Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 MAZANO OKUTI MHURI IFARE

Taura Nemwana Wako Achiri Kuyaruka—Musingaitisani Nharo

Taura Nemwana Wako Achiri Kuyaruka—Musingaitisani Nharo

“Mwanasikana wangu akatanga kundipindura zvisina ruremekedzo paakanga ava nemakore 14. Pandaimuudza kuti, ‘Yava nguva yekudya,’ aigona kuti, ‘Ndichadya kana ndava kuda.’ Pandaimubvunza kuti apedza basa rake here, aigona kupindura kuti ‘Musandinetsa!’ Kakawanda taikwidzirana manzwi topopotedzana.”—MAKI, wokuJAPAN. *

Kana uri mubereki ane mwana ari kuyaruka, kuitisana nharo nderimwe rematambudziko akakura aunotarisana nawo semubereki, uye rinoda kuti uve nemwoyo murefu. Maria, amai vane mwana ane makore 14 vari kuBrazil vanoti, “Ndinonzwa hasha zvikuru mwanasikana wangu paanoratidza kusandiremekedza. Tinogumbuka zvokuti tinozopopotedzana.” Carmela, wokuItaly anewo dambudziko rakafanana. Anoti, “Tinogara tichiitisana nharo nemwanakomana wangu uye zvinozopedzisira zvaita kuti azvikiyire mukamuri rake.”

Nei vamwe vana vari kuyaruka vachiita sevane nharo zvikuru? Vezera ravo ndivo vanoita kuti zvidaro here? Zvingangodaro. Bhaibheri rinotaura kuti shamwari dzinogona kuita kuti munhu aite zvakanaka kana kuti zvakaipa. (Zvirevo 13:20; 1 VaKorinde 15:33) Uyewo, zvinovaraidza zvakawanda zvinofarirwa nevechiduku mazuva ano zvinokurudzira kupandukira uye kusaremekedza.

Asi pane zvimwewo zvinofanira kufungwa nezvazvo, uye hazvina kuoma kuzvigadzirisa kana ukangonzwisisa kuti zvinoita kuti mwana wako ari mumakore okuyaruka aite sei. Chimboona mimwe mienzaniso.

KUKURA ‘MUSIMBA ROKUFUNGA’

Muapostora Pauro akanyora kuti: “Pandaiva mucheche, ndaitaura somucheche, ndaifunga somucheche, ndairangarira somucheche; asi zvino zvandava murume, ndakarega miitiro youcheche.” (1 VaKorinde  13:11) Mashoko aPauro anoratidza kuti mafungiro anoita vana akasiyana neevanhu vakuru. Sei?

Zviri nyore kuti vana vangobvuma zvose zvose. Asi vanhu vakuru vanowanzokwanisa kunzwisisa zvinhu zvisiri pachena uye vanonyatsofungisisa pavanenge vachida kusarudza. Somuenzaniso, vanhu vakuru vanofunga zvakanakira chimwe chinhu kana kuti zvachakaipira, uye kuti zvavanoita zvichaita kuti vamwe vaite sei. Vanogona kunge vakatojaira kufunga saizvozvo. Asi vana vari kuyaruka vachiri kutotanga kudzidza kufunga saizvozvo.

Bhaibheri rinokurudzira vechiduku kuti vakudziridze ‘mano avo okufunga.’ (Zvirevo 1:4) Rinotokurudzira vaKristu vose kuti vashandise ‘simba ravo rokufunga.’ (VaRoma 12:1, 2; VaHebheru 5:14) Dzimwe nguva mano okufunga emwana wenyu ari kuyaruka anogona kuita kuti aite nharo nemi, kunyange panyaya inenge ichiita sediki. Kana kuti anogona kutaura mafungiro anonyatsoratidza kuti haana kururama. (Zvirevo 14:12) Kana zvadaro ungakurukura sei naye musingaiti nharo?

EDZA IZVI: Funga nezvokuti mwana wako angangova ari kudzidzira kushandisa mano ake okufunga, uye anogona kunge asina kutomboomerera pane zvaanofunga. Kuti uone zvaanonyatsofunga, tanga wamurumbidza nekushandisa kwaanoita mano ake okufunga. (“Ndinofarira mafungiro aunoita, kunyange zvazvo ndisingabvumirani nezvese zvaunosarudza.”) Ibva wamubatsira kuongorora mafungiro ake. (“Unofunga kuti zvawataura zvinoshanda nguva dzose here?”) Unogona kushamisika kuona mwana wako achiongororazve zvaanenge afunga uye achizvigadzirisa.

