Enda pane zvauri kuda

5 JULY 2023
KENYA

Mutongo Unodzivirira Kodzero Dzekunamata Dzevana Vechikoro muKenya

Mutongo Unodzivirira Kodzero Dzekunamata Dzevana Vechikoro muKenya

Musi wa12 May 2023, dare reKenya’s Court of Appeal rakapa mutongo unokosha unodzivirira kodzero dzekunamata dzevana vechikoro munyika yacho. Pasinei nekuti mutemo wemuKenya unoti hapana munhu anofanira kumanikidzwa kuita chinhu chinopesana nezvaanotenda, kubva muna 2015 vana veZvapupu zvaJehovha vanosvika 41 vakadzingwa chikoro kana kumbomiswa chikoro nekuti vairamba kuita zvinhu zvechitendero kuchikoro.

Mutongo wakapiwa nedare reCourt of Appeal une chekuita nenyaya yakaitika muna 2017. Zvapupu 9 zvakaramba kuita zvechitendero kuchikoro. Izvi zvakaita kuti nyaya yacho ikwidzwe kumatare. Muna 2019, rimwe dare rakapa mutongo wekuti vakuru vechikoro chacho havana kukanganisa kodzero dzevana pavakavamanikidza kuita zvechitendero. Asi musi wa12 May 2023, dare reKenya’s Court of Appeal rakaona kuti zvakaitwa nevakuru vechikoro ichi “hazviremekedzi kodzero [yevana] yekuti vadzidze uye varemekedzwe.” Rakatiwo mitemo inoita kuti Zvapupu zvaJehovha zvimanikidzwe kubatanidzwa pane zvinhu zvezvimwe zvitendero “ndeyerusarura, haisi pamutemo uye haifaniri kutevedzerwa.” Mumwe mutongi akabatanidzwa panyaya yacho akati: “Mutongo wapiwa nedare iri ndewekuti ubatsire zvikoro kuziva kodzero dzevana panyaya dzezvitendero.”

Mutongo uyu unosimbisa zvakanyorwa muna March 2022 nebazi rehurumende rinoona nezvedzidzo munyika yeKenya zvekuti vakuru vezvikoro vanofanira kuremekedza kodzero dzekunamata dzevadzidzi vese zvavo. Nemhaka yemutongo uyu, Kenya yava pakati pedzimwe nyika dzemuAfrica dzinosanganisira Malawi neRwanda, dzakapa mutongo inodzivirira kodzero dzevana vari Zvapupu.

Vechidiki vedu vari munyika yeKenya uye vari pasi rese vanogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha anodada navo nekuramba kwavanoita vachitsigira kunamata kwakachena!—Zvirevo 29:25.