Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?

Mutsipa Wesvosve

Mutsipa Wesvosve

MAINJINIYA EMICHINA anoshamiswa nekusimudza kunoita svosve zvinhu zvinorema kuripfuura. Kuti anzwisise kuti svosve rinozvigona sei, mainjiniya epaOhio State University U.S.A., akaongorora zvakanyatsoita muviri wesvosve, ndokubva vagadzirawo ravo pakombiyuta. Kuti varigadzire pakombiyuta, vakashandisa mapikicha akatorwa neX-ray (micro CT scans) uye vakaongorora simba rinoshandiswa nesvosve pakusimudza zvinhu zvakasiyana-siyana.

Chinonyanya kukosha pasvosve mutsipa waro, nekuti ndiwo unotsigira zvese zvarinenge rakaruma. Mutsipa wesvosve wakapfava uye wakanyatsobatana nemusoro nemuviri, uye kubatana kwacho kwakanyatsosimba sezvinoita munhu paanenge akabatanidza zvigunwe akazvipfekanidza. Mumwe wevaiongorora masvosve akati, “Zvakaita mutsipa uyu wesvosve ndizvo zvinoita kuti rikwanise kusimudza zvinhu zvinorema.” Vaongorori vane tarisiro yokuti kana vakazonyatsonzwisisa mashandiro emutsipa wesvosve zvichavabatsira pakugadzira michina yemazuva ano.

Unofungei? Mutsipa wesvosve nemashandiro anoshamisa aunoita wakangoerekana wavapo here kana kuti pane akaugadzira?