Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Kana Kingsley Achizvigona, Handingambozvitadzi!”

“Kana Kingsley Achizvigona, Handingambozvitadzi!”

KINGSLEY anokwenywa pabendekete, otanga kuverenga Bhaibheri paChikoro chaMwari Choushumiri muungano. Aka ndekekutanga kuenda pachikoro. Anodudza shoko rimwe nerimwe sezvariri, asingasiyi kana vara rimwe chete zvaro! Asi sei asiri kutarisa muBhaibheri rake?

Kingsley uyo anogara kuSri Lanka ibofu. Nzeve dzake hadzinyatsonzwa uye anofamba newiricheya. Murume uyu akadzidza sei nezvaJehovha uye akasvika sei pakukwanisa kunyoresa paChikoro chaMwari Choushumiri? Regai ndikuudzei.

Pandakatanga kuonana naKingsley, ndakashamiswa nenyota yaaiva nayo yekuda kuziva chokwadi cheBhaibheri. Ainge atombodzidza Bhaibheri neZvapupu zvakati kuti, uye bhuku rake reBraille raZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi rainge rasakara. * Akabvuma kuti ndienderere mberi nekudzidza naye, asi pane zvinhu zviviri zvainetsa.

Chekutanga ndechekuti Kingsley aigara nevamwe vakati kuti paimba inochengetwa vakwegura nevakaremara. Paiva neruzha uye Kingsley anga agarawo asinganyatsonzwa, saka ndaitofanira kutaura naye nenzwi riri pamusoro. Izvi zvaiita kuti vose vaigara ipapo vanzwe zvataidzidza vhiki nevhiki.

Chechipiri chainetsa ndechekuti Kingsley aingokwanisa kuverenga uye kubata zvishomanana pose pataidzidza. Kuti anyatsonzwisisa zvataidzidza, Kingsley ainyatsogadzirira. Pakugadzirira kwacho, aiverenga averengazve zvataida kuzodzidza, achitarisawo magwaro acho muBhaibheri rake reBraille, ozoisa mumusoro mhinduro dzemibvunzo yechidzidzo chacho. Izvi zvakabatsira chaizvo. Pataidzidza, aipfunya chisero akagara pakapeti, achirova rova pasi nemufaro, achitsanangura nenzwi riri pamusoro zvaainge adzidza. Pasina nguva, takanga tava kudzidza kaviri pavhiki, uye pese pataidzidza taiita maawa maviri!

KUPINDA MISANGANO NEKUPINDURA PAMISANGANO YACHO

Kingsley naPaul

Kingsley aifarira chaizvo kupinda misangano paImba yoUmambo kunyange zvazvo zvakanga zvisiri nyore. Aifanira kubatsirwa kugara pawiricheya nekubviswa ipapo, kupinda nekubuda mumotokari, uye kuzopinda nekubuda muImba yoUmambo. Asi vakawanda vemuungano vaichinjana pakumubatsira, uye vanofara kuita izvi. Misangano payainge ichiitwa, Kingsley aigara pedyo nespeaker, achinyatsoteerera, uye achitopindurawo!

Pashure pekunge adzidza kwenguva yakati kuti, Kingsley akanyoresa paChikoro chaMwari Choushumiri. Pasara mavhiki maviri kuti ape hurukuro yake yekuverenga Bhaibheri, ndakamubvunza kuti ainge agadzirira here. Akapindura nechivimbo kuti, “Hungu Hama, ndakagadzirira kanenge ka30.” Ndakamutenda nezvaakaita izvi ndikamukumbira kuti ambondiverengera. Akavhura Bhaibheri rake reBraille, ndokuisa zvigunwe zvake pamashoko aaida kuverenga, ndokubva atanga. Asi, ndakaona kuti zvigunwe zvake zvakanga zvisiri kubata bata peji sezvaaiwanzoita. Ainge abata nemusoro mashoko ose aaifanira kuverenga!

Ndakamutarisa ndikafunga kuti ndiri kurota. Apa misodzi yangu yakanga yava kutoyerera. Ndakabvunza Kingsley kuti ainge akwanisa sei kuyeuka zvose izvozvo pashure pekunge agadzirira ka30 chete. Akapindura kuti: “Aiwa, ndaigadzirira ka30 pazuva.” Kingsley akanga aita unopfuura mwedzi wose achiti paaida kugadzirira, ainogara pakapeti yake, overenga averengazve mashoko acho kusvikira aabata nemusoro.

Zuva rekuti ape hurukuro yake paImba yoUmambo rakazosvika. Kingsley paakapedza kuverenga, ungano yakamurovera maoko nemwoyo wose, uye vakawanda vakabudisa misodzi pavaiona kuzvipira kwemudzidzi uyu mutsva. Mumwe muparidzi ainge arega kupa hurukuro pachikoro nenyaya yekuti aitya, akanyoresa zvakare. Chii chakaita kuti afunge izvi? Akati, “Kana Kingsley achizvigona, handingambozvitadzi!”

Musi wa6 September, 2008, pashure pekudzidza Bhaibheri kwemakore matatu, Kingsley akabhabhatidzwa mumvura zvichiratidza kuti ainge azvitsaurira kuna Jehovha. Kingsley akaramba akavimbika kuna Mwari kusvikira paakafa musi wa13 May, 2014, uye aiva nechivimbo chakasimba chekuti achaenderera mberi nekushumira Mwari akatendeka ava neutano hwakanaka uye nesimba rakakwana, munyika inenge yava Paradhiso. (Isa. 35:5, 6)—Yakataurwa naPaul McManus.

^ ndima 4 Rakabudiswa muna 1995; asi iye zvino harichadhindwi.