Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YOUPENYU

Ndava Neushamwari naMwari Uye Naamai Vangu

Ndava Neushamwari naMwari Uye Naamai Vangu

“NYATSONDIUDZA kuti chii chaunorambira kunamata madzitateguru ako,” vakadaro amai vangu. “Hauzivi here kuti ndiko kwawakabva? Hauoni here kuti unofanira kuvatenda? Ungabva warasa tsika dzemadzitateguru edu here? Kana uchiramba kuremekedza madzitateguru edu, unoreva here kuti isu tinovanamata tinopenga?” Vakabva vakurirwa neshungu ndokutanga kuchema.

Zvakaita sekuti havasi amai vangu vari kudaro. Ndivo vakatoronga kuti ndidzidze Bhaibheri, kunyange zvazvo vakangozviita vachida kunzvenga kuti ivo vasadzidziswa. Sezvo ndaigara ndichivateerera, apa zvanga zvandiomera kuvarambira. Asi ndakavarambira nekuti ndizvo zvandaifanira kuita kuti ndifadze Jehovha. Dai Mwari asina kundipa simba, ndingadai ndisina kumbozvikwanisa.

KUVA MUKRISTU

Taipinda chechi yechiBuddha sezvinongoitwawo nevakawanda muJapan. Asi pashure pemwedzi miviri chete ndichidzidza neZvapupu zvaJehovha, ndakanga ndava kutenda kuti Bhaibheri nderechokwadi. Pandakaziva kuti ndina Baba vekudenga, ndakava nechido chekudzidza nezvavo. Ini naamai vangu taifarira kukurukura zvinhu zvandaidzidza. Ndakatanga kupinda misangano yemusi weSvondo paImba yoUmambo. Pandaiwedzera kuziva chokwadi, ndakaudza amai kuti handichadi kuita mitambo inoitwa nevaBuddha. Izvi zvakavashatirisa chaizvo vakabva vati: “Zvinonyadzisa kuti mumba medu muve nemunhu asingaremekedzi madzitateguru edu.” Vakati ndaitofanira kurega kudzidza Bhaibheri uye kupinda misangano. Handina kumbobvira ndafunga kuti amai vangu vangadaro! Ndakatoshaya kuti zvainge zvabva nepi.

Muna VaEfeso chitsauko 6, ndakadzidza kuti Jehovha anoda kuti nditeerere vabereki vangu. Baba vakatanga kutsigirana naamai. Pakutanga ndaifunga kuti kana ndikavateerera, vaizondinzwisisawo tovazve nerugare mumhuri medu. Rimwe dambudziko raivapo nderokuti ndakanga ndava pedyo nekunyora bvunzo dzekuchikoro, saka ndaida kugadzirira. Izvi ndizvo zvakaita kuti ndibvume kuita zvavaida kwemwedzi mitatu, asi ndakavimbisa Jehovha kuti ndaizotanga kupinda misangano kana mwedzi yacho yapera.

Zvandakasarudza zvakandikanganisa pazvinhu zviviri. Chekutanga, ndaifunga kuti maonero angu akanga asingazochinji mumwedzi mitatu iyoyo. Asi pasina nguva ndakatanga kunyatsonzwa kuti ndakanga ndazviparadzanisa naJehovha. Chechipiri, pane kuti tiwirirane, amai nababa vakatowedzera kundimanikidza kuti ndisiye zvese zvine chokuita nekunamata kwechokwadi.

KUPIKISWA UYEWO KUBATSIRWA KWANDAKAITWA

PaImba yoUmambo, ndakasangana nevakawanda vaipikiswawo nevemumhuri. Vakandipa chivimbo chokuti Jehovha aizondisimbisa. (Mat. 10:34-37) Vakandiita kuti ndizive kuti ndini ndaiva nemukana wakakura wekubatsira vemumhuri medu kuti vazopona. Saka ndakatanga kunyengetera nemwoyo wose kuti ndidzidze kuvimba naJehovha.

