Enda pane zvauri kuda

MAZANO EKUBATSIRA MHURI | WANANO

Zvamungaita Kuti Basa Riperere Kubasa

Zvamungaita Kuti Basa Riperere Kubasa

 Mafoni anoita kuti tikwanise kubatika nguva dzese. Saka waunoshandira kana kuti vaunoshanda navo vanogona kutarisira kuti uite basa chero panguva ipi zvayo. Izvi zvinoita kuti zviome kuti umbosiyana nezvinhu zvekubasa wowana nguva yekuita zvimwe zvinhu zvinokosha muupenyu zvinosanganisira kuwanira wawakaroorana naye nguva.

 Zvaunofanira kuziva

  •   Mafoni anogona kuita kuti urambe uchishanda panguva yaunofanira kunge uine wawakaroorana naye. Pese paunofonerwa kana panopinda meseji uri kumba, unenge wava kungofunga zvekuita basa racho ipapo.

     “Zvava kutoita sekuti hazvichaiti kuti munhu udzoke kumba uchibva kubasa, wova nenguva nemhuri yako, nekuti mazuva ano, nguva yese inoperera pamafoni nemameseji ekubasa panzvimbo pekuva newawakaroorana naye.”—Jeanette.

  •   Ndiwe unofanira kuona zvekuita kuti uwane nguva yakakwana yekuita basa rako uku uchiwana nguva yekuva nemhuri yako. Ukasaronga kuti uchaita sei, basa rako rinogona kukanganisa wanano yako.

     “Wawakaroorana naye ndiye waunowanzotanga kushayira nguva nekuti unenge uchiti, ‘Haa, achazvinzwisisa. Achandiregerera. Ndichazotsvaga nguva yekuva naye.’”—Holly.

 Zvaungaita kuti chimwe nechimwe chive nenguva yacho

  •   Koshesa wanano yako. Bhaibheri rinoti: “Ngaparege kuva nemunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.” (Mateu 19:6) Kana usingabvumiri mumwe munhu ‘achikuparadzanisa’ newawakaroorana naye, ungarega basa rako richikuparadzanisai here?

     “Vamwe vanhu vaunenge uchiitira basa vanofunga kuti vanogona kungokufonera pese pavadira nekuti vanenge vachikubhadhara. Ndinoziva kuti wanano yangu inokosha kupfuura basa, saka ndinovaudza kuti pamazuva andinenge ndisiri pabasa handikwanisi kushanda, ndinozovafonera kana ndava pabasa.”—Mark

     Zvibvunze kuti, ‘Zvandinoita zvinoratidza kuti ndinokoshesa wanano yangu kupfuura basa here?’

  •   Ramba kana usingakwanisi kuita rimwe basa. Bhaibheri rinoti: “Vane mwero ndivo vane uchenjeri.” (Zvirevo 11:2) Kuva nemwero kuchaita kuti uone kuti dzimwe nguva zvinenge zvakanaka kuti urambe basa racho kana kupa mumwe munhu kuti ariite.

     “Ndinoita basa rekugadzirisa pombi dzemvura, saka dzimwe nguva ndinogona kudaidzwa kuti ndiite basa rinoda kuitwa nekukurumidza, zvekuti anenge andidaidza wacho anenge achinetseka. Kana ndikaona kuti handikwanisi kuita basa racho pavari kuda kuti ndiriite, ndinovaudza nezvemumwe munhu anogona kuvabatsira.”—Christopher.

     Zvibvunze kuti: ‘Ndakazvipira kuramba rimwe basa kana kuriita kuchizoita kuti wandakaroorana naye anzwe seasingakoshi here? Wandakaroorana naye anoti ndizvo zvandinoita here?’

  •   Rongai nguva yekuva mese. Bhaibheri rinoti: “Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho.” (Muparidzi 3:1) Paunenge wakawandirwa nebasa, ndipo pazvakanyanya kukosha kuti uronge nguva yekuva nemumwe wako mova nechokwadi chekuti mashandisa nguva yacho muri mese.

     “Kakawanda kacho kana takabatikana zvakanyanya, tinosarudza nguva yatinobvumirana yekuva pamwe chete, zvichida kungodya tese manheru kana kumbofamba pamhenderekedzo yegungwa, pasina chinotikanganisa.”—Deborah.

     Zvibvunze kuti: ‘Ndinoronga nguva yekuva nemumwe wangu pasina chinotikanganisa here? Wandakaroorana naye anoti ndizvo zvandinoita here?’

  •   Dzimai mafoni. Bhaibheri rinoti: “Muve nechokwadi chekuti ndezvipi zvinokosha kupfuura zvimwe.” (VaFiripi 1:10) Munogona here kumbodzima mafoni enyu kuti musatanga kushanda pamunenge muri kumba?

     “Ndine nguva dzandinoti kana dzachaya, ndobva ndasiya zvebasa. Padzinongokwana chete ndinobva ndaita kuti foni yangu isapinza mameseji ekubasa.”—Jeremy.

     Zvibvunze kuti: ‘Ndinonzwa ndichifanira kugara foni yangu yakabatidzwa kuitira kuti wandinoshandira kana vandinoitira basa vagokwanisa kundibata kana paine zvavanenge vachida here? Wandakaroorana naye anoti ndizvo zvandinoita here?’

  •    Nzwisisa. Bhaibheri rinoti: “Kunzwisisa kwenyu ngakuzivikanwe.” (VaFiripi 4:5) Dzimwe nguva, wawakaroorana naye anofanira kushanda panguva yaaifanira kunge ainewe. Semuenzaniso, basa raanoshanda rinogona kunge richitoda kuti agare achibatika nguva dzese. Usatarisira zvinopfuura zvaanokwanisa.

     “Murume wangu ane kabhizinesi kadiki kaanoita, uye anowanzodaidzwa panguva dzisiri dzebasa kuti aite mabasa anoda kuitwa nekukurumidza. Dzimwe nguva zvinondibhowa asi nguva zhinji tinowanzonge tiri tese saka hazvina hazvo kuipa.”—Beverly.

     Zvibvunze kuti: ‘Ndinoratidza kuti ndinonzwisisa basa rinoitwa newandakaroorana naye zvekuti handitarisiri kuti aite zvaasingakwanisi here? Wandakaroorana naye anoti ndizvo zvandinoita here?’

 Zvamungataura nezvazvo

Mumwe nemumwe anofanira kufunga nezvemibvunzo iyi ari ega. Zvadaro chikurukurai mibvunzo yacho mese.

  • Mumwe wako akambochema-chema achiti uri kushanda panguva dzisiri dzebasa here? Kana zvakadaro, unobvumirana naye here?

  • Unofunga kuti ndepapi paungadonongodza paunogona kushandira panyaya yekuita kuti upe nguva yakakwana kubasa uku uchipawo nguva yakakwana kune zvimwewo zveupenyu?

  • Wakambonzwa sekuti wawakaroorana naye akanga asiri kuita kuti basa riperere kubasa here? Kana zvakadaro, ndepapi paunoyeuka pazvakaitika?

  • Kana zviripo, zvii zvaungada kuti mumwe wako agadzirise kuti chimwe nechimwe chive nenguva yacho?