Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vanaamai Vane Utano, Vanovawo Nevana Vane Utano

Vanaamai Vane Utano, Vanovawo Nevana Vane Utano

Vanaamai Vane Utano, Vanovawo Nevana Vane Utano

KARUSVAVA kane utano kakanyatsobatwa mumaoko amai zvinoratidza kudiwa uye hakasi kunetseka. Baba vacho vari kuita sevachabata denga nokufara. Vanhu vangangopedzisira vava kuona kuzvarwa kwemwana pasina matambudziko sechinhu chiri nyore nokuti chiitiko ichi chinofadza chinoitika kakawanda gore negore. Kutaura zvazviri, kuzvarwa kwemwana chinhu chagara chichingoitika, saka pangava nechikonzero chokuti tinetseke here?

Ichokwadi kuti vanaamai vanowanzosununguka zvakanaka asi dzimwe nguva handizvo zvinoitika. Saka vabereki vakachenjera vanenge vachitarisira kuzvarwa kwemwana vanotora matanho ane musoro kuti pasazovawo nematambudziko aigona kudziviswa. Somuenzaniso, vanodzidza nezvezvinokonzera matambudziko pakusununguka kana kuti zvingaita kuti mwana ave gavamwedzi, vanotsvaka rubatsiro rwakanaka pakutarisira pamuviri uye vanotora matanho ari nyore kuti vaderedze matambudziko angavapo panozorwadza pamuviri uye pavanozosununguka. Iye zvino ngatichimbodonongodzai pfungwa idzi.

Zvikonzero Zvinoita Kuti Pave Nezvinetso Pakusununguka

Chimwe chinokonzera matambudziko pana amai kana kuti pamwana, kusatarisirwa zvakanaka panguva yavanenge vakazvitakura. Imwe nyanzvi pakurapa vana vacheche pachipatara chePrince of Wales chokuHong Kong, inonzi Dr. Cheung Kam-lau, anoti “vanhu vane pamuviri kana vasingatarisirwi zvakanaka, izvozvo zvingazokonzera matambudziko kuna amai kana kuti kumwana wacho.” Anotiwo “vanaamai vakawanda ava vanotarisira zvigwindiri zvevana, asi zvinhu hazviwanzoitiki saizvozvo.”

Richitaura nezvematambudziko anogona kuwira vanaamai bhuku rinonzi Journal of the American Medical Women’s Association rinoti “zvinhu zvikuru zvinowanzokonzera kufa kwavanaamai vanenge vakazvitakura” kubuda ropa kwakanyanya, kutadza kubuda zvakanaka kwemwana, kupindwa noutachiona uye BP yakanyanya kukwira. Bhuku racho rinowedzera kuti “nzira dzokurapa nadzo dzinobatsira dzakawanda, uye kazhinji kacho kurapwa kwemazuva ano . . . hakuna kuoma.”

Kutarisirwa zvakanaka kunowanika zviri nyore kunogona kubatsira vana vakawanda. Rimwe pepanhau rinonzi UN Chronicle rinoti “rufu rwevacheche vaviri pavatatu voga voga vanozvarwa, runogona kudziviswa kana vanaamai vose nevana vacheche” vakawana rubatsiro rwokurapa “rwunonyatsozivikanwa, rwunoshanda zviri nyore uye pasina michina yezvokurapa yamazuva ano.” Boka rinonzi Philippines News Agency rinotaura kuti kunyange zvakadaro zvinosuwisa kuti vanaamai vakawanda havana ruzivo uye vamwe vacho havana hanya nekutarisira pamuviri pavo.

Kutarisira Amai Nemwana Zvakanyanya Kunaka Panguva Yepamuviri

Pepanhau rinonzi UN Chronicle rinoti “vanaamai vane utano vanovawo nevana vane utano.” Uyezve rinoti kana mukadzi akasatarisirwa panguva yaanenge akazvitakura, paanobatsirwa uye paanenge asununguka, mwana wakewo haazotarisirwi zvakanaka.

Mune dzimwe nyika zvingaomera mukadzi akazvitakura kuti awane rubatsiro rwakakwana. Zvimwe angatofanira kufamba madaro marefu, kana kuti angatadza kubhadhara mari dzekurapwa. Kunyange zvakadaro, mukadzi akazvitakura anofanira kuita zvose zvaanogona kuti awane rumwe rubatsiro rwavanamazvikokota paanenge aine pamuviri. Izvi zvinokosha kunyanya kuna vanaamai vanorarama zvinoenderana nezvinodzidziswa neBhaibheri Dzvene, rinotaura kuti upenyu hwomunhu hunokosha, kusanganisira hwemwana asati azvarwa.—Eksodho 21:22, 23; * Dheuteronomio 22:8.

Kuwana rubatsiro rwakakwana kunoreva here kuti unofanira kuona chiremba vhiki yoga yoga? Kwete hazvo. Nezvemamwe matambudziko anovapo panguva yokuzvitakura uye wasununguka, sangano reWorld Health Organization (WHO) “rakaona kuti vakadzi vanoenda kunoona chiremba ka4 pavanenge vakazvitakura” vanofambirwa zvakanaka nezvinhu “kungofanana nevaya vanoona chiremba ka12 kana kuti kupfuura.”

