Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha Zvinobatsira Vanenge Vawirwa Nenjodzi Here?

Zvapupu zvaJehovha Zvinobatsira Vanenge Vawirwa Nenjodzi Here?

 Hongu, Zvapupu zvaJehovha zvinogara zvichibatsira vanhu vanenge vawirwa nenjodzi. Tinobatsira vanhu vose kunyange vasiri Zvapupu, kuenderana nomurayiro weBhaibheri uri pana VaGaratiya 6:10 wokuti: “Ngatiitirei vose zvakanaka, asi kunyanya vaya vane ukama nesu mukutenda.” Panguva yedambudziko vanhu vanenge vachida kubatsirwa saka tinovanyaradza uye tinovasimbisa pakunamata.—2 VaKorinde 1:3, 4.

Maitirwo Azvinoitwa

 Kana pakaitika njodzi, vakuru veungano dzinenge dzawirwa nenjodzi vanotaura nevose vavanonamata navo vari munzvimbo yaitika njodzi kuti vanzwe kana vari panzvimbo yakachengeteka uye kuti vangada rubatsiro rwakaita sei. Zvadaro vakuru vanobva vaudza hofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha iri pedyo navo pamusoro pezvavanenge vaona pakuongorora kwavo uye rubatsiro rwavapa.

 Kana pachidiwa rubatsiro rwunopfuura rwunogona kupiwa neungano dziri munyika iyoyo, Dare Rinotungamirira reZvapupu zvaJehovha rinoronga kuti pave nezvinhu zviri kudiwa. Izvi zvakafanana nezvaiitwa nevaKristu vepakutanga-tanga pavaibatsirana panguva yenzara. (1 VaKorinde 16:1-4) Hofisi yebazi yemunyika yaitika njodzi inosarudza vanozoshanda muMatare Okuyamura Vanenge Vawirwa Nenjodzi kuti varonge uye vatungamirire pakubatsira vanenge vawirwa nenjodzi. Zvapupu zvinenge zvichibva kune dzimwe nzvimbo zvinoshandisa mari dzazvo nezvimwe zvinhu zvavo kuti vazobatsira.—Zvirevo 17:17.

Mari Inoshandiswa

 Imwe nzira inoshandiswa mari yezvipo inoendeswa kumahofisi emapazi eZvapupu zvaJehovha ndeyekuyamura vanenge vawirwa nenjodzi. (Mabasa 11:27-30; 2 VaKorinde 8:13-15) Sezvo vanhu vanozvipira kuita basa iri vasingabhadharwi, mari inoshandiswa inenge iri yokubatsira vanhu vanenge vawirwa nenjodzi. Tinoita zvose zvatinogona kuti mari iyi yezvipo inyatsoshandiswa zvakakodzera.—2 VaKorinde 8:20.