Unofanira kungwarira kuti paunokurukura nemwana wako usafunga kuti unotofanira kumuratidza kuti mafungiro ako chete ndiwo akarurama. Kunyange kana akaita seasingabvumirani nezvaunotaura, mwana wako anogona kutobatsirwa zvakanyanya zvausingambofungidziri nekukurukura kwamunenge maita. Usazoshamisika kuona mwana wako achinja mafungiro ake, ava kutotora pfungwa dzawakataura kuita sedzake.

“Dzimwe nguva ndaimboitisana nharo nemwanakomana wangu pazvinhu zvidiki-diki, zvakadai sokuti tisapambadza zvinhu uye kuti asadenha hanzvadzi yake. Asi kakawanda airatidza kuti aida kuti ndimubvunze zvaaifunga uye kuti ndimuratidze kuti ndaimunzwisisa, ndotaura mashoko akadai sokuti, ‘Hoo, ndiyo nyaya yacho’ kana kuti ‘Hoo, ndizvo zvauri kufunga.’ Iye zvino ndava kuona kuti dai ndaingotaura mashoko akadaro, pamwe tingadai tisina kuitisana nharo kakawanda.”—Kenji, wokuJapan.

KUDZIDZA KUVA MUNHU ANOZVIMIRIRIRA

Vabereki vakachenjera vanobatsira vana vavo kuti vasununguke kutaura mafungiro avo

Chinhu chikuru pakurera mwana achiri kuyaruka ndechokumubatsira kuti azokwanisa kurarama achizvimiririra kana akura. (Genesisi 2:24) Izvozvo zvinosanganisira kudzidza kuti anofanira kuva munhu akaita sei, kureva unhu hwake, zvaanotenda pamwe netsika dzaanofanira kuva nadzo. Kana akasangana nemuedzo wokuita zvakaipa, wechiduku anenge atosarudza mararamiro aanofanira kuita haangofungi nezvezvichazoitika chete. Asiwo achazvibvunza kuti: ‘Ndiri munhu akaita sei? Ndezvipi zvandinokoshesa? Munhu anokoshesa zvakafanana nezvandinokoshesa aizoita sei mumamiriro ezvinhu akadai?’—2 Petro 3:11.

Bhaibheri rinotiudza nezvaJosefa, murume wechiduku uyo aiziva kuti anofanira kuva munhu akaita sei. Paakanyengetedzwa zvakasimba nemudzimai waPotifari kuti arare naye, Josefa akapindura kuti: “Ndingaita seiko chinhu ichi chakaipa kwazvo, nditadzire Mwari?” (Genesisi 39:9) Kunyange zvazvo vaIsraeri vakanga vasati vapiwa mutemo wairambidza ufeve, Josefa akaziva maonero aMwari panyaya yacho. Uyewo, mashoko ekuti “ndingaita seiko,” anoratidza kuti Josefa akaita kuti maonero aJehovha ave maonero ake, achiziva kuti anofanira kuva munhu akaita sei.—VaEfeso 5:1.

Mwana wako achiri kuyaruka achiri kudzidzawo kuti anofanira kuva munhu akaita sei. Izvozvo zvakanaka nokuti zvichaita kuti adzidze kukunda miedzo inobva kune vezera rake, achigona kuzvimiririra. (Zvirevo 1:10-15) Asiwo kudzidza kwake kuzvimiririra uku kungaita kuti ade kumisidzana newe. Ungaita sei kana izvi zvikaitika?

EDZA IZVI: Pane kuti muitisane nharo, chingodzokorora pfungwa yake. (“Rega ndione kuti ndanyatsonzwisisa here. Wati . . . ”) Chimubvunza mibvunzo. (“Chii chinoita kuti ufunge saizvozvo?” kana kuti “Chii chakaita kuti usarudze izvozvo?”) Ita kuti mwana wako ataure. Murege atsanangure nei achifunga kuti pfungwa yake yakarurama. Kana mafungiro enyu akangosiyana pamusana pekuti munofarira zvakasiyana uye kana mwana wako asiri kusarudza zvakaipa, ratidza kuti unoremekedza maonero ake, kunyange kana usinganyatsobvumirani nawo.

