Enda pane zvauri kuda

Mirayiridzo Yemusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu

Mirayiridzo Yemusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu

Zviri Mukati

 Kutanga Kukurukura Nevanhu 7

 Mashoko Ekugumisa 17

 Mamwe Makirasi 26

1. Mirayiridzo ino ichabatsira vese vanenge vaine zvekuita pamusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu. Vanofanira kuverenga mirayiridzo ine chekuita nechikamu chavo muPurogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa uyewo iri pabepa rino vasati vatanga kugadzirira. Vaparidzi vese vanofanira kukurudzirwa kuti vanyoresewo kuti vazoita zvikamu zvevadzidzi. Vamwewo vanenge vachipinda misangano nguva dzese vanogona kunyoresa kana vachibvumirana nezvinodzidziswa neBhaibheri uye vachirarama maererano nezvarinotaura. Kana munhu asiri muparidzi akati anodawo kuita zvikamu zvevadzidzi, mutariri Wemusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu anofanira kukurukura naye zvinodiwa kuti akwanise kuita zvikamu zvacho, omuudza kuti anokwanisa kuzviita here kana kuti kwete. Anofanira kukurukura naye paine munhu ari kumudzidzisa Bhaibheri (kana kuti paine mubereki ari Chapupu). Zvinodiwa zvacho zvakafanana nezvinotarisirwa kumunhu anenge achida kuva muparidzi asina kubhabhatidzwa.—od chits. 8 ndima 8.

 MASHOKO EKUSUMA

2. Miniti imwe chete. Vhiki yega yega, panopera rwiyo nemunyengetero zvekutanga, sachigaro weMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu achaita kuti vanhu vatarisire kunzwa zvichadzidzwa. Sachigaro anofanira kutaura pfungwa dzichanyanya kubatsira ungano.

  PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

 3Hurukuro: Maminitsi 10. MuPurogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa, munenge muine musoro wehurukuro yacho uye pfungwa mbiri kana nhatu dzinokosha. Hurukuro iyi inofanira kupiwa nemukuru, kana kuti mushumiri weungano anogona kudzidzisa. Patinotanga rimwe bhuku reBhaibheri pakuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki, pacharatidzwa vhidhiyo inosuma bhuku racho. Mukurukuri anogona kutaura pfungwa dziri muvhidhiyo dzinoenderana nemusoro wehurukuro yacho. Asi anofanira kuva nechokwadi chekuti ataura pfungwa dzese dzehurukuro yake dzinenge dziri muPurogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa. Kana nguva iripo, anofanirawo kushandisa mapikicha aripo, ayo akagadzirirwa kuti pfungwa dzinenge dzichitaurwa dzinyatsojeka. Anogona kushandisa dzimwe pfungwa dziri mune zvimwe zvinyorwa kana zvichibatsira pakujekesa pfungwa dziri muhurukuro yake.

 4Kuchera Pfuma muShoko raMwari: Maminitsi 10. Chikamu ichi ndechemibvunzo nemhinduro, uye hachina sumo kana mhedziso. Chinofanira kupiwa nemukuru kana kuti mushumiri weungano anogona kudzidzisa. Mukurukuri anofanira kubvunza vateereri mibvunzo yese. Uyewo anogona kusarudza kuti mavhesi acho overengwa here kana kuti kwete. Vanenge vawana mukana wekupindura vanofanira kutaura kwemasekonzi 30 zvichidzika.

 5Kuverenga Bhaibheri: Maminitsi 4. Chikamu ichi chinofanira kupiwa nemunhurume. Mudzidzi wacho anofanira kuverenga asingapi sumo kana mhedziso. Sachigaro wemusangano wacho achabatsira vadzidzi kuti vaverenge zvakarurama, varatidze kuti vari kunzwisisa zvavari kuverenga, vatsetsenure, vasimbise pfungwa zvakakodzera, vasiyanise inzwi, vatevedzere nyora dzemitauro, uye vaverenge inzwi ravo richinzwika sematauriro avanoita mazuva ese. Zvimwe zvikamu zvekuverenga Bhaibheri zvinenge zviine mavhesi akawanda, saka mutariri weMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu anofanira kuyeuka izvi paanenge achironga vadzidzi.

 SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

6. Maminitsi 15. Chikamu ichi ndechekubatsira vanhu vese kuti vawane mukana wekudzidzira zvavachaita muushumiri uye kuvandudza unyanzvi hwavo hwekukurukura nevanhu uye kuparidza nekudzidzisa. Vakuru vanogonawo kumbopiwa zvekuita pazvikamu zvevadzidzi. Muparidzi mumwe nemumwe anofanira kushandira papfungwa inenge ichiratidzwa muzvikomberedzo pachikamu chake. Pfungwa dzacho dzinobva mubhurocha raKudzidzisa kana kuti raIva Nerudo Nevanhu. Dzimwe nguva panenge paine chikamu chakanzi “Kukurukura nevateereri.” Chikamu ichi chinofanira kuitiswa nemukuru kana kuti mushumiri weungano anogona kudzidzisa.—Ona  ndima 15 kuti uone kuti chikamu chakanzi ‘Kukurukura nevateereri’ chinoitiswa sei.

 7Kutanga Kukurukura Nevanhu: Chikamu ichi chinogona kupiwa nemunhurume kana kuti nemunhukadzi. Kana chikapiwa munhurume, mubatsiri wacho anofanirawo kunge ari munhurume, kunze kwekunge ari munhu wemumhuri make. Kana chikapiwa munhukadzi, mubatsiri wacho anofanira kuvawo munhukadzi, kunze kwekunge ari munhu wemumhuri make. Mudzidzi wacho nemubatsiri wake vanogona kukurukura vakagara kana kuti vakamira. Kuti uwane mamwe mashoko nezvechikamu ichi, ona  ndima 12 ne 13.

 8Kudzokera Kuvanhu Vakaratidza Kufarira: Chikamu ichi chinogona kupiwa nemunhurume kana kuti nemunhukadzi. Kana chikapiwa munhurume, mubatsiri wacho anofanirawo kunge ari munhurume uye kana chikapiwa munhukadzi, mubatsiri wacho anofanirawo kunge ari munhukadzi. (km 5/97 p. 2) Mudzidzi wacho nemubatsiri wake vanogona kukurukura vakagara kana kuti vakamira. Mudzidzi wacho anofanira kuratidza kuti zvii zvinofanira kutaurwa patinodzokera kunoona vanhu vakaratidza kufarira. Kuti uwane mamwe mashoko nezvechikamu ichi, ona  ndima 12 ne 13.

 9Kuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi: Chikamu ichi chinogona kupiwa nemunhurume kana kuti nemunhukadzi. Kana chikapiwa munhurume, mubatsiri wacho anofanirawo kunge ari munhurume uye kana chikapiwa munhukadzi, mubatsiri wacho anofanirawo kunge ari munhukadzi. (km 5/97 p. 2) Mudzidzi wacho nemubatsiri wake vanogona kukurukura vakagara kana kuti vakamira. Chikamu ichi chinofanira kuratidza chidzidzo cheBhaibheri chinenge chitori pakati pekuitiswa. Mudzidzi haafaniri hake kutaura mashoko ekusuma kana kuti emhedziso kunze kwekunge ari kushandira papfungwa iyoyo. Havafaniri havo kuverenga ndima dzese dzinenge dziri pachikamu ichi, asi kana vachida vanogona kudziverenga.

 10Kutsanangura Zvaunotenda: Kana chikamu ichi chiri hurukuro, chinofanira kupiwa nemunhurume. Kana chiri muenzaniso, chinogona kupiwa nemunhurume kana kuti nemunhukadzi. Kana chikapiwa munhurume, mubatsiri wacho anofanirawo kunge ari munhurume, kunze kwekunge ari munhu wemumhuri make. Kana chikapiwa munhukadzi, mubatsiri wacho anofanira kuvawo munhukadzi, kunze kwekunge ari munhu wemumhuri make. Mudzidzi anofanira kushandisa mashoko ari muchinyorwa chiri pachikamu chake kupa mhinduro yakajeka yemubvunzo uripo, asi achizviita nekungwarira. Anogonawo kusarudza kushandisa chinyorwa chacho kana kusachishandisa paanenge achitoita chikamu chake.

