Enda pane zvauri kuda

“Chipo Chinobva Kuna Mwari” Chinowanika Muguta Reupfumi

“Chipo Chinobva Kuna Mwari” Chinowanika Muguta Reupfumi

Cluj-Napoca, rimwe remaguta akakura chaizvo ari muRomania, uye rinonziwo Guta Reupfumi. Kubva musi wa20 kusvika musi wa24 April 2016 muguta iri makaitwa chirongwa chekuratidza vanhu mabhuku (Gaudeamus bookfair). Zvapupu zvaJehovha zvakaratidza vanhu zvinotaurwa neBhaibheri panyaya yetsika uye yekunamata. Pane zviuru zvevanhu zvakauya pakanga paine Zvapupu zvichida kuziva nezvemavhidhiyo, maBhaibheri nemamwewo mabhuku anotsanangura Bhaibheri akanga aripo.

Zvikoro zvakati kuti zvakashanyira nzvimbo iyi yairatidzwa mabhuku akasiyana-siyana, uye vadzidzisi vakaenda nevana vavo painge paine Zvapupu. Vana vechikoro vakanyanya kunakidzwa nekuona mavhidhiyo emakatuni anonzi Iva Shamwari yaJehovha, uye vakawanda vavo vakafarira Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri uye rimwe rinonzi Dzidzisai Vana Venyu. Mumwe mukadzi aiita basa rekurera vana akaona mavhidhiyo emakatuni, akati kune waaishanda naye, “Tinofanira kunyora zita rewebsite iyi [www.pr418.com] kuti tizoratidza vana makatuni acho ese.”

Vana vachiri kuyaruka vakanakidzwa nemavhidhiyo emakatuni ekudhirowa ainge achiratidzwa pamatablet. Pairatidzwa mavhidhiyo akaita seaya: Rudo Rwechokwadi Here Kana Kuti Harusi?, Chenjerera Pakushandisa Social-Network uye Zvaungaita Kuti Vamwe Vasakudherera Asi Usingavarovi.

Mumwe mupristi wechechi yeRoma nemudzimai wake vakaenda paiva neZvapupu kanoverengeka vachitora Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene nemamwe mabhuku. Mupristi wacho akati akafarira chikamu chakanzi “Mashoko eBhaibheri Akarongwa,” icho chinoratidza kuti mashoko acho anowanika papi muBhaibheri. Akafarirawo kuti vashanduri vacho vakashandisa mabhuku anozivikanwa kuti ndeechokwadi. Akapa Zvapupu nhamba dzake dzefoni achibva akumbira kuti vazomufonera kuti vaenderere mberi nekukurukura nezveBhaibheri.

Mudzimai wemupristi wacho akabvunza kuti ndepapi paaigona kuwana mashoko anotaura nezvevana pajw.org uye akabva aratidzwa chikamu chakanzi “Vana.” Akabva aona vhidhiyo inonzi Taura Chokwadi, uye yakamunakidza chaizvo. Pashure pekuongorora chikamu ichi nezvimwe zvinowanika pajw.org, murume wake akabva ati website iyi “chipo chinobva kuna Mwari.”