Nyaya yekuziva kuti unofanira kuva munhu akaita  sei uye yokudzidza kuzvimiririra inongoitika kumunhu wose uye zvinotobatsira. Bhaibheri rinototi vaKristu havafaniri kuita sevana vaduku ‘vanongokandwa kwose kwose sokunge vanokandwa nemafungu uye vachitakurirwa kuno nokoko nemhepo yose yokudzidzisa.’ (VaEfeso 4:14) Saka bvumira uye itokurudzira mwana wako kuti adzidze kuva munhu akazvimiririra uye anoziva kuti anofanira kuva munhu akaita sei.

“Pandinoratidza vanasikana vangu kuti ndinoda kuvateerera, zvinoita kuti vadewo kuteerera zvandinofunga, kunyange kana zvakasiyana nemafungiro avo. Ndinongwarira kuti ndisavamanikidza kubvuma kuti vave nemafungiro angu asi kuti vave vanhu vakazvimiririra.”—Ivana, wokuCzech Republic.

USACHINJA-CHINJA ZVAUNENGE WATAURA, ASI IVA ANONZWISISA

Kungofanana nezvinoita vana vadiki, vamwe vana vari kuyaruka vakaona kuti kana vakaramba vachitaura nezvechimwe chinhu, vabereki vavo vanosvika pakuneta. Kana izvozvo zvichigaroitika mumba menyu, unofanira kungwarira. Kunyange zvazvo kukanda mapfumo pasi kuchiwanzoita kuti nyaya yacho imbopera kwenguva diki, izvozvo zvinodzidzisa mwana wako kuti kuita nharo ndiko kunoita kuti awane zvaanoda. Dambudziko racho ringapedzwa sei? Tevedzera zano raJesu rokuti: “Shoko renyu rokuti Hungu ngaringova Hungu, Aiwa wenyu, Aiwa.” (Mateu 5:37) Vana vari kuyaruka havazowanzoiti nharo newe kana vachiziva kuti hungu wako ndihungu.

Asi unofanirawo kuva munhu anonzwisisa. Bvumira mwana wako kuti atsanangure, zvakadai sokuti nei achifunga kuti nguva yamakamuti ndiyo yaanofanira kunge ava kumba ichifanira kuchinjwa dzimwe nguva. Kana ukadaro, unenge usiri kungobvuma nekuti aramba achitaura asi unenge uchitevedzera zano remuBhaibheri rokuti: “Kunzwisisa kwenyu ngakuzivikanwe.”—VaFiripi 4:5.

EDZA IZVI: Kurukurai semhuri kuti munhu wose anofanira kunge asvika kumba nguvai uye mimwe mitemo yepamba inotarisirwa kuti vana vatevedzere. Ratidza kuti unoda kuteerera uye kufunga nezvezvinhu zvose usati waita chisarudzo. Vamwe Baba vokuBrazil vanonzi Roberto vanoti, “Vana vari kuyaruka vanofanira kuona kuti vabereki vavo vanoda kubvuma chikumbiro kana chisingapesani nezvinotaurwa neBhaibheri.”

Ichokwadi kuti hapana mubereki asingatadzi. Bhaibheri rinoti: “Tose tinokanganisa kazhinji.” (Jakobho 3:2) Kana ukaona kuti ungangova wakonzeresa kuti muitisane nharo, usazeza kukumbira mwana wako ruregerero. Kubvuma zvaunenge wakanganisa kunoita kuti uve muenzaniso wakanaka wekuzvininipisa uye kuchaita kuti mwana wako azoitawo zvakafanana.

“Ndakakumbira mwanakomana wangu ruregerero pandakanga ndadzikama, ndisisina kugumbuka pashure pokuitisana nharo naye. Izvozvo zvakamubatsira kuti adzikame uye zvakaita kuti zvive nyore kuti anditeerere.”—Kenji, wokuJapan.

^ ndima 3 Mazita ari munyaya ino akachinjwa.

ZVIBVUNZE KUTI . . .

  • Zvii zvandingangova ndiri kuita, zviri kuita kuti mwana wangu ari kuyaruka aite nharo neni?

  • Ndingashandisa sei mashoko ari munyaya ino kuti ndinzwisise mwana wangu zviri nani?

  • Ndingaita sei kuti ndigone kukurukura nemwana wangu tisingaitisani nharo?