Enda pane zvauri kuda

Mapikicha okuWarwick Chikamu 5 (September 2015 Kusvika February 2016)

Mapikicha okuWarwick Chikamu 5 (September 2015 Kusvika February 2016)

Ona mapikicha ari kuratidza mafambiro akaita basa rekuvaka mahofisi makuru matsva eZvapupu zvaJehovha uye kuti vashandi vaiuya kuzobatsira pakuita basa racho asi pasina mari yavaipiwa, vakaritsigira sei kubva muna September 2015 kusvika February 2016.

Zvichange zvakaita zvivako zvekuWarwick kana zvapera. Kutangira kuruboshwe nechekumusoro:

  1. Garaji Rekugadzirira Motokari

  2. Pokupakira Motokari Dzevaeni

  3. Maintenance Building nePokupakira Motokari Dzevanogarapo

  4. Residence B (Dzimba dzokugara)

  5. Residence D

  6. Residence C

  7. Residence A

  8. Mahofisi neServices Building

7 October 2015​—Zvakaita Nzvimbo Yacho kuWarwick

Chinhu chakagadzirwa nekongiri chiri kuendeswa panzvimbo ine unyoro kuti chizoshandiswa pakugadzira bhiriji. Chinhu chacho chakaburutsirwa pamatayi kuti chisatsemuka pachaibviswa murori. Bhiriji racho rinodzivirira nzvimbo ine unyoro kuti isatsikwe-tsikwe.

13 October 2015​—Mahofisi neServices Building

Padenga pechivako ichi pakadyarwa chirimwa chinonzi sedum icho chinochinja ruvara kana chava pedyo nekuoma munguva yechando. Mhando 16 dzesedum dzakadyarwa pamusoro pezvivako. Zvirimwa zvinodyarwa pamusoro pezvivako, izvo zvinobatsira pakudzora madutu, zvinoderedza uwandu hwesimba remagetsi rinofanira kushandiswa uye zvinongoda kudzurirwa masora kuti zvirambe zviine utano hwakanaka.

13 October 2015​—Residence D

Mumwe muvezi ari kugadzira makabhineti emukicheni yemuimba yekugara. Pakazopera February 2016, Dhipatimendi Rinoita Zvekuveza rakanga ratoisa makabhineti mumakicheni akawanda.

16 October 2015​—Mahofisi neServices Building

Vanoita zvemagetsi vari kuisa tumagirobho tunonzi light-emitting diode (LED) kuti tujekese chiratidzo cheWatch Tower chiri nechekunze kwechivako chakareba chiri panzvimbo yacho.

21 October 2015​—Mahofisi neServices Building

Maraiti akabaka panguva dzemanheru muMahofisi neServices Building, pamwe chete nepachivako chakareba uye munosvikira vaenzi. Chivako chacho chakareba chichaita kuti vashanyi vanakidzwe nekuona zvakaita nzvimbo yacho kuWarwick nenharaunda yakapoteredza.

22 October 2015​—Zvakaita Nzvimbo Yacho kuWarwick

Vashandi vanoita zvekuvaka vari kugadzira mugwagwa nekudira kongiri. Mugwagwa wacho ndiwo uchashandiswa nemotokari dzakadai semaAmbulance nedzimwewo dzisingadi kunonokerwa. Masaga akakora ari kuoneka nechekumashure anoita kuti mvura inonaya isakoromorera ivhu mumugwagwa panguva inenge ichigadzirwa mugwagwa wacho.

9 November 2015​—Mahofisi neServices Building

Vashandi vari kuisa masimbi anobata denga remagirazi rinopinza chiedza pamusoro pemunofambira elevator. Matenga 11 ayo anopinza chiedza muMahofisi neServices Building anoita kuti chiedza chepanze chipinde mukati.

16 November 2015​—Maintenance Building nePokupakira Motokari Dzevanogarapo

Munhu ari kushandisa muchina wegas pakucheka mapaipi esimbi anofambisa mvura inotonhora.

