Enda pane zvauri kuda

Chii Chinonzi Areka Yesungano?

Chii Chinonzi Areka Yesungano?

Mhinduro yeBhaibheri

 Areka yesungano yaiva bhokisi dzvene rakagadzirwa nevaIsraeri vekare maererano nezvakarayirwa naMwari uye purani yake. Ndimo maichengeterwa “Chipupuriro,” kureva Mirayiro Gumi yainge yakanyorwa pamahwendefa maviri.​—Eksodho 25:8-10, 16; 31:18.

  •   Magadzirirwo ayo. Areka yacho yakanga yakareba makubhiti maviri nehafu, yakafara kubhiti rimwe nehafu uye yakakwirira kubhiti rimwe nehafu (111 x 67 x 67 cm). Yakanga yakagadzirwa nemuti wemubayamhondoro uye yakanga yakafukidzwa negoridhe mukati nekunze uye iine mupendero une zvimadenderedzwa zvinoyevedza nechekumusoro kwayo. Chifukidziro chayo chakanga chakagadzirwa negoridhe uye pamusoro pacho pakanga paine makerubhi maviri egoridhe, rimwe riri kurutivi rwuno uye rimwe riri kune rwumwe rwacho. Makerubhi acho akanga akatarisana, zviso zvawo zvakatarisa pachifukidziro, uye akanga akatambanudzira mapapiro awo kumusoro kuti avhare chifukidziro chacho. Nechepamusoro pemakumbo eAreka paiva nemarin’i mana endarama. Matanda emubayamhondoro ayo akanga akafukidzwa negoridhe akaiswa mumarin’i acho uye ndiwo aishandiswa pakutakura Areka yacho.​—Eksodho 25:10-21; 37:6-9.

  •   Kwayaigara. Pakutangatanga Areka yaigara muNzvimbo Tsvenetsvene yaiva mutebhenekeri, tende rekunamatira iro raigona kutakurwa, rakanga ragadzirwawo panguva yakagadzirwa Areka. Nzvimbo Tsvenetsvene yakanga yakavharwa kuti vapristi nevamwewo vanhu vasaiona. (Eksodho 40:3, 21) Mupristi mukuru chete ndiye aigona kupinda munzvimbo iyi kuti anoona Areka yacho kamwe chete pagore paZuva Rokuyananisira. (Revhitiko 16:2;VaHebheru 9:7) Pava paya, Areka yacho yakazoendeswa muNzvimbo Tsvenetsvene yaiva mutemberi yaSoromoni.​—1 Madzimambo 6:14, 19.

  •   Chinangwa chayo. MuAreka ndimo maichengeterwa zvinhu zvitsvene zvaiyeuchidza vaIsraeri nezvesungano, kana kuti chibvumirano chavakanga vaita naMwari paGomo reSinai. Ndiyo yainyanya kukosha pamutambo waiitwa paZuva Rokuyananisira.​—Revhitiko 16:3, 13-17.

  •   Zvaigaramo. Mahwendefa ematombo akanga akanyorwa Mirayiro Gumi ndiwo akatanga kuiswa muAreka. (Eksodho 40:20) Chirongo chegoridhe chakanga chiine mana uye “tsvimbo yaAroni yakanga yakatungira” zvakazoiswawo imomo pava paya. (VaHebheru 9:4; Eksodho 16:33, 34; Numeri 17:10) Zviri pachena kuti nekufamba kwenguva chirongo chacho netsvimbo zvakazobviswa, nekuti zvakanga zvisisimo Areka yacho payakazopinzwa mutemberi.​—1 Madzimambo 8:9.

  •   Kutakurwa kwayo. Areka yacho yaifanira kutakurwa nevaRevhi iri pamapfudzi avo pachishandiswa matanda emubayamhondoro. (Numeri 7:9; 1 Makoronike 15:15) Matanda acho aigara ari paAreka, saka vaRevhi vakanga vasingatombofaniri kubata Areka yacho. (Eksodho 25:12-16) “Keteni rinovharidzira” iro raipatsanura Nzvimbo Tsvene neNzvimbo Tsvenetsvene ndiro raishandiswa kufukidza Areka yacho payainge yakatakurwa.​—Numeri 4:5, 6. a

  •   Zvayaimiririra. Areka yacho yainzi yaimiririra kuvapo kwaMwari. Semuenzaniso, gore raioneka pamusoro peAreka muNzvimbo Tsvenetsvene uye pamisasa yevaIsraeri raiva chiratidzo chekuvapo kwaJehovha uye chechikomborero chake. (Revhitiko 16:2; Numeri 10:33-36) Bhaibheri rinotaurawo kuti Jehovha “akagara pamakerubhi,” richireva makerubhi maviri aiva pachifukidziro cheAreka. (1 Samueri 4:4; Pisarema 80:1) Saka makerubhi aya aiva “mufananidzo wengoro” yaJehovha. (1 Makoronike 28:18) Nekuda kwezvaimiririrwa neAreka yacho, Mambo Dhavhidhi aigona kunyora kuti Jehovha “anogara muZiyoni,” pashure pekunge Areka yaendeswa ikoko.​—Pisarema 9:11.

