Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ungaitei Kana Wawakaroorana Naye Achiona Zvinonyadzisira?

Ungaitei Kana Wawakaroorana Naye Achiona Zvinonyadzisira?
  • “Ndainzwa sekuti murume wangu airamba achidzokorora kuita upombwe.”

  • “Ndainzwa ndanyadziswa, ndisina chimiro chakanaka, uye ndisingabatsiri.”

  • “Ndaisakwanisa kuudza chero ani zvake. Ndaishungurudzika mumwoyo.”

  • “Ndainzwa sekuti Jehovha haana hanya neni.”

Zvataurwa pamusoro apa zvinoratidza kurwadziwa kunoita mudzimai kana murume wake achiona zvinonyadzisira. Uye kana murume wacho ava nemwedzi yakawanda kana kuti makore achiita zvinhu izvi pasina anozviziva, mudzimai anganzwa sekuti haachakwanisi kuvimba naye zvakare. Mumwe mudzimai akati: “Ndainzwa sekuti handitombozivi murume wangu. Ndaiona sekuti ane zvimwe zvinhu zvaaindivanzira.”

Nyaya iyi yakanyorerwa kuti ibatsire mudzimai ane murume anoona zvinonyadzisira. a Ichataura mazano eBhaibheri anonyaradza, anoita kuti mudzimai ave nechokwadi chekuti Jehovha anomutsigira, uye ichabatsira mudzimai kuti ave nerugare uye arambe ari pedyo naJehovha. b

CHII CHINGAITWA NEASINA MHOSVA?

Kunyange zvazvo usingagoni kudzora zvese zvinoitwa nemurume wako, unogona kutora matanho ekuti usanyanya kurwadziwa uye uve nerugare. Funga zvinotevera.

Usazvipa mhosva. Mudzimai anogona kunzwa sekuti ndiye ari kukonzera kuti murume wake aone zvinonyadzisira. Alice c ainzwa sekuti aisava nechimiro chakanaka. Ainetseka kuti, ‘Nei murume wangu achifarira kutarisa vamwe vakadzi pane kuti atarise ini?’ Mamwe madzimai anozvipa mhosva achifunga kuti zvaanoita kana varume vawo vaona zvinonyadzisira ndizvo zviri kuita kuti zvinhu zviwedzere kuipa. Danielle anoti, “Ndaizviona semukadzi ainge akatsamwa chaizvo uyo aiparadza wanano yedu nehasha dzandaiita.”

Kana ariwo manzwiro aunoita, ziva kuti Jehovha haazokupi mhosva yezvinenge zvaitwa nemurume wako. Jakobho 1:14 inoti: “Mumwe nemumwe anoedzwa paanotorwa mwoyo, oputirwa neruchiva rwake.” (VaR. 14:12; VaF. 2:12) Pane kuti akupe mhosva Jehovha anokoshesa kuvimbika kwawakaita kwaari.—2 Mak. 16:9.

Zvinogonawo kubatsira kunzwisisa kuti kuona zvinonyadzisira kunoita murume hakurevi kuti mudzimai wake ane zvaari kutadza kuita semunhukadzi. Vanoongorora nyaya yekuona zvinonyadzisira vanoti zvinonyadzisira zvinoita kuti munhu ave nechido chakanyanyisa chebonde zvekuti hapana mukadzi angachigutsa.

Usanyanya kunetseka. Catherine akati akanga ava kungogara achifunga nezvekuona kwaiita murume wake zvinonyadzisira. Frances akati: “Ndinonetseka chaizvo pandinotadza kuziva kuti murume wangu ari kupi. Ndinoswera ndichinetseka zvisingaiti.” Mamwe madzimai akaratidza kuti anonyara paanenge ari pane vamwe vaKristu vangangodaro vachiziva dambudziko remurume wavo. Vamwe vakataura kuti vanonzwa sekuti vari vega nekuti vanofunga kuti hapana anonzwisisa zvavari kusangana nazvo.

Sevanhu, tinogona kuva nemanzwiro akadaro. Asi kana ukapedza nguva yakawanda uchifunga zvinhu izvi uchatowedzera kunetseka. Pane kudaro, edza kuisa pfungwa dzako paushamwari hwako naJehovha. Kuita izvozvo kuchakubatsira kuti utsungirire.—Pis. 62:2; VaEf. 6:10.

