Enda pane zvauri kuda

MAZANO EKUBATSIRA MHURI

Kudzidzisa Vana Zvinotaurwa neBhaibheri Nezvedoro

Kudzidzisa Vana Zvinotaurwa neBhaibheri Nezvedoro

 “Takatanga kudzidzisa mwanasikana wedu zvinotaurwa neBhaibheri nezvedoro, aine makore 6. Takashamisika patakaona kuti aiva nezvakawanda zvaakanga ava kutoziva.”—Alexander.

 Zvamunofanira kuziva

 Kudzidzisa vana zvinotaurwa neBhaibheri nezvedoro kwakakosha. Musamirira mwana wenyu kusvikira ava pazera rekuyaruka. Vamwe baba vekuRussia vanonzi Khamit vanoti, “Tinodemba kuti dai takadzidzisa mwanakomana wedu achiri mudiki. Ndakazoziva kukosha kwazvo zvinhu zvatoshata. Ndakazoona kuti akanga ava kutogara achinwa aine makore 13.”

 Nei muchifanira kukoshesa nyaya iyi?

  •   Vaanodzidza navo kuchikoro, vanoita zvekushambadza, uye zvinobuda paTV zvinogona kukanganisa mafungiro emwana wenyu.

  •   Sangano reutano rekuUnited States rinonzi Centers for Disease Control and Prevention, rinoti 11% yedoro rinonwiwa muUnited States, rinonwiwa nevana vadiki.

 Ndosaka vezveutano vachikurudzira vabereki kuti vadzidzise vana vavo kubva vachiri vadiki nezvengozi dzekunwa doro. Mungazviita sei?

 Zvamunogona kuita

 Edzai kufungidzira zvingabvunzwa nemwana wenyu. Vana vanenge vachiri vadiki vanenge vachida kuziva uye vana vanenge vati kurei vanenge vatowedzerawo zvavanoda kuziva. Saka zvakanaka kuti mugadzirire kuti muchapindura sei. Semuenzaniso:

  •   Kana mwana wenyu achida kuziva kuti doro rinombonaka sei, munogona kumutsanangurira kuti waini inoti vavei zvishoma asi doro rinovava zvakatonyanya.

  •   Kana mwana wenyu achida kumbonzwa kuti doro rinoita sei, munogona kumuudza kuti doro rinokanganisa miviri yevana. Muudzei zvarinoita pamunhu: Doro rinoita kuti munhu anzwe akadekara, asi kana ukariwanza unotanga kunzwa dzungu, kuita zvinhu zvisina basa, uye kutaura zvinhu zvaunozozvidemba.—Zvirevo 23:29-35.

 Zivaiwo zvimwe zvinhu. Bhaibheri rinoti: “Munhu wose ane njere achaita nezivo.” (Zvirevo 13:16) Zivai zvinoitika kana munhu akanwa doro uye kuti mitemo yemunyika menyu inoti kudii panyaya yekunwa doro. Mukaziva izvi muchange magadzirira kubatsira mwana wenyu.

 Tangai imi kutaura nezvenyaya yacho. Vamwe baba vekuBritain vanonzi Mark vakati, “Vana havanyatsoziva kuti zvinombofamba sei panyaya yedoro. Ndakabvunza mwanakomana wangu ane makore 8 kuti zvainge zvakanaka here kana kuti zvakaipa kunwa doro. Takakurukura nyaya iyi tichitandara hedu zvekuti hazvina kumuomera kuti anyatsotaura maonero ake akasununguka.”

 Muchabatsira mwana wenyu kana mukataura naye nezvenyaya yedoro kakati wandei. Zvichienderana nezera remwana wenyu, tauraiwo kuti nyaya yedoro inopinda papi panyaya yengozi dzemumugwagwa uye kuenda pabonde.

 Imiwo tevedzerai zvamunotaura. Vana vakaita sesiponji inonwirira zvinhu zvinenge zviri pairi. Ongororo dzinoratidza kuti vana vanonyanya kutevedzera zvinoitwa nevabereki vavo. Izvi zvinoreva kuti kana muchinwa doro senzira yekudzikisa nhamo, mwana wenyu ndizvo zvaachazoitawo. Saka itai zvamunotaura. Kana muchinwa doro, inwai zvine mwero.

Vana venyu vachadzidza kubva pane zvamunoita