 11Hurukuro: Chikamu ichi chinofanira kupiwa munhurume. Kana hurukuro yacho iri kubva pamashoko ekuwedzera A mubhurocha raIva Nerudo Nevanhu, mudzidzi anofanira kuratidza kuti mavhesi acho angashandiswa sei muushumiri. Semuenzaniso, anogona kutsanangura kuti vhesi yacho ingashandiswa papi, zvainoreva uye kuti tingakurukura sei nemunhu zviri muvhesi yacho. Kana hurukuro yacho ichibva pane imwe pfungwa iri mune chimwe chezvidzidzo zviri mubhurocha raIva Nerudo Nevanhu, mudzidzi anofanira kunyanya kutaura kuti tingashandisa sei pfungwa yacho muushumiri. Anogona kushandisa muenzaniso uri papfungwa 1 yechidzidzo chacho, kana kushandisa mamwe mavhesi ari muchidzidzo chacho, kana zvichibatsira.

   12Zvekutaura: Mashoko ari mundima ino neinotevera anoshanda pachikamu chakanzi “Kutanga Kukurukura Nevanhu” uye chakanzi “Kudzokera Kuvanhu Vakaratidza Kufarira.” Kunze kwekunge paine zvimwe zvataurwa, chinangwa chemudzidzi ndechekuudza munhu chimwe chokwadi cheBhaibheri chingashanda muupenyu hwake uye kusiya pekutangira kuti vazokurukura zvakare. Mudzidzi anofanira kusarudza nyaya inoshanda mundima yavo uye inoenderana nenguva. Anogona kusarudza kutaura nezvechimwe chinyorwa kana vhidhiyo iri muBhokisi Rematurusi Ekudzidzisa kana kurega. Pane kuti vangoita mharidzo yavakaita zvekubata nemusoro, vadzidzi vanofanira kudzidzira unyanzvi hwekukurukura nevanhu hwakasiyana-siyana hwakadai sekuratidza kufarira vanhu uye kutaura sezvavanongoita mazuva ese.

   13Marongero: Mudzidzi anofanira kushandisa marongero aakapiwa pachikamu chake asi oita kuti zvienderane nendima yenyu. Semuenzaniso:

  1.  (1) Paimba Neimba: Izvi zvinosanganisira kuparidza paimba neimba, ungava uchishandisa foni, tsamba kana kuita zvekuenda pamba pacho. Zvinosanganisirawo kudzokera kunoona munhu akaratidza kufarira wawakaona pawaiparidza paimba neimba.

  2.  (2) Kuparidza Zvisina Kurongwa: Pamarongero aya, muparidzi anoshandisa mikana yaanowana paanenge achitaura dzimwewo nyaya nevanhu kuti aparidze. Izvi zvinosanganisira kutaura imwe pfungwa iri muBhaibheri kune vaya vaunosangana navo kubasa, kuchikoro, kwaunogara, mumabhazi kana kuti paunenge uchiitawo zvimwe zvinhu.

  3.  (3) Kuparidza Munzvimbo Dzinowanika Vanhu Vakawanda: Izvi zvinosanganisira kuparidza nechingoro, kuparidzira vanhu vanenge vari pamabasa avo, kuparidza mumigwagwa, mumapaki, munopakwa motokari kana kuti chero kumwe kungawanikwa vanhu.

 14Kushandisa Mavhidhiyo Nezvimwe Zvinyorwa: Zvichienderana nemamiriro ezvinhu, mudzidzi anogona kusarudza kushandisa imwe vhidhiyo kana chimwe chinyorwa. Kana chikamu chemudzidzi chiine vhidhiyo, kana kuti mudzidzi akasarudza kushandisa imwe vhidhiyo, anofanira kungoita seari kuratidza munhu vhidhiyo yacho voikurukura, asi haafaniri hake kubva atomuratidza vhidhiyo yacho.

  KURARAMA KWECHIKRISTU

15. Pashure perwiyo, maminitsi 15 anozotevera achange aine chikamu chimwe chete kana zviviri zvichabatsira vateereri kuti vangashandisa sei Shoko raMwari. Zvikamu izvi zvinogona kupiwa nevakuru, kana kuti vashumiri veungano vanogona kudzidzisa, kunze kwekunge pakanyorwa kuti ndiani anofanira kupa. Asi chikamu chakanzi zvemuungano yenyu chinofanira kupiwa nemukuru. Kana chiri chikamu chekukurukura nevateereri mukurukuri anogona kubvunza mimwe mibvunzo muhurukuro yacho yese kuwedzera pane inenge yakanyorwa. Anofanira kuita kuti sumo yake ive pfupi kuitira kuti ave nenguva yekunyatsokurukura pfungwa huru uye yekuti vateereri vapindure. Kana paine vachabvunzwa zvinenge zvakanyanya kunaka kuti achabvunzwa wacho ange ari pachikuva kana zvichiita, pane kunge ari muvateereri.