Zvingaitwa Navanachiremba

Kuti vawedzere mikana yokuti amai nemwana ari mudumbu vasava nematambudziko, vanamazvikokota vezveutano, kunyanya vaya vanoona nezvepamuviri uye kusununguka, vanotora matanho aya:

◼ Vanobvunza zvakaitika zvine chokuita noutano hwaamai, voongorora ngozi dzinogona kuvapo uye zvinogona kuzoitika kuna amai kana kuti kumwana ari mudumbu, vobva vatora matanho okuzvidzivisa.

◼ Vanogona kuongorora ropa kana kuti weti kuti vaone kana pangava nematambudziko akadai sekushomeka kwemasero matsvuku eropa, kupindwa noutachiona, kusawirirana kweropa raamai neremwana, uye zvimwe zvirwere. Zvirwere zvacho zvingasanganisira chirwere cheshuga, rubella, zvirwere zvepabonde, uye chirwere cheitsvo, izvo zvinogona kuita kuti BP ikwire.

◼ Kana zvakanaka uye murwere wacho achibvumirana nazvo, vanogona kuita kuti abayiwe majekiseni okudzivirira furuwenza, tetenasi, uye dambudziko rokusapindirana kweropa raamai neremwana.

◼ Vangakurudzira kuti ashandise mapiritsi anowedzera mavhitamini nezvimwewo uye kudya muriwo kana kuti chiropa.

Vanachiremba pavanongoziva matambudziko ane munhu akazvitakura vobva vatora matanho okuadzivirira kana kuti kubatsira amai vacho kuti vazvidzivirire, vanogona kuwedzera mikana yokuti zvinhu zvifambire zvakanaka amai nemwana asati azvarwa.

Kuderedza Ngozi Panguva Yokurwadza Kwemimba Uye Yokusununguka

Aimbova mutevedzeri wemukuru wesangano rinonzi Family and Community Health reWHO anonzi Joy Phumaphi anoti “nguva ine ngozi zvikuru kuna vanamai vane pamuviri, ndepaya pavanenge vava kurwadziwa nemimba uye pavanozosununguka.” Panguva iyi yakaoma zvii zvingaitwa kuti pasava nematambudziko makuru, kunyange angakonzera rufu? Kutaura chokwadi, matanho acho ari nyore, asi anofanira kuitwa pachine nguva. * Izvi zvinokosha kunyanya kune vaya vasingadi kuwedzerwa ropa nemhaka yezvikonzero zviri muBhaibheri kana kuti vaya vasingadi kuwedzerwa ropa pamusana penjodzi dzakakura dzinogona kuvapo pautano hwavo.—Mabasa 15:20, 28, 29.

Vanaamai vakadaro vanofanira kuita zvose zvavanokwanisa kuti vave nechokwadi chokuti ari kutarisira utano hwavo, anonyatsokwanisa uye kuti ane ruzivo rwakakwana rwokurapa pasina kuwedzera ropa. Uyewo kungava kuchenjera kuti vabereki vanenge vachitarisira kuzova nemwana vaone kuti chipatara kana kuti nzvimbo ichaponera amai inobvuma kuita zvinodiwa nemurwere. * Mibvunzo miviri yakanaka yokubvunza chiremba ndeiyi: 1. Amai kana kuti mwana vakarasikirwa neropa rakawanda kana kuti pakaitika mamwe matambudziko akakura, muchazvifambisa sei? 2. Kana imi chiremba musipo pachazvarwa mwana, ndohupi humwe urongwa huchaitwa?

Mukadzi akangwara achakurukura nachiremba wake kuti aone kana uwandu hwemasero ake machena nematsvuku hwuchisvika mwero unotarisirwa mazuva ake okubatsirwa asati asvika. Kuti ropa raamai riwedzere, chiremba angati vanwe mapiritsi anowedzera mavhitamini uye vadye zvinhu zvakadai semuriwo kana kuti chiropa uyewo zvinhu zvinowedzera iron.

Pane zvimwe zvakawanda zvichada kuti chiremba afunge nezvazvo. Somuenzaniso, amai ava pavaiuya kuzoongororwa pane here matambudziko ane chokuita noutano akaonekwa angada kugadziriswa? Amai vari kutarisira kuzova nemwana vanofanira kupedza nguva yakareba vakamira here? Vanofanira kuwana nguva yakawanda yokuzorora here? Zvingava zvakanaka here kuti vawedzere kana kuderedza uremu hwavo kana kuti kuwedzera kurovedza muviri? Uye vanofanira kuona kuti vari kugeza muviri uye kukwesha mazino zvakanaka here?

Ongororo dzinoitwa dzinoratidza kuti vanhukadzi vakazvitakura pavanova nechirwere chematadza, vanova nemikana yakawanda yokuva nedambudziko rakakura repreeclampsia rinoonekwa nokungoerekana BP yakwira, kutemwa chaizvo nemusoro, uye kuzvimba muviri. * Dambudziko iri ringaita kuti amai vasununguke gavamwedzi uye ndiro rinonyanya kukonzera rufu rwemwana anenge ari mudumbu uye vanaamai, kunyanya munyika dzichiri kusimukira.