Zvimwe unogona kuona zvichibatsira kuverenga uye kufungisisa nezvenyaya dziri muBhaibheri dzinotaura nezvevakadzi vaishungurudzika avo vakanyaradzwa nekunyengetera kuna Jehovha. Hapasi pese paaibvisa matambudziko avo, asi aiita kuti vave nerugare. Semuenzaniso, Hana “aishungurudzika zvakanyanya” nezvaiitika kwaari. Asi pashure pekunge ‘anyengetera kwenguva refu pamberi paJehovha,’ akava nerugare, kunyange zvazvo aisaziva zvaizoitika kwaari.—1 Sam. 1:10, 12, 18; 2 VaK. 1:3, 4.

Murume nemudzimai vanogona kutsvaga kubatsirwa nevakuru

Kumbira vakuru vemuungano kuti vakubatsire. Vanogona kuita “senzvimbo yekuhwanda mhepo, nzvimbo yekupotera pamvura.” (Isa. 32:2, mashoko emuzasi) Vanogona kutokuudza kuti utaure neimwe hanzvadzi yaunogona kuudza zviri kutsi kwemwoyo uye yokunyaradza.—Zvir. 17:17.

UNOKWANISA KUMUBATSIRA HERE?

Unokwanisa kubatsira murume wako here kuti akunde tsika yake yekuona zvinonyadzisira? Zvimwe unogona kumubatsira. Bhaibheri rinoratidza kuti kana pari panyaya yekugadzirisa dambudziko kana yekukunda muvengi ane simba, “vaviri vari nani kupfuura mumwe chete.” (Mup. 4:9-12) Ongororo dzakaitwa dzinoratidza kuti murume nemudzimai pavanoshanda pamwe chete, kakawanda kacho uya anenge akapindwa muropa nekuona zvinonyadzisira anowanzozvisiya uye mudzimai wake anogona kutanga zvakare kuvimba naye.

Asi zvakawanda zvacho zvichabva pakuti murume wako ari kunyatsoda here kushanda nesimba uye kuti ane chido here chekurega kuona zvinonyadzisira. Akateterera kuna Jehovha achikumbira simba uye akatsvaga kubatsirwa nevakuru here? (2 VaK. 4:7; Jak. 5:14, 15) Ane zvaari kuita zvinomubatsira kuti arambe ari kure nemuedzo wacho here? Semuenzaniso, anozviisira muganhu here pakushandisa kwaachaita foni yake uye anotambira kure here nezvinhu zvinomuisa pamuedzo? (Zvir. 27:12) Anoda kuti umubatsire uye anokubudira pachena here? Kana achidaro, zvimwe unogona kumubatsira.

Ungamubatsira sei? Funga nezvemuenzaniso unotevera. Felicia akaroorwa naEthan uyo aiva nedambudziko rekuona zvinonyadzisira kubva ari mudiki. Felicia anoita kuti Ethan anzwe akasununguka kutaura naye kana chido chekuona zvinonyadzisira chava kudzoka. Ethan anoti: “Ndinonyatsoudza mudzimai wangu zvese. Anondibatsira kuti ndisapinda mumuedzo uye anogara achida kunzwa kuti ndiri sei. Uye anondibatsira kuti ndisanyanye kushandisa Indaneti.” Felicia anorwadziwa chaizvo nekuti Ethan anonzwa achida kuona zvinonyadzisira. Felicia anoti, “Asi kunzwa kwandinoita hasha uye marwadzo hazvimubatsiri kuti asaona zvinonyadzisira. Pashure pekunge takurukura nezvedambudziko rake, ndinenge ndava kukwanisa kutaura kuti maitiro ake anoita kuti ndinzwe sei.”

Kukurukura kwakadaro kunogona kubatsira murume kuti asarambe achiona zvinonyadzisira uyewo kunogona kubatsira mudzimai wake kuti atangezve kuvimba naye. Uye murume paanova nechido chekuudza mudzimai wake manzwiro aanenge achiita, kwaanenge achienda, uye zvaari kuita, zvinova nyore kuti mudzimai wake avimbe naye nekuti anenge asina chaari kumuvanzira.

