Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mabhisikiti Embwa

Mabhisikiti Embwa

NICK, uyo anogara kuOregon, U.S.A. akanyora kuti: “Kutanga kwegore ra2014, ndaifamba netumbwa twangu tuviri muguta randinogara. Zvapupu zvaiwanzomira muguta nezvingoro zvemabhuku. Vaipfeka zvakanaka, uye vaikwazisa munhu wese aipfuura vachinyemwerera.

“Zvapupu zvaiva nehanya nevanhu uye zvaifarirawo imbwa dzangu. Rimwe zuva, Elaine, uyo ainge akamira pachingoro akapa tumbwa twangu mabhisikiti. Saka pese pandaipfuura pedyo nechingoro ichi, tumbwa twangu twaindidhonzera ikoko tuchida mabhisikiti.

“Ndakaita mwedzi yakawanda ndichipfuura nepo imbwa dzichinakirwa nemabhisikiti uye ini ndichinakidzwawo nekukurukura neZvapupu kwenguva pfupi. Asi ndaisada kunyanya kutaura navo zvakawanda. Ndakanga ndatopfuura makore 70, uye ndaisanyatsoziva kuti Zvapupu zvinotenda zvinhu zvakaita sei. Ndakanga ndaodzwa mwoyo nemachechi akawanda, saka ndakafunga kuti zvaiva nani kuti ndidzidze hangu Bhaibheri ndega.

“Panguva iyi yandainge ndava kuzivana neZvapupu izvi, ndaionawo zvimwe Zvapupu muguta munzvimbo dzakasiyana-siyana zvakamira nezvingoro. Naivowo vairatidza kuti vainge vakasununguka. Pese pavaipindura mibvunzo yangu, vaishandisa Bhaibheri, uye izvozvo zvakaita kuti ndiwedzere kuvimba navo.

“Rimwe zuva Elaine akandibvunza kuti, ‘Munozvibvuma here kuti mhuka chipo chinobva kuna Mwari?’ Ndakabva ndati, ‘Ehe, ndinotozvibvuma!’ Elaine akabva andiverengera Isaya 11:6-9. Kubvira ipapo, ndakatanga kuda kudzidza Bhaibheri asi ndainge ndisati ndava kuda zvekutora mabhuku eZvapupu.

“Mumazuva akatevera, ndakanga ndava kunakidzwa nekukurukura kwenguva pfupi naElaine nemurume wake Brent. Vakandikurudzira kuti ndiverenge Bhaibheri kubva kuna Mateu kusvika kuna Mabasa kuti ndizive kuti kana munhu achinzi muKristu wechokwadi anofanira kunge akaita sei. Ndizvo zvandakabva ndaita. Ndakabva ndazobvuma kudzidza Bhaibheri naBrent naElaine. Paiva pakati pegore ra2016.

“Ndaigara ndichitarisira kudzidza Bhaibheri vhiki rimwe nerimwe naBrent naElaine uye kupinda misangano paImba yeUmambo. Kudzidza zvinonyatsodzidziswa neBhaibheri kwaiita kuti ndifare chaizvo. Pangoti pfuurei gore, ndakabva ndabhabhatidzwa. Iye zvino ndava nemakore 79, uye ndava kuziva kuti ndiri kufamba munzira yechokwadi. Jehovha akandikomborera nekuita kuti ndivewo mumhuri yevashumiri vake vakazvitsaurira kwaari.”