Enda pane zvauri kuda

“Jehovha Akatiponesa”

“Jehovha Akatiponesa”

 Muna 2005, mumwe mukadzi wekuIndia anonzi Sowbhagya akafirwa nemurume wake. Vakanga vaine mwanasikana mumwe chete aiva nemakore matatu anonzi Meghana. Murume waSowbhagya airiritira mhuri yake zvakanaka. Paakafa, Sowbhagya akanga ava kutamburira kuti ariritire mwanasikana wake.

 Zvinhu zvakatowedzera kuoma nekuti hapana munhu aida kumubatsira. Veukama vakanga vava kubata Sowbhagya nemwanasikana wake sevapemhi uye vaigara vachimuudza kuti aivaremedza. Sowbhagya aida kunyaradzwa saka akatanga kuenda kune imwe chechi yaiva munharaunda maaigara, asi vanhu vaiva muchechi yacho vaimutarisira pasi nekuti aiva murombo. Sowbhagya akabva atanga kutsvaga basa achiitira kuti akwanise kuwana cheuviri, asi airishaya.

 Sowbhagya anoti: “Ndakanga ndisisina tariro, saka ndakafunga kuzviuraya. Asi ndaiziva kuti mwana wangu aizosara achitambura, saka ndakaona zviine musoro kuti tese tiri vaviri tife.” Sowbhagya ainzwa sekuti hapana anomuda uye aizviona semunhu asingabatsiri saka akabva aenda kunotenga muchetura.

 Paakanga ava muchitima achidzoka kumba, mumwe mukadzi anonzi Elizabeth akatanga kutaura naye. Mukadzi wacho aiva Chapupu chaJehovha. Sowbhagya akaudza Elizabeth kuti akanga ari kutsvaga basa uye Elizabeth akabva amuudza kuti aigona kumubatsira kuwana basa. Elizabeth akataura kuti akanga ari munzira kuenda kunodzidza Bhaibheri nemumwe munhu. Sowbhagya akashamisika nekuti akanga apinda machechi akawanda asi akanga asati ambonzwa nezvechechi yaidzidzisa vanhu Bhaibheri. Elizabeth akakumbira Sowbhagya kuti azomushanyira kuti amuudze zvakawanda nezveurongwa hwekudzidza Bhaibheri.

 Paakasvika kumba, Sowbhagya akanga achiri kufunga kuzviuraya. Asi Meghana akanga aenda neimwe hama yavo kurwendo, saka akafunga kuti amirire mwanasikana wake kuti adzoke.

 Sowbhagya akazofunga kushanyira Elizabeth, uyo akamutambira zvakanaka. Elizabeth akamuratidza bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Sowbhagya akanyanya kufarira chitsauko chaiva nemusoro unoti “Vakafa Vari Kupi?” nekuti murume wake akanga achangobva kufa. Sowbhagya akabva abvuma kudzidza Bhaibheri.

 Elizabeth akakoka Sowbhagya kugungano raizoitwa vhiki raitevera racho uye Sowbhagya akabvuma kuenda. Akanakidzwa nepurogiramu yacho zvekuti akabva ada kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Uye paakanga ava kudzokera kumba achibva kugungano, akabva awana basa.

 Sowbhagya akaramba achidzidza Bhaibheri. Iye zvino, akanga asisade kuzviuraya. Upenyu hwake hwakanga hwava nechinangwa. Akazobhabhatidzwa, uye pava paya mwanasikana wake akabhabhatidzwawo. Vese vari vaviri vava mapiyona enguva dzese uye Meghana ava kushanda ari kumba achibatsira imwe hofisi yeshanduro yemuIndia.

Sowbhagya naMeghana

 Sowbhagya naMeghana vanoonga chaizvo kuti Elizabeth akataura naSowbhagya pavakaonana muchitima, akaratidza kuti aiva nehanya naye uye akamuudza nezvechokwadi! Vanoongawo Jehovha chaizvo. Meghana anoti: “Tingadai takafa kare kare dai tisina kuudzwa nezvechokwadi musi iwoyo. Iye zvino tiri kufara chaizvo. Ini naamai takamirira musi watichambundira baba zvakare, tovadzidzisa nezvaJehovha uye tovaudza kuti Jehovha akatiponesa sei.”