Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

HÅKAN DAVIDSSON | NYAYA YEUPENYU

Kubatsira Pakuparadzira Chokwadi cheBhaibheri

Kubatsira Pakuparadzira Chokwadi cheBhaibheri

 Ndakaberekerwa kuSweden uye ndiko kwandakakurira. Pandaiyaruka, ndakatanga kutevedzera vanhu vaitenda kuti Mwari haako. Saka baba vangu, amai vangu nehanzvadzi yangu pavakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, ndaisambozvifarira.

 Baba vangu vakaramba vachindikurudzira kuti ndidzidzewo Bhaibheri uye ndakazosarudza kudzidza. Ndakabayiwa mwoyo nechokwadi chinotaurwa neBhaibheri panyaya dzesainzi. Nekufamba kwenguva, ndakatanga kubvuma kuti Bhaibheri iShoko raMwari uye kuti Zvapupu zvaJehovha zvinodzidzisa chokwadi uye zvinorarama maererano nezvarinotaura. Ndakabhabhatidzwa muna 1970, musi mumwe chete wakabhabhatidzwawo baba vangu. Amai vangu nehanzvadzi dzangu mbiri vakazobhabhatidzwa makore akazotevera.

 Vakawanda vezera rangu vaingoda zvemafaro. Kutaura chokwadi, pandaiva nemakore 17, ndakatombochivawo upenyu ihwohwo hwemafaro. Asi murume nemudzimai vaidzidza neni Bhaibheri vaifara chaizvo uye vaigutsikana neupenyu hwavo vari mubasa renguva yakazara, saka ndakanzwa ndichida kuvatevedzera. Ndakazotangawo basa renguva yakazara ndava nemakore 21.

Ndakabhabhatidzwa musi mumwe chete wakabhabhatidzwa baba vangu (vari kuruboshwe)

 Kupayona kwaiita kuti ndifare chaizvo zvekuti ndakazvidemba kuti dai ndakatanga kare. Ndainyanya kunakidzwa nekuparidza pachiteshi chengarava cheGöteborg. Pachiteshi ichi ndaiparidzira vashandi vemungarava vaitaura mitauro yekune dzimwe nyika.

 Mumakore 50 adarika, ndakawana mukana wekuita kuti vanhu vanzwe mashoko akanaka mumitauro yakasiyana-siyana. Regai ndikutsanangurirei kuti zvakatanga sei.

Kubatsira Pabasa Rekugadzira MEPS

 Kuti ndiwane mari yekuzviriritira ndichiita basa rekupayona, ndine mazuva andaishanda satypographer. Panguva iyoyo vanhu vakanga vava kuchinja maitiro avaiita basa rekuprinda. Pane kuti vashandise twusimbi twemabhii pakuprinda mashoko, vakanga vava kushandisa michina inokwanisa kuita zvekutora mapikicha zvinhu zvinenge zvichida kuprindwa zvakadai semashoko nemifananidzo. Ndakadzidzira kushandisa michina yakanga ichangobva kuburwa kuti ndigadzire ndiro dzekushandisa pakuprinda.

Pamuchato wedu

 Muna 1980, ndakachata naHelene aiva piyona, aifarirawo kuonana nevanhu vanobva kunyika dzakasiyana-siyana uye kudzidza tsika dzavo. Taiva nechido chekuzopinda Chikoro cheGiriyedhi tozoshanda semamishinari.

 Sezvo ndaiziva basa retypography, ini naHelene takakokwa kuti tinoshanda paBheteri muSweden. Sangano raida kushandisa nzira itsva dzakanga dzavapo kuitira kuti basa rekuprinda rive nyore uye risatora nguva. Saka muna 1983, takaendeswa kuBheteri rekuWallkill kuti tinodzidziswa kushandisa purogiramu itsva yaigadzirwa nehama inonzi Multilanguage Electronic Phototypesetting System (MEPS) a.

Tichishandisa michina yeMEPS kuHong Kong, Mexico, Nigeria, neSpain

 Takaona kuti MEPS yaiva purogiramu yekombiyuta inoita kuti mashoko akwanise kunyorwa nearufabheti yemitauro yakasiyana-siyana, uye inoita kuti mapikicha aiswe paanofanira kuenda zvogadzirwa kuita mapeji anokwanisa kuprindwa. Basa redu raiva rekuzobatsira pakugadzira imwe arufabheti tichishandisa MEPS kutira kuti mabhuku edu azoprindwa mumitauro yakawanda. Iye zvino padarika makumi emakore uye Zvapupu zvaJehovha zvava kubudisa mabhuku mumitauro inopfuura 1 000

 Nekufamba kwenguva, ini naHelene takanzi tiende kuAsia kwataizonobatsira pakuwedzera mimwe mitauro mupurogiramu yeMEPS. Yaiva ropafadzo yakakura chaizvo kuti tinobatsira kuti vanhu vawane mashoko akanaka mumitauro yakawanda!

Kudzidza Tsika Itsva

 Muna 1986, ini naHelene takasvika kuIndia. Taitofanira kujaira tsika dzakasiyana chaizvo nedzedu! Patakasvika muBombay, iyo yava kunzi Mumbai, takavhiringidzika chaizvo nekuona zvinhu zvatakanga tisina kujaira. Tsika dzekuSweden nedzekuIndia dzakanga dzakatosiyana zvachose! Muvhiki rekutanga takafunga kudzokera kumba.

 Asi pakazopera vhiki racho, takabvumirana kuti: ‘Tagara tichida kuita mamishinari. Saka zvatapiwa mukana wekushanda kune imwe nyika hatifaniri kukanda mapfumo pasi. Tinofanira kujaira upenyu hwekuno.’

