Enda pane zvauri kuda

Vadzidzisi vekuPhilippines Vanoona Kubatsira kweJW.ORG

Vadzidzisi vekuPhilippines Vanoona Kubatsira kweJW.ORG

Muna 2016, Zvapupu zvaJehovha zvakawana mukana wekuratidza vadzidzisi vemuPurovhinzi yeZamboanga del Norte, kuPhilippines, kubatsira kunoita mavhidhiyo nenyaya dziri pawebsite yejw.org. Zvapupu izvi zvakatanga zvaenda kunokumbira Bazi Redzidzo riri muguta guru reDipolog. Vatungamiriri vacho vakafarira chaizvo jw.org zvekuti vakakumbira Zvapupu kuti zvinoratidza vadzidzisi website yacho kwemaminitsi 30 pamisangano mitatu yaizoitwa muZamboanga del Norte.

Zvakaitwa neZvapupu

Pamusangano mumwe nemumwe, Zvapupu zvakaratidza mamwe emavhidhiyo nenyaya zvinowanika pawebsite yedu kuvadzidzisi vanoda kusvika 300. Vadzidzisi vacho vakanyanya kufarira nyaya inoti, “Zvamungaita Kana Mune Chikwereti.” Vakawanda vavo vakati zviri pawebsite iyi hazvisi kuzongobatsira vana chete asi zvichabatsirawo naivo vadzidzisi vacho. Vese vakatora turakiti rinonzi Ndekupi Kwatingawana Mhinduro Dzemibvunzo Mikuru Yeupenyu? iro rinoratidza nyaya dzinowanika pajw.org. Vamwe vavo vakatodhaunirodha mavhidhiyo.

Bazi Redzidzo remupurovhinzi yacho rakafara nezvakaitwa neZvapupu zvekuti rakaronga kuti zviende zvakare kune mimwe misangano yevadzidzisi uye vanachipangamazano vanoda kusvika 600. Vakanga vari pamisangano iyi vakafarirawo website yedu.

Website iyi inobatsira chaizvo”

Vamwe vaiva pamisangano iyi vakazotaura kubatsirwa kwavari kuitwa newebsite iyi. Mumwe mudzidzisi akati, “Ndinokutendai chaizvo, website iyi iri kundibatsira chaizvo pabasa rangu.” Mumwewo mudzidzisi akati: “Ndine zvakawanda zvandinoda kuziva kunyanya panyaya yekuzvidya mwoyo. Website iyi inobatsira chaizvo vana nevanhu vakuru.”

Vadzidzisi vanopfuura 350 vakapinda misangano iyi vakakumbira kuziva zvakawanda. Zvapupu zvakavapa mamwe mabhuku uye zvakakurukura navo mazano ari muBhaibheri.

Zvapupu zvaJehovha zviri kufara kuti vadzidzisi vanopfuura 1 000 vakauya kumisangano kuZamboanga del Norte, vakaona kubatsira kunoita jw.org pakudzidzisa. Website iyi inobatsira vadzidzisi pasi rese pakudzidzisa vana tsika dzakanaka uye kuita kuti vafarire zvekunamata. a

a Zvikoro zvekuPhilippines zvinopiwa basa rekuti zvidzidzise vana zvinhu zvine chekuita nechikoro uyewo kuvabatsira kuti “vave netsika dzakanaka, vade zvekunamata uye vave neunhu.”—The 1987 Constitution of the Republic of the Philippines, Article XIV, Section 3.2.