Enda pane zvauri kuda

MAZANO EKUBATSIRA MHURI

Kana Mukava Nemaonero Akasiyana

Kana Mukava Nemaonero Akasiyana

 Vakaroorana vanogona kusawirirana nemhaka yekusiyana kwezvinhu zvavanofarira, unhu hwavo nezviito. Asi zvinhu zvakaita sezvinotevera zvinogona kutoita kuti zvinhu zviwedzere kuoma:

  •   Nguva yavanoita neveukama

  •   Mashandisiro avanoita mari

  •   Vova nevana here kana kuti vorega

 Ungaita sei kana usiri kuwirirana nemumwe wako pane imwe nyaya?

 Zvaunofanira kuziva

 Kupindirana hakurevi kuti munofunga zvakafanana. Kunyange vanhu vakaroorana vanowirirana zvekuwirirana zviya, dzimwe nguva vanombova nemaonero akasiyana pane zvimwe zvinhu, kunyange pazvinhu zvinokosha.

 “Ndakakurira mumhuri yakabatana. Pakupera kwevhiki, taishanyira vanasekuru, vanatete, madzikoma nevamwewo veukama. Mhuri yemurume wangu yakanga isingadaro. Saka maonero edu panyaya yekuti tichaita nguva yakareba sei neveukama uye tichitaura nehama dzinogara kure akatosiyana.”—Tamara.

 “Nemhaka yemarererwo atakaitwa, ini nemudzimai wangu tine maonero akasiyana pamashandisiro atinofanira kuita mari. Mwedzi yekutanga taroorana, taimbonetsana nenyaya iyoyo. Kuti tizogadzirisa dambudziko racho, taitofanira kukurukura nyaya yacho kakawanda.”—Tyler.

Vanhu vaviri vanogona kutarisa chinhu chimwe chete asi vachiona zvinhu zvakasiyana. Ndizvo zvinoitikawo vakaroorana pavanenge vasiri kubvumirana pane imwe nyaya.

 Mamwe matambudziko haapedzwi nekuzongobvuma zvinodiwa nemumwe. Semuenzaniso, mumwe mubereki anogona kutanga kurwara. Mumwe anogona kunge achida kuita vana asi mumwe asingadi. a

 “Ini nemudzimai wangu tinombotaura kwenguva refu nezvekuita vana. Ari kungoramba achifunga nezvazvo, uye maonero edu ava kutowedzera kusiyana. Handifungi kuti ndinokwanisa kubvumirana naye.”—Alex.

 Kusiyana kwemaonero hakufaniri kutadzisa imba yenyu kubudirira. Dzimwe nyanzvi dzinoti kana iwe nemumwe wako musiri kuwirirana panyaya hombe, unofanira kuita zvese zvaunogona kuti mumwe wako aite zvauri kuda, kunyange kana zvichireva kuti mava kutorambana. Asi ukadaro unenge uchinyanya kungoisa pfungwa pamanzwiro aunoita wotadza kukoshesa mhiko yako pamberi paMwari yekuramba uine mumwe wako chero zvodii.

 Zvaunogona kuita

 Tsidza kuramba uchikoshesa mhiko yawakaita yewanano. Izvi zvichakubatsirai kuti munangane nedambudziko racho pamwe chete, musingakwikwidzani.

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.”—Mateu 19:6.

 Fungai kuti munozvigona here. Semuenzaniso, ngatitii mumwe ari kuda kuita vana asi mumwe haasi. Pane zvimwe zvinhu zvekufunga nezvazvo:

  •   Kusimba kwewanano yenyu.

     Munokwanisa kuzotakura mutoro wekurera mwana here?

  •   Mutoro wekuva mubereki.

     Haisi nyaya yekungopa zvekudya, zvekupfeka uye pekugara.

  •   Nyaya dzemari.

     Munozokwanisa here kushanda, uku muchiriritira vana nekuitawo zvimwe?

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Ndiani wenyu anoti kana achida kuvaka shongwe asingatangi agara pasi, overenga zvinodiwa, kuti aone kana aine zvakakwana zvokuipedza nazvo?”—Ruka 14:28.

 Funga zvese zvinobatanidzwa. Munogona kugadzirisa dzimwe nyaya dzamunenge musingawirirani. Semuenzaniso, kana iri nyaya yekuita vana, anenge asiri kuda vana anogona kuzvibvunza kuti:

  •   ‘Pandiri kuti handidi vana, ndiri kureva zvachose here kana kuti iye zvino chete?’

  •   ‘Ndiri kutyira kuti handizovi mubereki akanaka here?’

  •   ‘Ndiri kutyira kuti mumwe wangu anozongondisiya ndichiriritira vana ndega here?’

 Asiwo uya anenge ari kuda kuita vana anofanira kuzvibvunza mibvunzo yakaita seiyi:

  •   ‘Tinokwanisa here kutakura mutoro wekuva vabereki?’

  •   ‘Tine mari here yekuzorera mwana wacho?’

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Uchenjeri hunobva kumusoro . . . hunonzwisisa.”—Jakobho 3:17.

 Onawo zvakanakira maonero ari kuita mumwe wako. Vanhu vaviri vanogona kutarisa chinhu chimwe chete asi vachiona zvinhu zvakasiyana. Ndizvo zvinogona kuitikawo kune vakaroorana, vanogona kuva nemaonero akasiyana panyaya imwe chete, semuenzaniso panyaya yekuti voshandisa sei mari. Saka pakukurukura nyaya yamuine maonero akasiyana, tangai nekukurukura zvamunowirirana.

  •   Chinangwa chenyu mese ndechei?

  •   Maonero mamwe nemamwe akanakirei?

  •   Uchiitira kuti imba yenyu isaparara, unogona here kuchinja maonero ako?

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Mumwe nomumwe ngaarege kuramba achitsvaka zvake oga, asi zvomumwe munhu.”—1 VaKorinde 10:24.

a Nyaya dzinonyanya kukosha dzinofanira kugara dzakurukurwa vanhu vasati vachata. Zvisinei, zvinhu zvinogona kungoerekana zvachinja, maonero emumwe anogona kuchinja nekufamba kwenguva.—Muparidzi 9:11.