Kutaura chokwadi, chiremba anonyatsoziva basa rake akaona chero kanhu kanoratidza kuti amai vakazvitakura vangangova noutachiona, anoona zvokuita nezvazvo. Uye kana amai vakatanga kurwadziwa nepamuviri nguva isati yakwana, anovakurudzira kuti vakurumidze kuenda kuchipatara izvo zvinogona kuponesa upenyu.

Dr. Quazi Monirul Islam, mutungamiriri weDepartment of Making Pregnancy Safer reWHO anoti “vakadzi vanosarudza kufa kuti vaponese vana vavo.” Asi kutarisirwa zvakanaka mune zveutano amai pavanenge vakazvitakura, pavanosununguka uye vachangobatsirwa kunoyamura pakuderedza matambudziko makuru kunyange rufu. Chinotonyanya kukosha ndechokuti uedze kuramba uine utano hwakanaka. Saka kana uchida kuva nemwana ane utano, unofanira kuita zvose zvaunogona kuti iwewo uve amai vane neutano hwakanaka.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 10 Mashoko emutauro wechiHebheru chepakutanga aireva njodzi yaigona kuuraya amai kana kuti mwana asati azvarwa.

^ ndima 21 Vabereki vari Zvapupu zvaJehovha vanogona kuonana neDare Rokukurukura Nezvipatara (HLC) rekwavanogara mwana asati azvarwa. Hama dzinoumba dare iri dzinoshanyira zvipatara uye vanachiremba kuti vavape mashoko ane chokuita nokurapwa pasina kuisirwa ropa kunoitwa Zvapupu. Uyezve, matare aya eHLC angangobatsirawo pakuwana chiremba anoremekedza zvinodavira murwere uye ane ruzivo pakurapa pasingashandiswi ropa.

^ ndima 24 Kunyange zvazvo ongororo dzakawanda dzichidiwa kuti zvionekwe kana chirwere chematadza chichiita kuti pave nemikana yakawanda yekuva nedambudziko repreeclampsia, kuchenjera nguva dzose kuti utarisire matadza nemazino ako.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 17]

Maererano nenhamba yakabudiswa muna October 2007, mukadzi mumwe chete anofa paminiti yoga yoga, zvinoreva kuti pagore vakadzi 536 000 vanofa pamusana pematambudziko ane chokuita nepamuviri.—United Nations Population Fund

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 18]

“Gore roga roga vana vane mamiriyoni 3,3 vanozvarwa vakafa uye vana vanopfuura mamiriyoni 4 vanofa mumazuva anenge 28 vachangoberekwa.”—UN Chronicle

[Mufananidzo uri papeji 19]

 KUGADZIRIRA PANGUVA YAUNENGE UNE PAMUVIRI

1. Pachine nguva refu usati wasununguka, ongorora uye sarudza nokuchenjera chipatara chauchaenda, chiremba wauchada, kana kuti nyamukuta.

2. Enda kunoonekwa nachiremba wako kana kuti nyamukuta kakati wandei kuitira kuti muve noushamwari uye muvimbane.

3. Nyatsotarisira utano hwako. Kana zvichiita shandisa chete mavhitamini anokurudzirwa kumunhu ane pamuviri, asi usanwa mishonga yausina kunzi ushandise nachiremba wako. Zvakanaka kuti usanwa zvinhu zvinodhaka. Sangano reNational Institute on Alcohol Abuse and Alcoholism rinoti, “kunyange hazvo vana vari mudumbu vari ivo vane mikana yakakura yokukuvara kana amai vacho vachinwa zvakanyanya, hazvisati zvanyatsozivikanwa kuti pane here panganzi mukadzi akazvitakura anogona kunwa kusvika apa pasina njodzi dzinogona kuitika.”

4. Kana ukatanga kurwadziwa nepamuviri nguva isati yakwana (vhiki yechi37 isati yasvika), kurumidza kuenda kwachiremba wako kana kuti kuchipatara kumateneti. Kukurumidza kuona zvokuita pasina kunonoka kunogona kudzivisa kusununguka nguva isati yakwana nemamwe matambudziko anozovapo. *

5. Ita zvokunyora pasi marapirwo aunoda kuitwa. Somuenzaniso, vakawanda vakaona zvakanaka chaizvo kuti vagare vane kadhi reDPA rakazadzwa. Bvunza kuti munyika yako ndezvipi zvinoshandiswa uye zvinobvumirwa nomutemo.

6. Wasununguka yeuka kutarisira utano hwako kusanganisira hwemwana wako, kunyanya kana mwana ari gavamwedzi. Kana ukangoona chero dambudziko ripi zvaro enda kunoona chiremba.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 41 Kazhinji vana vanenge vari gavamwedzi vane chirwere chokushomeka kwemasero matsvuku ndivo vanowanzoisirwa ropa, nokuti nhengo dzavo dzomuviri dzinenge dzisingakwanisi kugadzira masero matsvuku anodiwa.