Enda pane zvauri kuda

Kubatsira Vashandi Vepachipatara Kuti Vasanyanya Kuzvidya Mwoyo

Kubatsira Vashandi Vepachipatara Kuti Vasanyanya Kuzvidya Mwoyo

 Bryn, anogara kuNorth Carolina, iri kuU.S.A., anoshanda neKomiti Yekukurukura Nezvipatara iyo inoshanda pamwe chete nezvipatara pakubatsira Zvapupu zvaJehovha zvinenge zvichirwara.

 Nemhaka yechirwere cheCOVID-19, zvipatara zvakawanda zvakanga zvisingabvumiri kuti vanhu vauye kuzoshanyira varwere. Bryn akafonera mumwe mukuru wepachipatara kuti azive kana aizokwanisa kukurukura nezvimwe Zvapupu zvaJehovha zvaiva muchipatara.

 Akazokwanisa kutaura nemutevedzeri wemukuru wechipatara. Sezvo vanhu vaisakwanisa kushanya kuchipatara, Bryn akakumbira kuti nhamba dzake dzefoni dzipiwe Zvapupu zvaJehovha zvaiva muchipatara kuti azotaura navo uye vakabvuma.

 Bryn akabva afungawo nezvevashandi vepachipatara ipapo. Akaudza mutevedzeri wemukuru wepachipatara kuti aionga chaizvo basa raiitwa pachipatara uye aivashuvira kuti vasabatwa nechirwere ichi. Akazotaurawo kuti akanga averenga kuti vanhu pasi rese, kunyanya vashandi vepazvipatara vari kutowedzera kuzvidya mwoyo nemhaka yechirwere cheCOVID-19.

 Mutevedzeri wemukuru wepachipatara akamuudzawo kuti chirwere cheCOVID-19 chaiita kuti vanhu vari pachipatara chavo vatowedzera kuzvidya mwoyo.

 Bryn akati: “Pawebsite yedu pane mashoko anogona kubatsira vanhu kuti vasanyanye kuzvidya mwoyo. Kana mukaenda pawebsite yejw.org moenda pakanzi Tsvaga, mononyora kuti “kuzvidya mwoyo,” muchawana nyaya dzakawanda dzinogona kubatsira vanhu vanoshanda pachipatara penyu.”

 Vachiri kutotaura, akabva aenda pawebsite yedu achibva anonyora kuti “kuzvidya mwoyo” uye paakaona nyaya dzakabuda ipapo akabva ati: “Heyi! Ndicharatidzawo mukuru wangu. Ndinofunga kuti nyaya idzi dzingatobatsira vashandi vedu uyewo vamwe vari muchipatara. Ndichadziprinda ndozopawo vamwe.”

 Papera mavhiki mashoma, Bryn akazotaura nemukuru wacho uyewo akamuudza kuti vakanga vakwanisa kuenda pawebsite uyewo vakaprinda nyaya dzaitaura nezvekuzvidya mwoyo nedzimwewo. Nyaya dzacho vakanga vatopa manesi nevamwe vanoshanda pachipatara ipapo.

 Bryn akati: “Mukuru wacho akanditenda nezvebasa ratinoita uyewo nyaya dzavakadhaunirodha dzakanyatsonyorwa zvakanaka. Akataurawo kuti dzakanga dzabatsira chaizvo.”