Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MAZANO OKUBATSIRA MHURI | KURERA VANA

Kukurukura Nemwana Wenyu Ari Kuyaruka

Kukurukura Nemwana Wenyu Ari Kuyaruka

DAMBUDZIKO

Paaiva achiri muduku aikuudzai zvose. Iye zvino zvaari kuyaruka, haachatauri. Pamunoda kuti mutaure naye, anobva angokupindurai neshoko rimwe chete kana kuti kupopotedzana kunobva kwatotanga.

Munogona kudzidza kutaura nemwana wenyu ari kuyaruka. Asi chokutanga chimboonai zvinhu zviviri zvinogona kuita kuti pave nedambudziko iri.

CHINOZVIKONZERA

Anoda rusununguko. Kukura kuri kuita mwana wenyu kusvika pakuzova munhu mukuru anozogona kuzvitarisira tinogona kukufananidza nemunhu agere mumotokari padivi pomutyairi. Inozosvika nguva yokuti achityairawo motokari achiona matambudziko anosanganwa nawo nevatyairi mumugwagwa. Ichokwadi kuti kune vamwe vana vanoda rusununguko rwakawandisa kupfuura rwavanofanira kuva narwo, ukuwo vamwe vabereki vanopa vana vavo rusununguko rushoma kupfuura rwavanofanira kuwana. Nemhaka yemusiyano uyu, izvi zvinogona kukonzeresa chimoto pakati pevabareki nevana vari kuyaruka. “Vabereki vangu vanoedza kuda kuongorora chinhu chose chandinoita,” anochema-chema mumwe mukomana ane makore 16 anonzi Tinotenda. * “Kana vakasandiwedzera rusununguko pandinongosvitsa makore 18, ndiri kubva pamba!”

Anoda kushandisawo pfungwa. Vana vaduku ukavaudza kuti vasaita chakati, havabvunzi vanoteerera, asi ava vanenge vava kuyaruka vanoda kuziva zvikonzero. Izvi zvinoratidza kuti vanoda kushandisa pfungwa dzavo uye zvinobatsira kuti wechiduku agone kuita zvisarudzo zvine musoro. Chimbofunga muenzaniso uyu: ‘Mhamha vacheka orenji nepakati vakandipa imwe hafu, imwe hafu vakapa mukoma wangu.’ Kana ari mwana muduku anofara nokuti vaenzaniswa. Asi kana vari vari kuyaruka, kwavari izvi zvinenge zvisiri izvo. Kuti zvinzi vanhu vaenzaniswa hazvirevi kuti vanofanira kuwana zvakaenzana. Hazviiti kuti uitire vanhu zvinhu zvakafanana. Kushandisa pfungwa kunobatsira mwana wenyu ari kuyaruka kugona kugadzirisa matambudziko. Asiwo kune rimwe divi zvinogona kuita kuti aomese musoro uye asabvumirana nezvamunofunga.

ZVAMUNGAITA

Kana zvichiita ivai nenguva yokungotaura dzimwe nyaya pamunenge muchiita zvimwe zvinhu. Somuenzaniso, vamwe vabereki vakaona kuti vana vari kuyaruka vanowanzoti sunungukei kutaura pavanenge vachiita mabasa epamba, vagere mumutokari, kana kuti pavanenge vachiita zvimwe zvinhu pamwe chete nevabereki panzvimbo pokunzi ngatigare pasi titaure.—Zano reBhaibheri: Dheuteronomio 6:6, 7.

Musataura zvakawandisa. Hamufaniri kuitisana nharo pachinhu chimwe nechimwe zvokutozosvika pakupopotedzana. Asi ingotaurai zvamunoda . . . mobva magumira ipapo. Zvizhinji zvamunenge mataura anenge azvinzwa uye paanenge ava oga achazozvidzeya. Mupei mukana wokuita izvozvo.—Zano reBhaibheri: Zvirevo 1:1-4.

Teererai uye regai kuva chandagwinyira. Nyatsoteererai musingamudimbudziri kuitira kuti munyatsonzwisisa dambudziko rake. Pamunenge muchipindura ivai munhu anonzwisisa. Kana mukati mitemo yangu haichinji, mwana wenyu achatsvaka pokubuda napo. ‘Pakupedzisira mwana anenge ava kurarama upenyu hwerwaivhi,’ rinoyambira kudaro bhuku rinonzi Staying Connected to Your Teenager. “Kana vabereki varipo vanoita zvinodiwa nevabereki, asi kana vasipo vanoita zvavada.”—Zano reBhaibheri: VaFiripi 4:5.

Dzikamai. “Pose patinenge tisiri kuwirirana mhamha vanopopota,” anodaro mumwe musikana anonzi Kari. “Izvi zvinoita kuti ndigumbuke, zvokuti tinozopedzisira tava kupopotedzana.” Panzvimbo pokubva magumbuka zvakanyanya, taurai mashoko anoratidza kuti muri kunzwisisa mafungiro emwana wenyu. Somuenzaniso, panzvimbo pokuti “Chauri kunetseka saka chii ipapa!” mungati, “Ndiri kuona kuti zviri kukurwadza.—Zano reBhaibheri: Zvirevo 10:19.

Nepose pazvinogoneka, ratidzai kuti zvinoitwa sei kwete kungoti ita chakati. Kushandisa pfungwa kuri kuita mwana wenyu kwakangofanana nokusimbiswa kunoda kuitwa tsandanyama dzemuviri. Saka paanosangana nedambudziko, regai kubva mamuudza zvokuita asi mubatsirei kuona kuti angaita sei. Pamunenge muchikurukura nyaya yacho, mupei mukana wokuti ataure nzira dzaanofunga kuti angagadzirisa nadzo dambudziko racho. Pamunenge mapedza kukurukura nzira dzakasiyana-siyana munogona kuti: “Izvi ndizvo zvimwe zvaunogona kuita. Chimbofunga nezvazvo kwezuva rimwe chete kana kuti maviri tozoona kuti wafunga kuitei uye nezvikonzero zvacho.”—Zano reBhaibheri: VaHebheru 5:14.

^ ndima 7 Mazita ari munyaya ino akachinjwa.