 Saka pane kuti tidzokere kumba, takasarudza kudzidza zvakawanda nezveupenyu hwekuIndia. Izvi zvakaita kuti titange kunakidzwa nekugara ikoko. Takatodzidzira mitauro 2 yekuIndia, chiGujarati nechiPunjabi.

Kuenda kuMyanmar

Takapfeka hembe dzekuMyanmar paImba yeUmambo yekuMyanmar

 Muna 1988, takanzi tiende kuMyanmar, nyika iri pakati peChina, India, neThailand. Nyika yacho yakanga isina kugadzikana mune zvematongerwo enyika uye chikamu chakakura chenyika yacho chaitongwa nemasoja. MEPS yakanga isati yava nemavara anoshandiswa pakunyora mutauro wavo uye hapana imwe purogiramu yekombiyuta yaiva nawo. Saka basa ratakatanga kuita raiva rekugadzira mavara aizoshandiswa pakugadzira arufabheti yacho itsva todzokera nawo kuWallkill kuti aiswe muMEPS.

 Patakaenda kunhandare yendege, Helene ainge akaisa mapepa aiva nearufabheti yacho mubhegi raainge akabata. Munyika iyi yainge isina kugadzikana mune zvematongerwo enyika, taigona kusungwa kudai mapurisa akatibata takatakura mapepa emutauro wekuMyanmar. Asi Helene paakasechwa, akangosimudza maoko ake akabata bhegi racho. Hapana akambozviona kuti aiva nebhegi!

MEPS yakatibatsira kuvandudza kuronga kwataiita mashoko nemifananidzo kuti zvibude zvakanaka

 Vashanduri vekuMyanmar vakapiwa arufabheti iyi itsva uye vakapiwawo makombiyuta nemichina yekuprinda vachibva vadzidziswa kushandisa MEPS. Vakawanda vavo vakanga vasina kumboona kombiyuta asi vaiva nechido chekudzidza zvinhu zvitsva. Pasina nguva, vakanga vasingachashandisi nzira dzekare pakuprinda. Izvi zvakaita kuti mabhuku edu avandudzike.

Kuenda kuNepal

 Muna 1991, ini naHelene takanzi tiende kunobatsira kuNepal, nyika iri kumaodzanyemba kwemakomo eHimalaya. Panguva iyoyo, munyika yacho maingova neungano imwe chete uye kwaingova nemabhuku mashoma mumutauro weko.

 Pasina nguva, mamwe mabhuku akashandurirwa mumutauro weko uye akatanga kupiwa vanhu mundima yacho. Iye zvino, muNepal mava neZvapupu zvinenge 3 000 neungano dzinopfuura 40, uye vanhu vanopfuura 7 500 vakapinda Chirangaridzo cherufu rwaKristu muna 2022!

Bhurocha rechiLahu

 Kuma1990, mamishinari aiva muguta reChiang Mai, kuThailand, akatanga kuparidzira vanhu vanotaura chiLahu. ChiLahu chinotaurwa nevanhu vanogara pedyo neChina, Laos, Myanmar, Thailand uye Vietnam. Asi takanga tisina mabhuku mumutauro iwoyo.

 Mumwe murume wechidiki aidzidza Bhaibheri nemamishinari, akashandura bhurocha rainzi “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva” kubva mumutauro wechiThai achiriisa muchiLahu. Iye nevamwe vaitaura chiLahu vakaunganidza mari ndokutumira bhurocha riya nemari yacho kuhofisi yebazi. Vakanyorawo tsamba vachitaura kuti, vaida kuti vanhu vese vanotaura chiLahu vakwanise kunzwa chokwadi chavakanga vadzidza mubhurocha racho.

 Makore mashoma akazotevera, ini naHelene takava neropafadzo yekudzidzisa vashanduri vechiLahu kuti vashandise MEPS. Mumwe wevashanduri vacho ainge achangobva kubhabhatidzwa uye aishanda pahofisi yeshanduro muChiang Mai. Zvakatishamisa patakazoziva kuti ndiye murume wechidiki uya ainge ashandurira bhurocha ‘raTarirai!’ mumutauro wechiLahu!

 Muna 1995, ini naHelene takadzokera kuIndia uye takanoshanda nevashanduri pahofisi yebazi tichivabatsira kuti vakwanise kushandisa MEPS pakuita basa ravo. Iye zvino, kwava nemabhuku mumitauro yakawanda yeko anodiwa kuti vanhu vadzidze uye vafambire mberi kusvika pakubhabhatidzwa.

Upenyu Hunogutsa

 Ini naHelene takatanga kushanda pabazi rekuBritain kubva muna 1999. Tinoshanda pamwe chete neboka rinoita zveMEPS Programming riri kumahofisi makuru. Tiri kufara chaizvo kuparidzira vanhu vanotaura chiGujarati nechiPunjabi muno muLondon! Pese panobuda mutauro mutsva pajw.org, tinotsvaga mikana yekuti tiparidzire vanhu vari mundima yedu vanotaura mutauro iwoyo.

 Ndinofara chaizvo kuti pandaikura ndakava nezvinangwa zvekushumira Jehovha uye handina kungotevedzera zvaiitwa nevezera rangu. Ini naHelene hatimbozvidembi nekusarudza kwatakaita kupinda mubasa renguva yakazara. Takanakidzwa nekushanyira nyika dzinopfuura 30 tichizvionera tega kuti mashoko akanaka ari kusvika kuvanhu vemarudzi ese nemadzinza nendimi!—Zvakazarurwa 14:6.

a Iye zvino yava kunzi Multilanguage Electronic Publishing System. MEPS inoshandiswawo pakubudisa mabhuku ekuverengera pafoni.