Enda pane zvauri kuda

Kubatsira Matsi muNyika Inoyevedza yeIndonesia

Kubatsira Matsi muNyika Inoyevedza yeIndonesia

Nyika yeIndonesia ine mamiriyoni akawanda ematsi. Zvapupu zvaJehovha zviri kubatsira vanhu ava nekubudisa mavhidhiyo anotsanangura Bhaibheri uye zvinoronga misangano yekudzidzisa matsi Bhaibheri pachishandiswa mutauro wemasaini weko. Izvi zvakacherechedzwa nevakawanda.

Gungano Remutauro Wemasaini

Muna 2016, muMedan, North Sumatra, Zvapupu zvaJehovha zvakaita gungano mumutauro wemasaini wekuIndonesia. Mumwe mukuru mukuru wemunharaunda yacho akapinda gungano racho uye akatenda chaizvo Zvapupu nekuita purogiramu iyi inobatsira pasina mari inobhadharwa. Akabatwa chaizvo nezvaakaona zvekuti akatoedza kuimbawo nevamwe nemasaini.

Gungano racho “rakafamba zvakanaka,” akadaro maneja wepaipindirwa. “Ndinovimba kuti Zvapupu zvicharamba zvichironga zviitiko zvakadai kuti zvibatsire matsi.” Akati muridzi wepaipindirwa gungano paakanzwa kuti gungano iri raiva rematsi, “aida kuitira Zvapupu chimwe chinhu chakanaka. Saka akanditi ndipe zvekudya vanhu vese vaivapo [300].”

Kutenda Mavhidhiyo Emutauro Wemasaini

Zvapupu zvaJehovha zvinoshanyirawo matsi kuti zvivadzidzise Bhaibheri. Vanowanzoshandisa mavhidhiyo emasaini kubatsira vanhu kuti vararame upenyu hwakanaka.

Mukuru mukuru wesangano rinoona nezvematsi reIndonesian Association for the Welfare of the Deaf riri muSemarang City, Central Java anonzi Mahendra Teguh Priswanto akati: “Tinotenda basa ramunoita kuti mubatsire matsi. Semuenzaniso, vhidhiyo inonzi Mhuri Yenyu Inogona Kufara inobatsira chaizvo. Dai mukaramba muchiita basa iri.”

Zvapupu “Zvinoratidza Rudo”

Mumwe mudzimai anonzi Yanti imatsi, uye akabatsirwa chaizvo neZvapupu. Akati: “Vanhu vanowanzoseka matsi, asi Zvapupu zvaJehovha zvinovaratidza rudo. Zvapupu zvisiri matsi zvinodzidzira mutauro wemasaini kuti zvibatsire matsi kuziva Musiki uye kuti vavandudze upenyu hwavo. Zvavaiita zvakandibata.”

Yanti akazova Chapupu chaJehovha uye ava muboka revashanduri remutauro wemasaini. Anoti: “Mavhidhiyo atinobudisa anobatsira vamwe vasinganyatsogoni mutauro wemasaini kuti vagone kusaina. Anodzidzisawo vanhu kuti vave neupenyu hunofadza.”