Enda pane zvauri kuda

Mariya Ndiamai vaMwari Here?

Mariya Ndiamai vaMwari Here?

Mhinduro yeBhaibheri

 Aiwa, Bhaibheri haridzidzisi kuti Mariya ndiamai vaMwari uyewo haritauri kuti vaKristu vanofanira kukudza kana kuti kunamata Mariya. a Chimbofunga izvi:

  •   Mariya haana kumbotaura kuti aiva amai vaMwari. Bhaibheri rinotaura kuti akabereka “Mwanakomana woWokumusorosoro” kana kuti “Mwanakomana waMwari,” kwete Mwari pachake.—Ruka 1:32, 35.

  •   Jesu Kristu haana kumbotaura kuti Mariya aiva amai vaMwari uye kuti vanhu vaifanira kumukudza. Akatotsiura mukadzi aikudza Mariya nekuda kwekumubereka kwaakaita, achiti: “Aiwa, panzvimbo paizvozvo, vanofara vaya vanonzwa shoko raMwari vachirichengeta!”—Ruka 11:27, 28.

  •   Mashoko ekuti “Amai vaMwari” uye “Theotokos” (Mutakuri waMwari) haawaniki muBhaibheri.

  •   Mashoko ekuti “Mambokadzi Wekudenga” muBhaibheri haatauri nezvaMwari asi vanamwarikadzi venhema vainamatwa nevaIsraeri vakanga vatsauka. (Jeremiya 44:15-19) “Mambokadzi Wekudenga” anogona kunge aiva mwarikadzi wevaBhabhironi ainzi Ishtar (Astarte).

  •   VaKristu vekutanga vakanga vasinganamati Mariya, kana kumuremekedza zvakapfurikidza. Mumwe munyori wenhoroondo yezvakaitika kare akati vaKristu vekutanga “vaizoramba chero kachitendero kaigona kumuka uye vanogona kunge vaityira kuti kuremekedza Mariya zvakapfurikidza kwaizoita kuti vamwe vafunge kuti vainge vava kutomuona samwarikadzi.”—Rinodaro bhuku rinonzi In Quest of the Jewish Mary.

  •   Bhaibheri rinoti Mwari akagara ariko. (Pisarema 90:1, 2; Isaya 40:28) Sezvo asina paakatangira, haangavi naamai. Uyewo zvanga zvisingaiti kuti Mariya atakure Mwari mudumbu rake nekuti Bhaibheri rinotaura kuti Mwari haatokwani kunyange mumatenga.—1 Madzimambo 8:27.

Mariya ndiamai vaJesu kwete “Amai vaMwari”

 Mariya aiva muJudha uye aiva wedzinza raDhavhidhi. (Ruka 3:23-31) Aifarirwa naMwari nekuti aiva nekutenda uye ainge akazvipira kwaari. (Ruka 1:28) Mwari akamusarudza kuti ave amai vaJesu. (Ruka 1:31, 35) Mariya nemurume wake Josefa vakazova nevamwe vana.​—Mako 6:3.

 Kunyange zvazvo Bhaibheri richiratidza kuti Mariya akazova mudzidzi waJesu, hapana zvimwe zvakawanda zvinotaurwa nezvake.—Mabasa 1:14.

a Zvitendero zvakawanda zvinodzidzisa kuti Mariya ndiamai vaMwari. Vanomuti “Mambokadzi Wekudenga” kana kuti Theotokos, shoko rechiGiriki rinoreva kuti “Mutakuri waMwari.”