Enda pane zvauri kuda

Bhaibheri Ibhuku Revarungu Here?

Bhaibheri Ibhuku Revarungu Here?

Mhinduro yeBhaibheri

 Bhaibheri harina kunyorwa nevanhu vokuEurope. Vanhu vose vakashandiswa naMwari kunyora Bhaibheri ndevokuAsia. Bhaibheri haritauri kuti rumwe rudzi rwuri nani kudarika rwumwe. Asi kuti rinoti: “Mwari haasaruri, asi murudzi rwose munhu anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.”​—Mabasa 10:​34, 35.