiri pasi poMutemo wakapiwa vaIsraeri, zvairehwa nemutemo uyu zvinokosha kuti tifunge nezvazvo.

MuKristu anofanira kuiswa tattoo here?

 Mavhesi anotevera anogona kukubatsira pakuita chisarudzo:

  •   ‘Vakadzi ngavapfeke zvakanaka.’ (1 Timoti 2:9, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi) Zvinorehwa norugwaro urwu zvinoshandawo kuvanhurume. Tinofanira kuremekedza mafungiro evamwe torega kuita zvinhu zvokuti vanhu vanenge vachingotitarisa.

  •   Vamwe vanoiswa matattoo vachida kuratidza kuti vanhu vorudzii kana kuti vachida kuratidza kuti hapana munhu anovaudza zvokuita nomuviri wavo. Asi Bhaibheri rinokurudzira vaKristu kuti: ‘Ipai miviri yenyu sechibayiro chipenyu, chitsvene, chinogamuchirika kuna Mwari, iro basa dzvene nesimba renyu rokufunga.’ (VaRoma 12:1) Zvibvunze kuti sei ndichida kuiswa tattoo. Kana uchizviita nemhaka yokuti ndizvo zviri mufashoni kana kuti uchida kuratidza kuti uri wechikwata chakati, yeuka kuti unogona kuzochinja mafungiro ako asi tattoo hauzokwanisi kuibvisa. Kuongorora chinangwa chauri kuda kuisirwa tattoo kunogona kukubatsira kuti uite chisarudzo chakanaka.—Zvirevo 4:7.

  •   “Zvirongwa zvomunhu anoshingaira zvinobatsira, asi munhu wose anokurumidzira zvinhu achashayiwa njere.” (Zvirevo 21:5) Munhu anogona kuiswa tattoo asina kumbonyatsofunga nepo zvichigona kuzomukanganisa muupenyu hwake kunyange pakuwana basa. Uye matattoo anogona kunge achidhura chaizvo uye achirwadza kuzoabvisa. Ongororo dzinoitwa uye kukura kuri kuita bhizimisi rokubvisa matattoo zvinoratidza kuti vanhu vakawanda vanoiswa matattoo vanozozvidemba kuti dai vasina havo kuiswa.