Enda pane zvauri kuda

Hofisi yebazi iri kushanda iye zvino iri muguta reHarare muZimbabwe. Pikicha iri nechepadivi: Chimwe chezvivakwa zvaimboshandiswa sehofisi yebazi muguta reBulawayo

OCTOBER 3, 2023
ZIMBABWE

Hofisi Yebazi YemuZimbabwe Yasvitsa Makore 75

Hofisi Yebazi YemuZimbabwe Yasvitsa Makore 75

Pakasvika mwedzi waSeptember 2023, pakanga pava nemakore 75 kubva pakatanga kuva nehofisi yebazi muZimbabwe yeZvapupu zvaJehovha. Pari zvino, hofisi iyi iri muHarare, guta guru reZimbabwe.

Zvapupu zvaJehovha pazvakatanga kuparidza muZimbabwe, hofisi yebazi reSouth Africa ndiyo yaiona nezveungano dzaiva muZimbabwe. Muna 1932, bazi reSouth Africa rakatumira mapiyona 4 kuti anoita mushandirapamwe wekuparidza muZimbabwe, iyo yaizivikanwa seSouthern Rhodesia. Vanhu vakawanda vakaratidza kufarira.

Kubva kuruboshwe tichienda kurudyi: Eric Cooke, Myrtle Taylor, Phyllis Kite, Ruby Bradley, naGeorge Bradley

Muna November 1940, nyaya dzezvematongerwo enyika uye hondo yakaitika pasi rese zvakaita kuti mabhuku edu abhanwe. Takanga tisisabvumirwi kuapinza munyika kana kuapa vamwe. Mumakore iwayo, hama dzakawanda dzakasungwa nekuti dzaisapindira mune zvematongerwo enyika. Asi hama dzedu dzakaramba dzichiparidza mashoko akanaka nekungwarira uye dzakabudirira chaizvo. Pashure pemakore 6, takabvumirwazve kupinza mabhuku edu munyika uye kuapa vamwe. Pasina nguva, nhamba yevaparidzi muZimbabwe yakawedzera zvakapetwa katatu kusvika ku3 500.

Pakarongwa kuti pave nehofisi yebazi muguta reBulawayo kuti itsigire basa iri rakanga richiwedzera. Hofisi yacho yakatanga kushanda musi wa1 September 1948. Hama Eric Cooke ndivo vakagadzwa kuti vave muranda webazi wekutanga. Nekufamba kwenguva, George naRuby Bradley, Phyllis Kite, naMyrtle Taylor, avo vaiva mamishinari akanga apinda chikoro cheGiriyedhi vakatumirwa kuti vanoshumira pabazi reZimbabwe.

Vamwe vari mumhuri yeBheteri remuZimbabwe vanoshanda nesimba. Kubva kuruboshwe tichienda kurudyi: Hama iri kugadzira zvekudya zvemhuri yeBheteri, boka riri kushandura muMutauro Wemasaini wemuZimbabwe uye hanzvadzi iri kudzura uswa mumaruva

Nekufamba kwaiita makore, nhamba yevaparidzi muZimbabwe yakaramba ichiwedzerawo. Izvi zvakaita kuti zvimwe zvivakwa zvitengwe kuitira kuti zvishandiswe pabasa iri rakanga richiwedzera.

Mabhuku ari mune mimwe mitauro 10 inoshandiswa mundima yebazi reZimbabwe

Hofisi yebazi iri kushandiswa iye zvino yakavakirwa muHarare uye yakakumikidzwa muna December 1998. Hofisi iyi inotungamirira basa rekushandura mumitauro 7 uye inoona nezveungano dzinopfuura 960 mundima yebazi racho. Hama nehanzvadzi dzinopfuura 46 000 dziri kushumira munyika yacho uye vanhu vanosvika 120 702 vakapinda musangano wekuyeuka rufu rwaKristu muna 2023.

Tinofara chaizvo patinoona vanhu vakawanda vachiuya musangano raJehovha muZimbabwe. Izvi zvinoratidza kuti ‘maziso aJehovha nemwoyo wake zvichagara zviri’ pane vaya vakavimbika kwaari.—2 Makoronike 7:16.