Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha Zvinotenda Muna Jesu Here?

Zvapupu zvaJehovha Zvinotenda Muna Jesu Here?

 Hongu. Tinotenda muna Jesu, uyo akati: “Ndini nzira nechokwadi noupenyu. Hapana anouya kuna Baba asi nokwandiri.” (Johani 14:6) Tinotenda kuti Jesu akabva kudenga achiuya pasi pano uye akapa upenyu hwake hwakakwana sechibayiro chorudzikinuro. (Mateu 20:​28) Kufa nokumutswa kwaakaitwa zvinoita kuti vaya vanotenda maari vawane upenyu husingaperi. (Johani 3:​16) Tinotendawo kuti pari zvino Jesu ari kutonga saMambo woUmambo hwaMwari hwokudenga, uhwo huchaunza rugare panyika nokukurumidza. (Zvakazarurwa 11:​15) Uye tine chokwadi nemashoko aJesu aakataura okuti: “Baba vakuru kwandiri.” (Johani 14:​28) Saka hatinamati Jesu, nokuti haasi Mwari Wemasimbaose.