  •   Mazita ayaidanwa nawo. Bhaibheri rinodana bhokisi racho dzvene nemazita akasiyana-siyana anosanganisira kuti “areka yechipupuriro,” “areka yesungano,” “Areka yaJehovha,”uye “Areka yesimba renyu [Jehovha].”​—Numeri 7:89; Joshua 3:6, 13; 2 Makoronike 6:41.Chifukidziro cheAreka chainzi “chifukidziro chokuyananisa,” kana kuti “chigaro chengoni.” (1 Makoronike 28:11; King James Version) Mashoko iwayo anoreva basa rinokosha rechifukidziro chacho paZuva Rokuyananisira, nekuti mupristi mukuru wemuIsraeri aisasa ropa remhuka dzinenge dzabayirwa, pedyo nechifukidziro uye pamberi pacho. Zvaiitwa nemupristi mukuru izvi zvaiyananisira, kana kuti kufukidza zvivi ‘zvake neimba yake uye zveungano yese yaIsraeri.’​—Revhitiko 16:14-17.

Areka yesungano ichiriko here mazuva ano?

 Hapana uchapupu hunoratidza kuti ichiriko. Bhaibheri rinoratidza kuti Areka haichadiwi nekuti sungano yayaimiririra yakazotsiviwa “nesungano itsva,” iyo yakavakirwa pachibayiro chaJesu. (Jeremiya 31:31-33; VaHebheru 8:13; 12:24) Saka Bhaibheri rakafanotaura kuti paizova nenguva yekuti areka yesungano yaisazovako, asi vanhu vaMwari vaisazoisuwa.​—Jeremiya 3:16.

 Muapostora Johani ane zvaakaratidzwa pashure pekunge sungano itsva yaitwa, akaona areka yesungano iri kudenga. (Zvakazarurwa 11:15, 19) Areka iyi yekufananidzira inomiririra kuvapo kwaMwari uye chikomborero chake pasungano itsva.

Areka yacho yaishanda sechinhu chemashiripiti chaidzivirira here?

 Aiwa. Kuva neareka yesungano hakusiriko kwaiita kuti vanhu vabudirire. Semuenzaniso, vaIsraeri vaiva neAreka mumusasa wavo pavakanorwisa guta reAi, asi vakakundwa nemhaka yekusatendeka kwemunhu mumwe chete aiva pakati pavo. (Joshua 7:1-6) Pava paya, vakakundwa nevaFiristiya pasinei nekuti vakanga vaenda neareka yesungano kuhondo. Vakakundwa nekuti vapristi veIsraeri vainzi Hofini naFiniyasi vaiita zvakaipa. (1 Samueri 2:12; 4:1-11) Pahondo iyoyo, vaFiristiya vakatora Areka yacho asi Mwari akavarova nematambudziko akawanda kusvikira vaidzorera kuIsraeri.​—1 Samueri 5:11-6:5.

Nhoroondo yeareka yesungano

Gore (B.C.E.)

Zvakaitika

1513

Yakagadzirwa naBhezareri nevamwe vaimubatsira, vachishandisa zvinhu zvakanga zvapiwa nevaIsraeri sezvipo.​—Eksodho 25:1, 2; 37:1.

1512

Yakatsaurirwa naMosesi paakatsaurira tebhenekeri nevapristi.​—Eksodho 40:1-3, 9, 20, 21.

1512 kusvika 1070 apfuura

Yakaendeswa kunzvimbo dzakasiyana-siyana.​—Joshua 18:1; Vatongi 20:26, 27; 1 Samueri 1:24; 3:3; 6:11-14; 7:1, 2.

1070 apfuura

Yakaunzwa kuJerusarema naMambo Dhavhidhi.​—2 Samueri 6:12.

1026

Yakaendeswa mutemberi yaSoromoni yaiva muJerusarema.​—1 Madzimambo 8:1, 6.

642

Yakadzoswa kutemberi naMambo Josiya.​—2 Makoronike 35:3. b

607 asati asvika

Haitaurwi nezvayo pakati pezvinhu zvakatorwa zvikaendeswa kuBhabhironi pakaparadzwa temberi muna 607 B.C.E. uye pakazodzoswa zvinhu zvacho kuJerusarema.​—2 Madzimambo 25:13-17; Ezra 1:7-11.

63

Mutungamiriri weuto reRoma Pompey paakakunda Jerusarema, akati akatsvaga Areka muNzvimbo Tsvenetsvene yetemberi asi haana kuiona. c

a VaIsraeri vaifa kana vakasateerera mutemo waMwari waiva nechekuita nekutakura uye kufukidza Areka.​—1 Samueri 6:19; 2 Samueri 6:2-7.

b Bhaibheri haritauri kuti yakabviswa naani, riini uye kuti nei yakabviswa.

c Ona bhuku rinonzi The Histories, Book V, ndima 9, rakanyorwa naTacitus.