Enda pane zvauri kuda

Vakabatsirwa Netsamba Dzake

Vakabatsirwa Netsamba Dzake

 Brooke ndemumwe weZvapupu zvaJehovha anogara kuUnited States. Panguva yechirwere cheCOVID-19, aiparidzira vanhu achiita zvekuvanyorera tsamba. Ainyora tsamba dzakawanda chaizvo pavhiki. Asi pashure pegore nehafu, akatanga kuneta nazvo. Kusvikira panguva iyoyo, paingova nemunhu mumwe chete ainge apindura tsamba dzake, uye munhu wacho akamuudza kuti aisada kuzowanazve imwe tsamba kubva kwaari. Brooke akafunga kuti zvaaiita kwaiva kupedza nguva.

 Nekufamba kwenguva, chimwe Chapupu chinoshanda mubhengi chinonzi Kim chakaudza Brooke nezveimwe kasitoma. Kasitoma yacho yakataura nezvetsamba yakanyorwa neruoko yayakatumirwa nemumwe weZvapupu zvaJehovha. Kim akazoziva kuti tsamba yacho yakanga yanyorwa naBrooke. Vhiki rakatevera racho, kasitoma iya yakauyazve kubhengi. Payakanga ichitaura naKim, yakakumbira kupinda misangano yedu yeungano, iyo yaiitwa vanhu vachionana pamavhidhiyo panguva iyoyo.

 Chimwe Chapupu chinonzi David chakazoudzawo Brooke nezvemumwe munhu wachinoshanda naye akawanawo tsamba yaBrooke. Munhu wacho akabatwa-batwa netsamba iyoyo nekuti yainge yakanyorwa neruoko. Akati: “Dai vanhu vakawanda varatidza rudo rwakadaro.” David akashandisa mukana wacho kuparidzira munhu uyu waanoshanda naye uye kumupa mamwe mabhuku. Munhu wacho akatenda chaizvo.

 Zvapupu zvaJehovha zvinonzwisisa kuti dzimwe nguva zvingasaziva kuti mbeu yechokwadi yavanenge vadyara yamera here kana kuti haina. (Muparidzi 11:5, 6) Asi zvakaitika kuna Brooke zvakamuwedzera simba nechido chekuita basa rekuparidza nekudzidzisa vanhu nezvaMwari.—1 VaKorinde 3:6.