Enda pane zvauri kuda

“Kusanganiswazve Semhuri Imwe Chete” Pagungano rechiTagalog Rakaitirwa muRome!

“Kusanganiswazve Semhuri Imwe Chete” Pagungano rechiTagalog Rakaitirwa muRome!

Zviuru zveZvapupu zvaJehovha zvinotaura chiTagalog zvakaungana muguta reRome, kuItaly, kuti zvipinde gungano rakasiyana nemamwe rakaitwa kubva musi wa24 kusvika 26 July 2015. Vanhu ava vakanga vafamba daro remakiromita anopfuura 10 000 kubva kunyika yePhilippines kunova ndiko kunobva vanhu vechiTagalog.

Zvinofungidzirwa kuti muEurope mava nevanhu vanobva kuPhilippines vanopfuura 850 000. Nokudaro, ungano dzinenge 60 nemapoka maduku eZvapupu zvaJehovha muEurope, zvinoita misangano mururimi rwechiTagalog uye zvinoparidzira vanhu vanobva kuPhilippines vari munharaunda yazvo.

Asi pagungano iri rakaitirwa muRome, ungano dzese idzi nemapoka aya zvakaungana kekutanga kuti zviite gungano remazuva matatu mumutauro wavo. Vanhu vanosvika 3 239 vaivapo vakafara chaizvo kunzwa hurukuro dzekugumisa zuva rimwe nerimwe dzaipiwa naHama Mark Sanderson, veDare Rinotungamirira reZvapupu zvaJehovha avo vakamboshumira vari muPhilippines.

“Rakaita Kuti Ndinyatsobayiwa Mwoyo”

Pane musiyano uripo here pakati pekupinda gungano mururimi rwaamai nekuripinda richiitwa nemumwe mutauro waunonzwa asi rusiri rurimi rwaamai? Mumwe mudzimai anonzi Eva uyo ari kugara ega nevana vake anoti, “Chirungu ndinochinzwa hangu zvishoma, asi gungano iri rakaitwa muchiTagalog rakaita kuti ndinyatsobayiwa mwoyo nezvinodzidziswa neBhaibheri.” Kuti vawane mari yekushandisa pakufamba kubva kwavanogara kuSpain kuenda kuItaly, iye nevana vake vakaronga kuti vhiki imwe neimwe varege kuenda kunodyira kunzvimbo dzinotengeswa zvekudya zvakabikwa, asi kuti vangoenda kamwe chete pamwedzi. Eva anoti, “Zvatakaita izvi zvakabatsira chaizvo, nekuti pagungano iri ndakanzwisisa zvese zvaitaurwa!”

Mumwe mukadzi anonzi Jasmin, uyo anogara kuGermany, akakumbira nguva yekusava pabasa kuti apinde gungano racho. Anoti, “Pandakanga ndava kutoda kusimuka, ndakabva ndaudzwa kuti zvakanga zvisingachaiti kuti ndiende nekuti paiva nebasa raifanira kuitwa. Asi handina kumbonyanya kuzvinetsa, ndakanyengetera kuna Jehovha, ndikabva ndaenda kunotaura namaneja wangu. Takakwanisa kurongazve basa racho kuti ndigone kupinda gungano iri! Ndaiita sendiri kurota kuti ndini here ndawanawo mukana uyu wekuva pamwe chete nedzimwe hama nehanzvadzi dzedu dzekuPhilippines dzaibva kwakasiyana-siyana muEurope.”

Vanhu vakawanda vanobva kuPhilippines avo vanogara kuEurope, vanosuwa kumusha uyewo shamwari dzavo dzakatamira kune dzimwe nyika muEurope. Gungano iri rakaita kuti vanhu ava vasanganezve, asi iye zvino vakanga vava hama nehanzvadzi. (Mateu 12:48-50) Mumwe murume anonzi Fabrice anoti, “Ndakafara chaizvo kuonana nevanhu vandinoziva!” Gungano racho parakanga rapera, imwe hanzvadzi yakaramba ichiti, “Tasanganiswazve semhuri imwe chete!”