Enda pane zvauri kuda

Akashamiswa Nezvakaitika

Akashamiswa Nezvakaitika

 Vamwe amai vanorera vana vari vega vanonzi Desicar vaida kuwedzera ushumiri hwavo kuburikidza nekuita upiyona hwenguva dzese. Vanogara munyika ine urombo hwakanyanyisa inonzi Venezuela. Kunyange zvakadaro, Desicar ainge akazvipira kutanga kupayona, uye akakwanisa kuzviita. Akafara chaizvo, asi chirwere cheCOVID-19 chakabva chatanga.

 Pakatanga chirwere ichi, Desicar aiomerwa nekushandisa nzira itsva dzekuparidza nadzo dzaienderana nezvakanga zvavapo. Kunyora tsamba kwainge kwakamuomera. Aisakwanisawo kuita ushumiri achishandisa indaneti nekuti yaidhura chaizvo munzvimbo mavo. Desicar anoti: “Zvaindiodza mwoyo. Munguva pfupi-pfupi ndakanga ndisingachakwanisi kuita zvakawanda muushumiri. Ndaiona sekuti ndakanga ndisingachaiti basa rangu reupiyona nemazvo.”

 Asi muna January 2021, hofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha yekuVenezuela yakabvumira kuti paitwe mushandirapamwe unokosha wekuparidza. Pakarongwa kuti pakupera kwevhiki imwe neimwe yemwedzi iwoyo, nhepfenyuro dzeredhiyo dzinenge 60 uye 7 dzepaTV dzitepfenyure mharidzo dzeBhaibheri. Zvapupu zvakakurudzirwa kuti zvikoke vanhu vanofarira kuti vateerere nhepfenyuro dzacho. Hofisi yebazi yakaitawo kuti vaparidzi vawane mibvunzo nemagwaro aienderana nemharidzo yeBhaibheri imwe neimwe, zvavaigona kushandisa pavainyorera vanhu tsamba kana kuti pavaitaura nevanhu pamafoni. Hofisi yebazi yakakurudzirawo hama nehanzvadzi kushandisa mameseji pakuparidza, iyo yaiva nzira itsva kuvaparidzi vakawanda muVenezuela.

 Desicar akafara chaizvo kuita mushandirapamwe uyu. Kunyange zvazvo ainge asina kumbobvira aita ushumiri hwekunyora mameseji, akasarudza kumbozviedza. Asi aida kubatsirwa. Akati: “Handina zvakawanda zvandinoziva nezvemafoni.” Saka akakumbira mwanasikana wake kuti amudzidzise, uye pasina nguva akanga ava kutokwanisa kubatana nevamwe pakuita mushandirapamwe wacho.

Desicar

 Desicar akatumira vanhu vakawanda mameseji achivaudza kuti vateerere mharidzo dzeBhaibheri dzainge dzatorekodhwa kare. Akashamiswa nezvakaitika. Vanhu vakawanda vaakakoka vakakwanisa kuteerera mharidzo idzodzo uye vaibvunza mibvunzo. Vamwe havana kukwanisa kuteerera asi vaibvunza Desicar zvainge zvakurukurwa mumharidzo dzacho. “Ndakanyora pfupiso yemanotsi angu ndichibva ndavatumira,” anodaro Desicar. “Handina kumbobvira ndanyora shanyo dzekudzokera dzinopfuura 5 pamushumo wangu mumwedzi mumwe chete, asi pakapera mushandirapamwe wacho ndakanyora dzinosvika 112!” a

 Desicar akakokawo sisi vake vasiri Chapupu avo vanogara pedyo naye, kuti vateerere mharidzo dzacho paredhiyo. Akati: “Zvakandishamisa kuti vakabvuma. Musi weSvondo wega-wega na8 dzemangwanani, ndaienda kumba kwavo kuti titeerere pamwe chete. Vaiva nemibvunzo yakawanda. Mimwe yacho vaiibvunza panguva ye purogiramu uye mimwe pashure pepurogiramu.” Sisi vaDesicar vakapindawo musangano wekuyeuka rufu rwaJesu vachishandisa indaneti, uye vakabvumira Desicar kushandisa indaneti yavo kuita basa rekuparidza.

 Desicar anoti: “Ndinotenda Jehovha chaizvo. Ndinotendawo vakuru vemuungano medu nekundikurudzira kwavakaita. Vakandibatsira kuti nditangezve kunakidzwa neushumiri.” (Jeremiya 15:16) Desicar achiri kupayona uye ari kuramba achikurukura nevaya vaakawana panguva yaaiparidza achiita zvekunyora mameseji.

a Zvapupu zvaJehovha zvinoita ushumiri hwazvo zvichitevedzera mitemo yemachengetedzerwo emashoko.