Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Akabudirira Pane Zvaainge Anyatsoronga

Akabudirira Pane Zvaainge Anyatsoronga

María Isabel muparidzi wechiduku anoshingaira wekuSan Bernardo, guta rokuChile iri kuSouth America. Mhuri yavo ndeyerudzi rweMapuche, vanhu vokutanga kugara munyika iyoyo. Mhuri yavo yose yave ichitsigira chaizvo kutangwa kweungano yemutauro weMapuche unonziwo Mapudungun.

Pakaziviswa kuti Chirangaridzo chorufu rwaKristu chaizoitwa mumutauro weMapudungun uye kuti paiva nemapepa okukokera Chirangaridzo anosvika 2 000, zvakaita kuti María Isabel afungisise. Aizoita sei kuti abatsirewo? Akayeuka kuparidzira vokuchikoro uye vadzidzisi kwakamboitwawo nezvimwe Zvapupu zvechiduku zvikabudirira. Akataura nevabereki vake nezvenyaya yacho, uye pamwe chete vakasarudza kuti María Isabel aedze kufunga zano rokuparadzira mapepa acho kuchikoro. Akafunga zano ripi?

María Isabel akatanga akumbira mvumo kuvakuru vechikoro kuti anamire pepa reChirangaridzo pagedhi guru rechikoro. Vakamubvumidza uye vakamurumbidza nezvaainge afunga. Mamwe mangwanani vari pamutsetse, mukuru wechikoro akatozivisa nezvepepa racho achishandisa gudzanzwi.

Zvadaro, María Isabel akakumbira kuenda mumakirasi ose. Paakapiwa mvumo nevadzidzisi, akabvunza vadzidzi vaiva mukirasi yega yega kana paiva nevadzidzi verudzi rweMapuche. “Ndaifunga kuti pachikoro chose paingova nevana vanenge 10 kana kuti 15 vaibva mumhuri dzerudzi rweMapuche,” akadaro, “asi vainge vakawanda zvokuti ndakazoparadzira mapepa 150!”

“AITARISIRA KUONA MUNHU MUKURU”

Mumwe mukadzi paakaona pepa racho rakanamirwa pagedhi rechikoro, akabvunza kuti aifanira kuona ani nezvechiitiko chacho. Fungidzira kushamisika kwaakaita paakanzi aone kasikana kane makore gumi! “Aitarisira kuona munhu mukuru,” María Isabel akadaro achisekerera. Pashure pokumupa pepa reChirangaridzo, María Isabel akakumbira kero yemukadzi wacho achiitira kuti azomushanyira nevabereki vake kuti amuudze zvakawanda nezveUmambo hwaMwari. Vaparidzi vacho 20 vanoshandisa mutauro weMapudungun vakafara chaizvo pavakaona mukadzi uya pamwe nevamwe vanofarira 26 verudzi rweMapuche vauya kuChirangaridzo. Kutaura kuno boka iroro ratova ungano iri kukura!

Pasinei nezera rako, ungaronga here kukoka vokuchikoro kana kuti vokubasa kuChirangaridzo, kuhurukuro yavose kana kugungano reruwa? Wadii kutsvakurudza mumabhuku edu kuti uwane mazano okuti ungabudirira sei kuita izvozvo? Uyewo nyengeterera mudzimu mutsvene waJehovha kuti ukubatsire kuva noushingi hwokutaura nezvake. (Ruka 11:13) Kana ukadaro, newewo unogona kushamisika chaizvo uye kukurudzirwa nekubudirira kwezvaunenge waronga.