Vanhu vekumba vakaedza zvese zvavaigona kuti ndisanamata. Amai vakaedza kuita zvekundinyengetedza, vachimbogara neni pasi vachida kuti ndivanzwisise. Ndaiwanzoramba ndakanyarara. Pandaizotaura zvandinofunga, kazhinji kacho taitsamwisana nekuti mumwe nemumwe aingotaura zvaanofunga tisingapanani nzeve. Ndaifanira kuti wedzerei kuremekedza manzwiro aiita amai vangu uye zvavanotenda. Pamwe izvi zvaizoita kuti tisanetsane. Vabereki vangu vaindipa mabasa akawanda ekuita pamba kuti ndisawane nguva yekubuda panze. Dzimwe nguva vaindikiyira panze kana kuti vaisandisiyira zvokudya.

Amai vakatsvaga kutsigirwa nevamwe. Vakamboedza kutaura nemudzidzisi wangu wekuchikoro asi haana divi raakatsigira. Amai vakazoenda neni kuna maneja wekubasa kwavo kuti andiratidze kuti zvitendero zvese hazvina zvazvinobatsira. Tadzoka kumba, vakafonera hama dzakasiyana-siyana misodzi iri pamatama vachikumbira kubatsirwa. Izvi zvakandirwadza, asi pandakaenda kumisangano, vakuru vakandiudza kuti ndifunge nezvevanhu vose vakanga vachitoparidzirwa naamai vasingazive kuti ndizvo zvavari kuita.

Imwe nyaya yakanetsa yaiva yekuenda kuyunivhesiti. Vabereki vangu vaida kuti ndiite zvinhu zvavaifunga kuti ndizvo zvaizoita kuti ndive neramangwana rakanaka. Vaida kuti ndizova nebasa rakanaka. Taisagona kukurukura pasina kunetsana, saka ndakanyorera amai nababa tsamba dzakati kuti ndichivatsanangurira zvandaida kuita muupenyu. Baba vangu vakatsamwa ndokundityisidzira vachiti: “Kana iri nyaya yebasa, wotoriwana mangwana chaiwo, kana ukarishaya, unotuta twako.” Ndakanyengetera nezvenyaya yacho kuna Jehovha. Mangwana acho ndiri muushumiri, hanzvadzi mbiri, mumwe nemumwe achitozvibvira kwake ega, dzakandikumbira kuti ndiite basa rekuitisa vana vadzo zvidzidzo zvekuchikoro. Baba havana kufara nazvo zvokuti vakatorega kutaura neni zvachose. Amai vakati zvaiva nani kuti ndive hangu nzenza pane kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha.

Jehovha akandibatsira kuti ndifunge zvakanaka uye kuti ndizive zvandaifanira kuita

Dzimwe nguva ndainetseka kuti Jehovha aida kuti ndipikisane nevabereki vangu saizvozvo here. Asi kunyengetera kakawanda uye kufungisisa ndima dzeBhaibheri dzinotaura nezverudo rwaJehovha, zvakaita kuti ndione zvandaibatsirwa nekupikiswa kwandaiitwa, uye kuti ndinzwisise kuti chimwe chaiita kuti vabereki vangu vandipikise ndechekuti vaindida. Jehovha akandibatsira kuti ndifunge zvakanaka uye kuti ndizive zvandaifanira kuita. Uyewo, kubuda kwandaiita muushumiri kwaiita kuti ndiwedzere kunakidzwa nahwo. Saka ndakava nechinangwa chekupayona.

KUPAYONA

Dzimwe hanzvadzi padzakaziva kuti ndaida kuva piyona, dzakandiudza kuti ndaifanira kumbomira kusvikira vabereki vangu vadzikama. Ndakanyengeterera uchenjeri, ndikatsvakurudza, ndikaongorora vavariro dzangu, uye ndakataura nehama nehanzvadzi dzakakura pakunamata. Ndakasarudza kuti ndinoda kufadza Jehovha. Uyewo ndakaona kuti kunonoka kuva piyona hakusiriko kwaizoita kuti vabereki vangu vachinje mafungiro avo.

Ndakatanga kupayona mugore randakapedza chikoro chesekondari. Pashure pekanguva ndichipayona, ndakava nechinangwa chekuenda kunoshanda kunodiwa vaparidzi vakawanda. Asi amai nababa vakanga vasingade kuti ndibve pamba. Saka ndakambomira kusvika ndava nemakore 20. Kuti amai vangu vasashungurudzike, ndakakumbira hofisi yebazi kuti ndibvumirwe kunoshanda nechekumaodzanyemba kweJapan uko kwaiva neveukama.

