Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha Zvinoshandisa Sei Mari Yezvipo?

Zvapupu zvaJehovha Zvinoshandisa Sei Mari Yezvipo?

 Tinoshandisa mari yezvipo kuti titsigire mabasa ekunamata uye ekuyamura vamwe anoitwa nesangano redu. Mabasa aya anotsigira basa redu guru, rekuita kuti vanhu vave vadzidzi vaJesu Kristu.—Mateu 28:19, 20.

 Hatishandisi mipiro yatinowana kuti tipfumise mumwe munhu. Varume vanodzidzisa nekuita mamwe mabasa muungano vanonzi vakuru, uye havabhadharwi uye Zvapupu zvaJehovha hazvibharwi kuti zviparidzire paimba neimba. Vanoshanda pamahofisi edu makuru nemamwe mahofisi kusanganisira veDare Rinotungamirira, havana mari yavanotambiriswa.

Mabasa Atinoita

  •   Kubudisa Mabhuku: Tinoturikira, kuprinda, uye kutumira mamiriyoni emaBhaibheri nemamwe mabhuku echiKristu anotsanangura Bhaibheri kunzvimbo dzakasiyana-siyana gore negore uye mabhuku acho haatengeswi. Tinewo website yedu inonzi jw.org neapplication inonzi JW Library panowanika mabhuku uye haatengeswi uyewo hatishambadziri zvinhu ipapo kuti tiwane mari.

  •   Kuvaka Uye Kuchengetedza Zvivakwa: Tinovaka nekuchengetedza zvivakwa zvekunamatira pasi rese, kuitira kuti ungano dzedu dziwane nzvimbo dzakanaka dzekuungana pamwe chete vachirumbidza Mwari. Tinovakawo nekuchengetedza mahofisi edu nemahofisi anoshandiswa nevanoturikira. Kazhinji basa iri rinoitwa nevanhu vanozvipira, izvi zvinoita kuti tideredze mari yatinoshandisa pakuvaka nekuchengetedza zvivakwa zvedu.

  •   Kurongwa Kwemabasa: Basa rinoitwa pamahofisi edu makuru, pamahofisi ari munyika dzakasiyana-siyana, pamahofisi anoshandiswa nevanoshandura, uye basa rinoitwa nevashumiri vanoshanyira ungano, zvese zvinotsigirwa nemari yemipiro yekutsigira basa remunyika yese.

  •   Kuparidza: Zvapupu hazvibhadharwi kuti zviparidze mashoko akanaka uye zvidzise vanhu “shoko raMwari.” (2 VaKorinde 2:17) Asi, kungofanana nezvaiitwa nevaKristu-vekutanga, vashumiri vakadzidziswa uye vakagadzwa avo vanoita nguva yakawanda vachiparidza vanopihwa pekugara nezvimwe zvavanoda kuti vararame.—VaFiripi 4:16, 17; 1 Timoti 5:17,18.

  •   Kudzidzisa: Magungano edu anotsigirwa nemipiro. Uyezve, tinogadzirawo zvekuteerera nemavhidhiyo anotsanangura Bhaibheri. Tinewo zvikoro zvinodzidzisa vakuru nevamwewo kuti vave neunyanzvi pamabasa avo.

  •   Basa Rekuyamura: Tinopa zvekudya, mvura uye pekugara kune vanhu vanenge vawirwa nenjodzi dzakasiyana-siyana. Hatingobatsiri “vane ukama nesu mukutenda” chete, asi tinobatsirawo vaya vasiri Zvapupu.—VaGaratiya 6:10.