  16Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano: Maminitsi 30. Chinofanira kupiwa mukuru anokwanisa kudzidzisa. (Kana paine vakuru vashoma, vashumiri veungano vanogona kudzidzisa vanogona kunzi vaitise.) Dare revakuru ndiro rinosarudza vanokwanisa kuitisa Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano. Vaya vanenge vanzi vaitise vanofanira kuitisa chidzidzo chacho nemazvo vasingadyi nguva, vachisimbisa magwaro ane pfungwa huru uye vachibatsira munhu wese kuti aone kushanda kwezviri kudzidzwa. Vanogona kubatsirwa kana vakaverenga mirayiridzo yatakapiwa ine chekuita nekuitisa zvikamu zvine mibvunzo nemhinduro. (w23.04 p. 24, bhokisi) Kana pfungwa huru dzepachikamu chiri kudzidzwa vhiki iroro dzabuda, hapana hapo chikonzero chekurebesa chidzidzo chacho uchiitira kuti nguva ikwane. Kana zvichiita, sarudzai vaitisi uye vaverengi vakasiyana-siyana vhiki imwe neimwe. Kana sachigaro akati chidzidzo chacho chipfupikiswe, muitisi achafanira kusarudza kuti achazviita sei. Anogona kusarudza kuti dzimwe ndima dzisaverengwa.

  MASHOKO EKUGUMISA

17. Maminitsi 3. Sachigaro weMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu achadzokorora pfungwa dzinobatsira dzinenge dzabuda pamusangano. Anofanirawo kutaura muchidimbu zvichakurukurwa vhiki rinotevera. Anogona kutaura mazita evadzidzi vevhiki rinotevera kana nguva ichiripo. Sachigaro anofanira kupa zviziviso uye kuverengera ungano tsamba paanenge achipa mashoko ake ekugumisa, kunze kwekunge paine mimwe mirayiridzo. Zvinhu zvinogara zvichiitwa, zvakadai sepurogiramu yekubuda mubasa remumunda uye yekuchenesa hazvifaniri kuziviswa pachikuva, asi zvinofanira kuiswa pabhodhi rezviziviso. Kana nguva yekuti sachigaro ataure mashoko ekugumisa isingakwani kuti ape zviziviso uye kuti averenge tsamba, anofanira kukumbira hama dzinenge dziine zvikamu paKurarama kwechiKristu kuti dzimusiyirewo nguva. (Onai  ndima 16 ne 19.) Musangano wacho uchapera nerwiyo nemunyengetero.

  KURUMBIDZA UYE KUPA ZANO

18. Panopera hurukuro imwe neimwe yevadzidzi, sachigaro weMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu ane inenge miniti imwe chete yekutaura zvakanaka zvaitwa uye kupa zano rinoenderana nepfungwa yanga ichishandirwa nemudzidzi. Paanosuma hurukuro yemudzidzi, haazivisi chidzidzo chaari kushandira. Asi mudzidzi paanenge apedza hurukuro yake uye audzwa zvakanaka zvaaita, sachigaro anogona kuzivisa chidzidzo chaanga achishandira, otaura kuti sei achiti mudzidzi aita zvakanaka kana kuti otsanangura nemutsa kuti nei zvakanaka kuti mudzidzi avandudze pachidzidzo ichocho uye kuti angazviita sei. Sachigaro anogona kutaura zvimwewo zvakanaka zvaanenge aona kana achifunga kuti zvinogona kubatsira mudzidzi kana kuti vateereri. Mudzidzi anogona kupiwa zano rinovaka rinobva mubhurocha raIva Nerudo Nevanhu, raKudzidzisa kana kuti mubhuku reChikoro Choushumiri. Zano racho rinogona kupiwa pasiri paruzhinji musangano wacho wapera kana kuti pane imwe nguva uye rinogona kunge riine chekuita nepfungwa yaanga achishandira kana kuti imwewo.—Onai  ndima 19,  24 ne 25 dzinotaura nezvebasa rasachigaro weMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu uye reanopa zano wechipiri.

