Enda pane zvauri kuda

Bhaibheri Rinoti Chii Nezvekuroorana Kwevanhu Vemarudzi Akasiyana?

Bhaibheri Rinoti Chii Nezvekuroorana Kwevanhu Vemarudzi Akasiyana?

Mhinduro yeBhaibheri

 Pamberi paMwari marudzi ose akafanana, saka hapana chakaipa kuti vanhu vemarudzi akasiyana varoorane. Bhaibheri rinoti: “Mwari anobata vanhu vose zvakafanana . . . , pasinei nekuti ndeverudzi rwupi.”—Mabasa 10:34, 35, Good News Translation.

 Chimboona zvimwe zvinotaurwa neBhaibheri nezvekufanana kwakaita marudzi evanhu akasiyana-siyana uye kuroorana kwevanhu ava.

Marudzi ose akabva pamunhu mumwe chete

 Vanhu vakabva kune munhu wokutanga, Adhamu, uye mudzimai wake, Evha, uyo anonzi neBhaibheri “amai vevanhu vose vapenyu.” (Genesisi 3:20) Nokuda kwechikonzero ichi, Bhaibheri rinoti Mwari “akaita marudzi ose evanhu kubva pamunhu mumwe chete.” (Mabasa 17:26) Pasinei nekuti vanhu ndevemarudzi akasiyana-siyana, vanhu vose imhuri imwe chete. Asi zvakadini kana nyaya yerusaruraganda ichitonga kwaunogara?

Vanhu vakachenjera vanotaurirana

 Kunyange zvazvo kuna Mwari pasina chakaipa nokuroorana kwevanhu vemarudzi akasiyana, havasi vanhu vose vanozvifarira. (Isaya 55:8, 9) Kana uri kufunga zvokuroorana nemunhu werumwe rudzi, iwe nemumwe wako munofanira kukurukura zvinhu izvi:

  •   Muchaita sei kana hama dzenyu kana kuti vanhu vekwamunogara vakatanga kutaura zvakasiyana-siyana?

  •   Muchabatsira sei vana venyu kukunda dambudziko rerusaruraganda?

 Kutaurirana kwakadaro kunogona kuita kuti imba yenyu ibudirire.—Zvirevo 13:10; 21:5.