Enda pane zvauri kuda

Nechepamusoro, kubva kuruboshwe tichienda kurudyi: Hama Nikolay Dikhtyar naAndrey Lyakhov

Nechepazasi, kubva kuruboshwe tichienda kurudyi: Hama Yuriy Ponomarenko naOleg Sergeyev

29 MAY 2023
RUSSIA

Mazano eBhaibheri Ari Kubatsira Hama Kutsungirira Kutambudzwa

Mazano eBhaibheri Ari Kubatsira Hama Kutsungirira Kutambudzwa

Dare rePozharskiy District Court of Primorsky rava pedyo kupa mutongo waro panyaya ine chekuita naHama Nikolay Dikhtyar, Andrey Lyakhov, Yuriy Ponomarenko, naOleg Sergeyev.

Nhoroondo Yeupenyu

Tinoziva kuti kungofanana naAndrey, Nikolay, Oleg, naYuriy, tichava ‘nezvese zvatinoda pakuita mabasa ese akanaka’ kana tikashandisa mazano eBhaibheri muupenyu hwedu.—2 Timoti 3:16, 17.

Zvinhu Zvakaitika

  1. 16 July 2021

    Mapurisa akatanga kuongorora Yuriy achimuti akapara mhosva. Aifungidzirwa kuti aironga mabasa esangano rinonzi rinopandukira hurumende

  2. 22 July 2021

    Imba yaYuriy yakasechwa

  3. 24 July 2021

    Yuriy akarambidzwa kuita nzendo

  4. 1 November 2021

    Imba yaOleg yakasechwa

  5. 2 November 2021

    Oleg akarambidzwa kuita nzendo

  6. 12 February 2022

    Oleg akatanga kupomerwawo mhosva

  7. 14 March 2022

    Nikolay akatanga kupomerwawo mhosva

  8. 15 March 2022

    Andrey akatanga kupomerwawo mhosva

  9. 10 August 2022

    Nyaya yacho yakatanga kutongwa mudare