 NGUVA

    19Hapana chikamu chinofanira kupfuudza nguva, kunyange mashoko asachigaro weMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu. Pasinei nekuti chikamu chimwe nechimwe chiri muPurogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa chinoratidza nguva inofanira kuitwa chikamu chacho, kana pfungwa dzinokosha dzabuda asi posara mamwe maminitsi, hapana chikonzero chekurebesa hurukuro yacho uchingoitira kuti nguva ikwane. Kana paine anenge apfuudza nguva, sachigaro weMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu kana kuti anopa zano wechipiri anofanira kumupa zano vari vega. (Onai ndima  24 ne 25.) Musangano wacho wese, kusanganisira nziyo neminyengetero zvinofanira kuita awa imwe chete nemaminitsi 45.

 PANOSHANYA MUTARIRI WEDUNHU

20. Kana ungano ichishanyirwa nemutariri wedunhu, musangano unofanira kuitwa sezviri muPurogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa. Zvinotevera chete ndizvo zvichachinja: Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano, icho chiri pachikamu cheKurarama kwechiKristu, chichatsiviwa nehurukuro yebasa yemaminitsi 30 inopiwa nemutariri wedunhu. Hurukuro yebasa isati yatanga, sachigaro weMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu achadzokorora muchidimbu purogiramu inenge ichangobva kuitwa, otaura muchidimbu nezvepurogiramu yevhiki rinotevera, opa zviziviso, overenga tsamba, obva azosuma mutariri wedunhu. Panopera hurukuro yebasa, mutariri wedunhu achagumisa musangano wacho nerwiyo rwaanenge akasarudza. Anogona kukumbira imwe hama kuti ipe munyengetero wekugumisa. Hapana mamwe makirasi anofanira kuitwa panoshanya mutariri wedunhu. Kana paine vari muboka remumwe mutauro rakabatana neungano inenge yashanyirwa nemutariri wedunhu, vanogona kuita musangano vari pavo vega. Asi vanofanira kuzobatana neungano kuti vanzwe hurukuro yebasa yemutariri wedunhu.

 VHIKI REGUNGANO REDUNHU KANA KUTI REMUNHARAUNDA

21. Muvhiki regungano redunhu kana remunharaunda, hapana misangano yeungano inoitwa. Vaparidzi vanofanira kuyeuchidzwa kuti vadzidze zvinenge zviri pamisangano yemavhiki iwayo semhuri kana kuti semunhu mumwe nemumwe.

 VHIKI RECHIRANGARIDZO

22. Kana kuri kuti Chirangaridzo chiri kuitwa mukati mevhiki, vhiki racho kunenge kusina musangano wepakati pevhiki.

 MUTARIRI WEMUSANGANO WEUSHUMIRI HWEDU UYE KURARAMA KWECHIKRISTU

23. Mukuru anenge akasarudzwa nedare revakuru achashanda seMutariri weMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu. Basa rake nderekuona kuti musangano uyu wakanyatsorongeka uye kuti uri kuitwa maererano nemirayiridzo iyi. Anofanira kugara achikurukura neanopa zano wechipiri. Kana Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa yangovapo, Mutariri weMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu acharonga vese vachava nezvekuita papurogiramu yemwedzi yacho miviri. Izvi zvinosanganisira zvikamu zvisiri zvevadzidzi, vanasachigaro vakatenderwa nedare revakuru, uyewo zvikamu zvevadzidzi. (Ona  ndima 3-16 uye  24.) Paanenge achironga zvikamu zvevadzidzi, anofanira kufunga nezvezera remudzidzi wacho, ruzivo rwake, uye kuti anokwanisa kutaura nyaya yacho akasununguka here. Anofanira kuitawo izvozvo paanenge achironga zvimwe zvikamu zvemusangano wacho.Vese vane zvekuita vanofanira kupiwa zvekuita pachiine mavhiki matatu kana kupfuura. Fomu reZvauchaita paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu (S-89) rinofanira kushandiswa pahurukuro dzevadzidzi. Mutariri weMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu anofanira kuva chokwadi chekuti purogiramu yevari pamusangano yaiswa pabhodhi remashoko. Dare revakuru rinogona kuronga kuti mumwe mukuru kana kuti mushumiri weungano amubatsire. Asi mukuru chete ndiye anofanira kushandiswa pakuronga hurukuro dzisiri dzevadzidzi.

