Enda pane zvauri kuda

Jesu Akaputirwa Nejira Riri kuTurin Here Paakavigwa?

Jesu Akaputirwa Nejira Riri kuTurin Here Paakavigwa?

Mhinduro yeBhaibheri

 Jira rekuTurin haritaurwi nezvaro muBhaibheri. Ijira rinofungidzirwa nevakawanda kuti ndiro rakamonererwa Jesu Kristu paakavigwa. Izvi ndizvo zvinoita kuti vanhu vemumachechi anozviti ndeechiKristu varikoshese chaizvo. Jira iri riri mune imwe chechi iri kuTurin, Italy uye rakachengetedzwa zvakasimba kuti risabiwa.

 Nhoroondo yeBhaibheri inotsigira here kuti kwaiva nejira iri? Aiwa.

 Inzwa zvinhu zvitatu zvinoita kuti jira iri risiyane nezvinotaurwa neBhaibheri.

  1.   Jira rekuTurin rakareba 442 cm uye rakafara 113 cm uye rine musono wakaiswa kumupendero wakareba 8 cm.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: Mutumbi waJesu hauna kuputirwa mujira rimwe chete, asi mumachira akawanda. Musoro wake wakaputirwa nerimwewo jira. Jesu paakamutswa, mumwe wevaapostora akauya muguva makanga musisina munhu “akaona machira aakanga akamonerwa nawo ari pasi.” Bhaibheri rinowedzera kuti: ‘Jira duku rakanga riri mumusoro make risiri pamwe chete nemachira aakanga akamonerwa asi rakapetwa riri roga panzvimbo imwe.’ ​—Johani 20:6, 7.

  2.   Jira rekuTurin rine mavara mavara anofungidzirwa kuva ropa remutumbi wakanga usina kugezwa.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: Jesu paakafa, vadzidzi vake vakagadzira mutumbi wake “setsika yevaJudha yokugadzirira kuviga.” (Johani 19:39-42) Tsika iyi yaisanganisira kugeza chitunha uye kuchizora mafuta nezvinonhuwira chisati chavigwa. (Mateu 26:12; Mabasa 9:37) Saka vadzidzi vaJesu vanofanira kunge vakageza mutumbi wake vasati vauputira nemachira.

  3.   Jira rekuTurin rine mufananidzo wemunhu “akadhirowewa pahafu yejira racho uye imwe hafu yakapetwa kuti ivhare kumberi kwemuviri wacho wese,” inodaro Encyclopædia Britannica.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: Vadzidzi vaJesu vakataura nezvekufa kwake, guva rake rakawanikwa risina munhu uye zvakataurwa nemadzimai maviri akaona ‘kuratidzwa kwengirozi kunoshamisa kwazvo, idzo dzakati mupenyu.’ (Ruka 24:15-24) Dai jira iri raiva muguva raJesu, vadzidzi vake vangadai vakataura nezvaro uye nezvemifananidzo yaraiva naro. Bhaibheri haritauri izvozvo.

Jira iri rinofanira kuremekedzwa here?

 Kwete. Kunyange kudai rakaputirwa mutumbi waJesu zvechokwadi, kuriremekedza hakuna kururama. Funga nezvezvikonzero zvemuBhaibheri zvinoratidza kuti nei risingafaniri kuremekedzwa.

  1.   Hazvikoshi. Jesu akatsanangura kuti: “Mwari [Mweya], uye vanomunamata vanofanira kunamata [nemweya] nechokwadi.” (Johani 4:24) Kunamata kwechokwadi hakusanganisiri kushandiswa kwezvidhori kana zvimwe zvinhu.

  2.   Zvinorambidzwa. Mitemo ine gumi inorambidza kunamata zvidhori. (Dheuteronomio 5:6-10) Saka Bhaibheri rinoti kuvaKristu: “Zvichenjererei pazvidhori.” (1 Johani 5:21) Vamwe vanogona kuita nharo vachiti jira iri hachisi chidhori asi kuti ringoriwo chiratidzo chechitendero chavo. Chinhu chinonzi chava chidhori kana munhu ava kuchiremekedza kana kuchinamata.  a Saka munhu anoda kufadza Mwari haaremekedzi kana kunamata chimwe chinhu, kusanganisira jira iri rekuTurin.

a Chidhori mufananidzo kana chiratidzo chinoremekedzwa kana kunamatwa.