Enda pane zvauri kuda

MAZANO EKUBATSIRA MHURI

Kubatsira Kwamungaita Mwana Kana Akundikana

Kubatsira Kwamungaita Mwana Kana Akundikana

 Mwana wako anogona kukundikana kuita chimwe chinhu zvobva zvaita kuti aore mwoyo. Ungamubatsira sei?

 Zvaunofanira kuziva

 Hapana munhu anogona zvese. Bhaibheri rinotaura kuti “tese tinokanganisa.” (Jakobho 3:2) Vana vanokanganisawo. Asi kukundikana kuita zvimwe zvinhu kune zvakunobatsira, nekuti kunoita kuti vana vakwanise kudzidza kushingirira. Vana havaberekwi vachikwanisa kushingirira, vanofanira kutodzidza. Vamwe amai vanonzi Laura vakati: “Pane kuita kuti vana vedu vafunge kuti havana chavanotadza, ini nemurume wangu takaona zviri nani kuvabatsira kuti vadzidze pane zvavanokanganisa. Vanogona kudzidza kuva vanhu vanoshingirira kana zvinhu zvikaenda nepasipo.”

 Vana vakawanda havazivi zvekuita kana vakundikana. Vamwe vana havazivi zvekuita kana vakundikana nekuti kunyange pavanokanganisa vabereki vavo vanoita kuti zviite sekuti vana vavo havana mhosva. Semuenzaniso, kana mwana akafoira, mubereki anogona kuti imhosva yemudzidzisi. Kana mwana akanetsana neshamwari yake, vamwe vabereki vanobva vapa shamwari yacho mhosva.

 Saka vana vangadzidza sei kubvuma uye kugadzirisa zvavanokanganisa kana vabereki vavo vachingovavharidzira?

 Zvaunogona kuita

  •   Vana vako ngavazive kuti vanokohwa zvavanodyara.

     Bhaibheri rinoti, “Zvinodyarwa nemunhu, ndizvo zvaachakohwa.”—VaGaratiya 6:7.

     Munhu wese anowana mubayiro wezvaanoita. Zvatinoparadza tinofanira kuzozvibhadhara. Tinokohwa zvinoenderana nekukanganisa kwedu. Vana vanofanira kuziva kuti kana vakaita chimwe chinhu hazvibvi zvangoperera ipapo, pane zvinozoitika zvichienderana nezvavasarudza. Saka musapa vamwe vanhu mhosva kana kurerutsa zvinenge zvakanganiswa nevana venyu. Asi zvichienderana nezera ravo, itai kuti vaone kuti zvii zvinozoitika kana vakatadza kusarudza zvakanaka. Mwana anofanira kunyatsoona kuti zvaasarudza zvinozoguma nei.

  •   Batsira vana vako kuti vagadzirise zvavanokanganisa.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Munhu akarurama angawa kanomwe, asi achasimuka zvakare.”—Zvirevo 24:16.

     Kukundikana kuita chimwe chinhu kunorwadza, asi hazvirevi kuti watokundikana zvachose. Ita kuti mwana wako aise pfungwa pakugadzirisa zvaitika kwete kungofunga kuti sei zvadaro. Semuenzaniso, kana mwana wako akafoira kuchikoro, mubatsire kuti ashande nesimba kuti azopasa. (Zvirevo 20:4) Kana akanetsana neshamwari yake, mubatsire kuti agadzirisane nemumwe wake pasinei nekuti ndiani akanganisa.—VaRoma 12:18; 2 Timoti 2:24.

  •   Batsira vana vako kuti vazive kuti havagoni zvese.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Ndinoudza munhu wese ari pakati penyu kuti arege kufunga nezvake kupfuura zvaanofanira kufunga.”—VaRoma 12:3.

     Hazvina kunaka kuudza mwana wako kuti ndiye anokunda vamwe vana vese pakuita chimwe chinhu uye unenge uchitomunyepera. Kunyange vana vanogona chaizvo kuchikoro vanotombokundwawo nevamwe dzimwe nguva. Uyewo vana vanogona zvemitambo havagari vachingohwina. Vana vanoziva kuti havagoni zvese havazonyanyi kuora mwoyo pavanokundikana.

     Bhaibheri rinotaura kuti matambudziko anogona kutotisimbisa uye anotibatsira kuti titsungirire. (Jakobho 1:2-4) Saka kunyange zvazvo kukundikana kuita zvimwe zvinhu kuchirwadza, batsira vana vako kuti vave nemaonero akanaka.

     Zvinotora nguva kuti udzidzise vana vako kushingirira uye zvinotoda kushanda nesimba. Asi pavanosvika pazera rekuyaruka unozoona kuti wakashandira zviripo. Bhuku rinonzi Letting Go With Love and Confidence rinoti “Kana vana vari kuyaruka vachiziva zvavanofanira kuita pavanokundikana, havazoiti zvinhu zvisina musoro vachiedza kuvhara vhara zvikanganiso kana vava panguva yakaoma. Kazhinji vanobudirira kunyange pavanenge vachifanira kuita zvinhu zvavasati vamboita kana kuti zvavanga vasingatarisiri.” Izvi zvichavabatsira kunyange pavanenge vakura.

 Zano: Varatidze zvavanofanira kuita. Yeuka kuti, zvaunoita paunosangana nezvinhu zvinorwadza muupenyu zvichabatsira vana vako kana vakasanganawo nezvinorwadza muupenyu hwavo.