Enda pane zvauri kuda

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

VaRoma 6:23—“Mubayiro weChivi Ndirwo Rufu Asi Chipo chaMwari Chokungopiwa Ndihwo Upenyu Husingaperi”

VaRoma 6:23—“Mubayiro weChivi Ndirwo Rufu Asi Chipo chaMwari Chokungopiwa Ndihwo Upenyu Husingaperi”

 “Mubayiro wechivi ndirwo rufu, asi chipo chinopiwa naMwari achishandisa Kristu Jesu Ishe wedu ndihwo upenyu husingaperi.”—VaRoma 6:23, BhaibheriShanduro Yenyika Itsva.

 “Mubayiro wechivi ndirwo rufu, asi chipo chaMwari chokungopiwa ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu.”—VaRoma 6:23, Bhaibheri Dzvene MuChishona Chanhasi.

Zvinorehwa naVaRoma 6:23

 Nemashoko aya, muapostora Pauro anotsanangura kuti vanhu vanofa nekuti vane chivi. Asi Mwari anopa vashumiri vake vakatendeka mukana wakazonaka wekurarama nekusingaperi.

 “Mubayiro wechivi ndirwo rufu.” Vanhu vese vanozvarwa vaine chivi saka vanotadza. a (Pisarema 51:5; Muparidzi 7:20) Sezvo vachiberekwa vaine chivi, vanhu vanochembera uye vanofa.—VaRoma 5:12.

 Kuti atibatsire kunzwisisa pfungwa iyi, Pauro anofananidza chivi natenzi anopa mubayiro. Kungofanana nemushandi anotarisira kupiwa mubayiro webasa rake, vanhu vanotarisira kuti vachafa nekuti vane chivi.

 Asi Pauro anotsanangurawo kuti munhu “anenge afa asunungurwa pachivi chake.” (VaRoma 6:7) Munhu paanofa anosunungurwa pazvivi zvese zvaanenge akaita. Ndosaka tisingafaniri kufunga kuti vakafa vanotambudzwa kune imwe nzvimbo nemhaka yezvivi zvavakaita. Bhaibheri rinototaura zvakajeka kuti vakafa havagoni kufunga kana kuita chero chii zvacho.—Muparidzi 9:5.

 “Asi chipo chinopiwa naMwari achishandisa Kristu Jesu . . . ndihwo upenyu husingaperi.” Mubayiro wechivi rufu, asi chipo chatinopiwa naMwari upenyu husingaperi. Shoko repakutanga rakashandurwa kuti “chipo” rinogona kushandurwawo kuti “chipo chenyasha.” Rinoreva chinhu chinopiwa munhu asina kukodzera kuchiwana. Hapana munhu ane chivi anogona kushandira kuti awane ruponeso uye upenyu husingaperi. (Pisarema 49:7, 8) Asi Mwari anopa chipo chepachena chinokosha chaizvo cheupenyu husingaperi kune vaya vanotenda muna Jesu.—Johani 3:16; VaRoma 5:15, 18.

Mashoko akapoteredza VaRoma 6:23

 Pauro akanyora tsamba iyi kuvaKristu vaiva muRoma munenge muna 56 C.E. Zvinoita sekuti vamwe vaKristu vepanguva iyoyo vaifunga zvisiri izvo nezvenyasha dzaMwari. Vanofanira kunge vakanga vakanganiswa mafungiro avo nedzidziso dzechiGiriki zvekuti vakanga vava kufunga kuti kana vakawedzera kuita zvivi vaizowedzerawo kuregererwa naMwari. (VaRoma 6:1) Vamwe vanogona kunge vaifunga kuti sezvo vakanga vasisiri pasi peMutemo waMozisi, vaisazorangirwa zvivi zvavo. (VaRoma 6:15) Mutsamba yake, Pauro akasimbisa kuti vaKristu vaisakwanisa kuwana nyasha dzaMwari kana vachibvuma kutongwa nechivi.—VaRoma 6:12-14, 16.

 Mashoko aPauro anoita kuti vashumiri vaMwari mazuva ano vave netariro kunyange zvazvo vachiberekwa vaine chivi. Kana vakateerera mitemo yaMwari ine chekuita nekuzvibata vorega kuita maererano nezvido zvavo zvakaipa, Mwari anovimbisa kuvapa upenyu husingaperi.—VaRoma 6:22.

 Ona vhidhiyo iyi pfupi kuti unzwe pfupiso yezviri mubhuku raVaRoma.

a MuBhaibheri shoko rekuti “chivi” rinoreva kuita chero chinhu chisingaenderani nemitemo yaMwari. (1 Johani 3:4) Ona nyaya yakanzi “Chii Chinonzi Chivi?