Ndava ikoko, ndakazowana chikomborero chekuona vanhu vakati kuti vandakadzidzisa Bhaibheri vachibhabhatidzwa. Panguva iyi, ndakadzidzira Chirungu kuitira kuti ndiwedzere ushumiri hwangu. Muungano yandaiva, maiva nehama mbiri dzaiva mapiyona chaiwo. Ndaiona kushingaira uye kubatsira vamwe kwavaiita. Izvi zvakaita kuti ndivewo nechinangwa chekuva piyona chaiye. Ndiri ikoko, amai vakarwara zvokuda kufa, ndikaenda kunovapepa. Vakarwarazve, ndikadzokera zvakare. Izvi zvakavashamisa chaizvo, uye vakabva vati chinjei maonero avaindiita.

MAKOMBORERO AKADIRANA

Pashure pemakore 7, ndakanyorerwa tsamba naAtsushi, mumwe wehama dziya dzandambotaura kuti dzaiva mapiyona chaiwo. Mutsamba yacho akanditsanangurira kuti aitsvaga wekuroorana naye uye kuti aindida, saka aida kunzwa kuti ndaiti chii nazvo. Asi ini ndanga ndisina kumbobvira ndatorwa mwoyo naAtsushi, kana kumbofunga kuti aindida. Mwedzi wakazotevera wacho, ndakamupindura kuti ndaida kuti tinyatsotanga tazivana. Takazoona kuti tinowirirana pane zvakawanda. Tose taida kuita basa renguva yakazara uye taida kushumira chero kwataizokumbirwa kuti tiende. Nekufamba kwenguva takazoroorana. Ndakafara chaizvo pandakaona amai nababa neveukama vakati kuti pamuchato wedu!

Nepal

Pashure penguva pfupi tichishanda semapiyona enguva dzose, Atsushi akagadzwa kuva mutsivi womutariri wedunhu. Pasina nguva, takawana zvimwe zvikomborero. Takagadzwa kuva mapiyona chaiwo uye murume wangu akazogadzwa kuva mutariri wedunhu. Patakapedza kushanyira ungano dzose dzemudunhu kekutanga, takafonerwa nehofisi yebazi. Vakatibvunza kuti: ‘Munoda here kushanda mubasa redunhu kuNepal?’

Kushanda munyika dzakasiyana-siyana kwakandidzidzisa zvakawanda nezvaJehovha

Ndakanetseka kuti vabereki vangu vachanzwa sei nezvandaida kuita zvekutamira kure kwakadaro. Saka ndakavafonera. Baba ndivo vakadaira uye vakati: “Ende uri kuenda kunzvimbo yakanaka.” Vhiki yakanga yapfuura yacho, imwe shamwari yavo yakanga yavapa bhuku raitaura nezveNepal, uye baba vakanga vachitombofunga kuti iyi yaiva nzvimbo yakanaka yavaida kuzoshanyira.

Takawana chimwe chikomborero pataibatsira vanhu vekuNepal avo vane ushamwari. Dunhu rataishanda raisanganisira nyika yeBangladesh yaiva pedyo, iyo yainge yakasiyana neNepal pane zvakawanda. Kuparidza kwataiita kwainge kwakasiyana-siyana zvichienderana nenzvimbo yacho. Pashure pemakore mashanu, takakumbirwa kudzoka kuzoshanda kuJapan, uko kwatiri kufara tichiita basa remudunhu.

Ndakadzidza zvakawanda nezvaJehovha pandaishanda munyika dzinoti Bangladesh, Nepal neJapan. Imwe neimwe yenyika idzi ine tsika dzayo nemararamiro ayo. Uye munhu mumwe nemumwe wemunyika idzi akatosiyana nemumwe. Ndakaona kuti Jehovha anoda vanhu uye hapana waanosarura. Anobatsira uye anokomborera munhu mumwe nemumwe.

Jehovha akandikomborera pakuti akaita kuti ndimuzive, akandipa basa rekuita, uye murume akanaka wechiKristu. Mwari akandibatsira kuti ndisarudze nekuchenjera, uye parizvino ndava neushamwari hwakanaka naye, uye ndava kuwirirana nevemumhuri yedu. Ndichibatsirwa naJehovha, ndava kuwirirana naamai vangu zvakare. Ndinotenda chaizvo kuti ndava neushamwari naMwari uye naamai vangu.

Tiri kufara tichiita basa remudunhu