30 November 2015​—Mahofisi neServices Building

Munhu anoita zvekuveza ari kugadzira pahwindo. Paachange apedza kugadzira-gadzira pahwindo pacho nekuisa chibhodhi chinovhara madziro, pachabva pazoiswa windowsill.

17 December 2015​—Zvakaita Nzvimbo Yacho kuWarwick

Munofambwa namo muri kuiswa tuzvidhinha kunze kuchinaya. Pakati pepikicha nechekurudyi, pane chimuchina chichena chiri kushandiswa kuenzanisa tumatombo turi pasi. Nechepamberi pane chimuchina chiri kugadzika tuzvidhinha munzvimbo yaturi kufanira kuiswa. Nechekuruboshwe kune purasitiki rakavhara ivhu repamusoro kuti risakukurwa nemvura.

24 December 2015​—Zvakaita Nzvimbo Yacho kuWarwick

Vashandi vari kuisa tambo dzemagetsi musubstation inoendesa magetsi kuzvivako zvese zviri panzvimbo yacho kuWarwick.

5 January 2016​—Mahofisi neServices Building

Mushandi ari kupedzisa kugadzira denga rekanzira kekufamba nako kanobva Pokupakira Motokari Dzevaeni kuenda kuMahofisi neServices Building. Denga racho richaita kuti vashanyi vasazonayiwa nemvura nesinou.

5 January 2016​—Maintenance Building nePokupakira Motokari Dzevanogarapo

Mumwe murume ari kuseta boiler kuti rishande zvakanaka. Iye zvino maboiler ese 4 akatoiswa kuWarwick.

8 February 2016​—Mahofisi neServices Building

Vashandi vari kuisa michina yekuomesa hembe muDhipatimendi Rekuwachira. Michina yacho inokwanisa kutakura zvinhu zvinorema makirogiramu 6 kusvika ku45. Michina yekuwachisa ichazoiswa kumudhuri uri kuruboshwe.

8 February 2016​—KuTuxedo

Hama Gerrit Lösch, nhengo yeDare Rinotungamirira vachiitisa mhuri yeBheteri Chidzidzo cheNharireyomurindi. Purogiramu yacho yakatepfenyurwa kune dzimwe nzvimbo dzaigara vanhu vanoshanda paWarwick.

19 February 2016​—Residence A

VeDhipatimendi Rinogadzira Mukati Mezvivako vari kuendesa kapeti kune imwe yedzimba dzokugara. Makapeti akawanda chaizvo (anopfuura 65 000 m2 kana abatanidzwa) akahodhwa kuti azoshandiswa pazvivako zvekuWarwick.

22 February 2016​—Zvakaita Nzvimbo Yacho kuWarwick

Pakati paSeptember 2015 naFebruary 2016 sangano rakagamuchira masetifiketi anopasisa kuti dzimba dzokugara dziri kuResidence C neD dzichitanga kushandiswa, zvichibva zvaita kuti vashandi vakwanise havo kumbofanogara ikoko. Maelevator ese emuzvivako zvacho akatoiswa. Nzira inoenda kudzimba dzokugara yakatopera kugadzirwa pakabva patoiswa tuzvidhinha. Basa rekudyara zvinhu zvakadai seroni nemaruva rakakurumidza kupera nekuti kwanga kusinganyanyi kutonhora mumwaka wechando.

24 February 2016​—Maintenance Building nePokupakira Motokari Dzevanogarapo

Mumwe wevanoisa sirin’i ari kufamba ari pazvinhu zvinowedzera urefu hwemunhu achiisa tusimbi twekugadzikira sirin’i. Dhipatimendi Rinogadzira Madziro Emukati Mezvivako Nemasirin’i ndiro rinoita zvese zvinodiwa pakugadzira sirin’i nemadziro emukati mezvivako zvacho.