Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | BHAIBHERI RAKASVIKA SEI KWATIRI?

Vanhu Vaishora Bhaibheri Havana Kubudirira

Vanhu Vaishora Bhaibheri Havana Kubudirira

ZVAVAKAITA: Vatungamiriri vakawanda vezvematongerwo enyika uye vezvitendero vakaita zvinopesana nezviri muBhaibheri. Kakawanda kacho vaishandisa zvinzvimbo zvavo kuti varambidze vanhu kuva neBhaibheri, kurigadzira kana kurishandura. Zvimwe zvavakaita ndeizvi:

  • Munenge muna 167 B.C.E.: Mambo Antiochus Epiphanes, akamanikidza muJudha wese kuti atevedzere chitendero chechiGiriki, saka akabva arayira kuti zvinyorwa zvose zveMagwaro echiHebheru zviparadzwe. Munyori wezvaiitika kare Heinrich Graetz akati, vashandi vamambo “vakabvarura uye vakapisa zvinyorwa zvose zvaiva neMagwaro echiHebheru, uye vakauraya vose vaiwanikwa vachizviverenga.”

  • 500 C.E.-1500 C.E.: Vamwe vatungamiriri vechechi yeRoma vakagumbukira vanhu vaidzidzisa zviri muBhaibheri pane kuti vape dzidziso yechechi yeRoma. Saka wese aiwanikwa aine mamwe mabhuku eBhaibheri kunze kwebhuku raMapisarema muchiLatin vaimuona semhandu. Rimwe dare rechechi rakatogadza mutemo wokuti varume vemuchechi iyoyo ‘vagare vachisecha dzimba dzevanhu vose vavaifungira kuti imhandu. Wese aibatwa, imba yake yaifanira kuparadzwa.’

Tingadai tisina Bhaibheri dai vanhu ava vakabudirira kuriparadza.

Bhaibheri reChirungu rakashandurwa naWilliam Tyndale rakapona pasinei nekuti maBhaibheri aipiswa uye kuti iye wacho akatourayiwa muna 1536

ZVAKAITA KUTI VAKUNDIKANE: Mambo Antiochus aida kuti zvinyorwa zvechiHebheru zviparadzwe muIsraeri, asi vaJudha vakawanda vainge vava kutogara kune dzimwe nyika. Vanoongorora vanofungidzira kuti kubva pana 1 C.E.-100 C.E., vaJudha vanopfuura 60 muzana vakanga vava kugara kunze kweIsraeri. VaJudha vaichengeta Magwaro mumasinagogi avo uye Magwaro iwayo ndiwo akazoshandiswa nezvizvarwa zvakatevera kusanganisira vaKristu.—Mabasa 15:21.

Mumakore aya okuma500 C.E.-1500 C.E. vaya vaida Bhaibheri vakatsungirira pavaitambudzwa uye vakaramba vachirishandura uye vachirikopa. Nechepakati pema1400 zvimwe zvikamu zveBhaibheri zvinogona kunge zvakanga zvava kuwanikwa mumitauro inosvika 33 uye panguva iyi kwakanga kusati kwava nemichina yaikurumidza kuprinda! Kubvira ipapo, maBhaibheri akanga ava kuwanikwa mumitauro yakawanda.

ZVAKAGUMA NEI? Pasinei nezvaiedza kuitwa nemadzimambo ane simba uye vatungamiriri vemachechi, Bhaibheri rakashandurwa mumitauro yakawanda uye riri kuwanikwa nevakawanda kupfuura mamwe mabhuku ose. Bhaibheri rakashandiswa pakugadzira mitemo nemitauro yedzimwe nyika uye riri kubatsira mamiriyoni evanhu.