    SACHIGARO WEMUSANGANO WEUSHUMIRI HWEDU UYE KURARAMA KWECHIKRISTU

24. Vhiki rega rega, mukuru mumwe chete achashanda sasachigaro weMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu. (Kana vakuru vari vashoma, panogona kushandiswa vashumiri veungano vanogona kudzidzisa.) Anofanira kugadzirira mashoko ekusuma neekugumisa. Achasuma zvikamu zvese, uye zvichienderana nekuti muungano macho mune vakuru vakawanda sei, anogonawo kuitisa zvimwe zvikamu, kunyanya zviya zvinenge zvingori nevhidhiyo zvisina kukurukura nevateereri. Anofanira kutaura mashoko mashoma pakusuma kana pakutenda vanenge vapa hurukuro. Dare revakuru ndiro richasarudza kuti vakuru vapi vanokwanisa kuita basa iri. Vakuru vanenge vachikodzera vachachinjana pakuita basa iri. Mutariri weMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu anogona kuva sachigaro kakati wandei kupfuura vamwe vakuru vese vanokwanisa zvichienderana nekuti ungano yenyu yakamira sei. Kana mukuru achikwanisa kuitisa Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano, anogona kunge achikwanisawo kuva sachigaro wemusangano uyu. Mukuru anenge ari sachigaro anofanira kuzotaura zvakanaka zvinenge zvaitwa nevadzidzi uye kuvapa zano zvine rudo pazvinenge zvakakodzera. Sachigaro anewo basa rekuona kuti musangano wapera nenguva. (Onai  ndima 17 ne 19.) Kana sachigaro achida uye kana pachikuva paine nzvimbo, anogona kushandisa imwe maikirofoni inenge iri pachikuva kuitira kuti paanenge achisuma chikamu chimwe nechimwe hama ine chikamu chacho inge yatomira papodhiyamu. Sachigaro anogonawo kugara kuchikuva vadzidzi pavanenge vachipa hurukuro dzavo. Izvi zvinogona kuchengetedza nguva.

   ANOPA ZANO WECHIPIRI

25. Kana zvichiita, zvakanaka kuti basa iri ripiwe mukuru ava neruzivo rwekukurukura. Basa reanopa zano wechipiri richava rekupa zano pasiri paruzhinji, kuvakuru kana kuti vashumiri veungano pazvinenge zvakakodzera pahurukuro chero ipi zvayo yavangapa, kusanganisira zvikamu zveMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu, hurukuro dzavose, uye kuverenga kana kuti kuitisa Chidzidzo cheNharireyomurindi neChidzidzo cheBhaibheri Cheungano. (Onai  ndima 19.) Kana muungano yenyu muine vakuru vakawanda vanonyatsokwanisa kukurukura uye kudzidzisa, vanogona kuchinjana gore rimwe nerimwe pakuita basa iri. Hapasi pese pekuti vakuru kana kuti vashumiri veungano vanofanira kupiwa zano pavanenge vaita zvikamu zvavo.

 MAMWE MAKIRASI

26. Zvichienderana nenhamba yevadzidzi, ungano dzinogona kuva nemamwe makirasi evadzidzi. Kirasi imwe neimwe inofanira kuva neanopa zano anonyatsogona kudzidzisa, uye zvinganaka kana akava mukuru. Pazvinenge zvakakodzera, mushumiri weungano anonyatsokwanisa kudzidzisa anogona kuita basa iri. Dare revakuru rinofanira kusarudza kuti ndiani anofanira kuita basa iri uye kuti ogara achiitisa ega here kana kuti ochinjana nevamwe. Anopa zano anofanira kutevedzera zviri  mundima 18. Kana pachizova nemamwe makirasi, vadzidzi vanofanira kuenda kumakirasi avo kana chikamu cheKuchera Pfuma muShoko raMwari chapera, icho chiri pasi pemusoro unoti Pfuma Iri muShoko raMwari. Vanofanira kubatana neungano yese panopera chikamu chekupedzisira chevadzidzi.

 MAVHIDHIYO

27. Pane mavhidhiyo achashandiswa pamusangano uyu. Mavhidhiyo aya achange achiwanika paJW Library® app pamatablet, mafoni nemakombiyuta.

© 2023 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania

S-38-CA 11/23