Enda pane zvauri kuda

Nzvimbo itsva yekuitira zvikoro zvesangano iri kuMadagascar ine chivakwa chichashandiswa sekirasi (kuruboshwe) uye dzimba dzekugara (kurudyi)

5 JULY 2023
MADAGASCAR

Nzvimbo Yekuitira Zvikoro zveSangano Inokumikidzwa kuMadagascar

Nzvimbo Yekuitira Zvikoro zveSangano Inokumikidzwa kuMadagascar

Musi wa27 May 2023, nzvimbo itsva yekuitira zvikoro zvesangano yakakumikidzwa muAntananarivo kuMadagascar paImba yeUmambo iri pedyo nenzvimbo yacho. Hama Kenneth Cook, Jr., vari muDare Rinotungamirira vakapa hurukuro yaiva nemusoro unoti “Chivakwa Chinorumbidza Jehovha” pavaikumikidza nzvimbo yacho. Zuva rakatevera racho, pakava nepurogiramu inokosha yakaitwa paImba yeMagungano uye yakatepfenyurwa kuvanhu vanopfuura 45 000.

Hama Kenneth Cook, Jr., (kuruboshwe) vachipa hurukuro yekukumikidza vaine muturikiri wavo

Kubva muna December 1999, zvikoro zvesangano zvaiitirwa pahofisi yebazi reMadagascar. Asi nekufamba kwaiita nguva, nzvimbo iyi yakanga yava diki nekuti hama nehanzvadzi dzakawanda dzakanga dziri kuzvipira kuti dziwedzere basa radzo. Saka muna July 2020, nzvimbo yakakura 1 348 square-meters yakatengwa pedyo nebazi. Pasina nguva, basa rekuvaka rakabva ratotanga. Basa racho rakapera mumakore maviri chete pasinei nechirwere cheCOVID-19. Nzvimbo yacho ine zvivakwa zviviri. Pane chivakwa chinoshandiswa kuitira zvikoro uye chimwe chekuti vadzidzi nevarayiridzi vagare. Makirasi eChikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo uye eChikoro Chevatariri Vematunhu Nemadzimai Avo achaitirwa panzvimbo iyi.

Sezvo sangano raJehovha riri kuramba richidzidzisa vanhu, hama nehanzvadzi dzedu dzichava neunyanzvi ‘hwekutsanangura zvinhu zvemweya dzichishandisa mashoko emweya.’—1 VaKorinde 2:13.