Unofunga kuti unogona kubatsira murume wako nenzira iyoyo here? Kana zvakadaro munogona kuverenga uye kukurukura nyaya ino pamwe chete. Chinangwa chemurume wako chinenge chiri chekurega kuona zvinonyadzisira uye chekukupa chikonzero chekuti uvimbe naye. Pane kuti akutsamwire kuti unenge uchida kukurukura naye nezvedambudziko rake, anofanira kuedza kunzwisisa kuti dambudziko rake riri kuita kuti unzwe sei. Unofanira kumutsigira pane zvaari kuedza kuita kuti arege tsika iyoyo uye kumupa mukana wekuita zvinhu zvinoita kuti utangezve kuvimba naye. Mese munofanira kudzidza kuti chii chinoita kuti vanhu vade kuona zvinonyadzisira uye kuti dambudziko racho ringakundwa sei. d

Kana uchityira kuti munogona kupedzisira mava kupopotedzana, munogona kukumbira mukuru wamakasununguka kwaari mese kuti avepowo pamunenge muchikurukura nyaya yacho. Ziva kuti kunyange pashure pekunge murume wako akurira dambudziko rekupindwa muropa nezvinonyadzisira, zvinogona kutora nguva kuti uzotanga kuvimba naye zvakare. Usakanda mapfumo pasi. Tsvaga zvinhu zvidiki zvinenge zvavandudzika muwanano yenyu. Iva netariro yekuti nekufamba kwenguva uye nemwoyo murefu, wanano yenyu inozopedzisira yasimba zvakare.—Mup. 7:8; 1 VaK. 13:4.

KO KANA AKARAMBA ACHIONA ZVINONYADZISIRA?

Kana murume wako akatangazve kuona zvinonyadzisira zvinoreva here kuti haana kupfidza kana kuti haachabatsiriki? Zvingasareva hazvo kudaro. Kana kuri kuti akapindwa muropa nazvo, zvinogona kumuomera kweupenyu hwake hwese kuti chido chacho chipere. Anogona kutangazve kuzviona kunyange pashure pemakore azvirega. Kuti asazviona zvakare, anofanira kutorwisa zvakasimba, zvimwe nekuramba achishandisa nzira dzakamboita kuti akunde dambudziko racho. (Zvir. 28:14; Mat. 5:29; 1 VaK. 10:12) Anofanira kushanda nesimba kuti ave ‘nemafungiro matsva’ odzidza ‘kuvenga zvakaipa,’ izvo zvinosanganisira zvinonyadzisira nedzimwe tsika dzisina kuchena dzakadai sekuita bonhora. (VaEf. 4:23; Pis. 97:10; VaR. 12:9) Anoda here kushanda nesimba kuti arege kuona zvinonyadzisira? Kana zvakadaro, anogona kubatsirika. e

Isa pfungwa dzako paushamwari hwako naJehovha

Asi ko kana mumwe wako achiratidza kuti haana chido chekurwisa dambudziko rake? Zvinonzwisisika kuti unogona kugara uchirwadziwa, wakatsamwa, uye uchinzwa sekuti uri kunyengerwa. Kanda mutoro wako pana Jehovha. Unogona kuva nerugare kana ukasiyira nyaya yacho mumaoko aJehovha. (1 Pet. 5:7) Ramba uchiswedera pedyo naJehovha kuburikidza nekudzidza, kunyengetera, uye kufungisisa. Paunoita izvozvo, ziva kuti iyewo ari kuswedera pedyo newe. Sezvinotaurwa pana Isaya 57:15, iye anogara nevaya “vakadzvinyirirwa nevanozvininipisa,” achivabatsira kuti vawanezve mufaro. Ita zvese zvaunogona kuti urambe uchishumira Jehovha wakatendeka. Tsvaga kubatsirwa nevakuru. Uye ramba uine tariro yekuti pane imwe nguva mune ramangwana murume wako anogona kuzochinja.—VaR. 2:4; 2 Pet. 3:9.

a Munyaya ino tichataura nezvemurume ari iye ari kuona zvinonyadzisira. Asi mazano akawanda arimo anobatsirawo murume ane mudzimai anoona zvinonyadzisira.

b Kuona zvinonyadzisira hachisi chikonzero chemuMagwaro chekudambura muchato.—Mat. 19:9.

c Mazita akachinjwa.

d Mashoko anobatsira anogona kuwanika pajw.org uye mumabhuku edu. Semuenzaniso, ona nyaya iri pajw.org inoti, “Kuona Zvinonyadzisira Kunogona Kuparadza Wanano,” uye nyaya iri muNharireyomurindi yaApril 1, 2014 inoti, “Unogona Kukunda Muedzo!” mapeji 10-12; uye iri muNharireyomurindi yaAugust 1, 2013 inoti, “Zvinonyadzisira—Hazvikuvadzi Here?” mapeji 3-7.

e Sezvo kuona zvinonyadzisira kuchipinda muropa, vamwe vari muwanano vakasarudza kutsvaga kubatsirwa navanachiremba kuwedzera pakubatsirwa kwavanenge vachiitwa nevakuru.